Zvinoita Kuti Pave Nomufaro Wechokwadi
MIRAYIRIDZO yakanaka inoshandiswa pakubika nomubiki anogona inoita kuti pave nezvokudya zvinonaka! Izvi zvakadawo kuti fananei nemawanirwo omufaro. Haukonzerwi nechinhu chimwe chete, asi muupenyu mufaro unokonzerwa nezvinhu zvakawanda. Izvi zvinosanganisira basa, kutamba, nguva yokushamwaridzana nemhuri neshamwari, uye zvokunamata. Asi kune zvimwewo zvinhu zvisinganyatsooneki zvakadai semafungiro, zvatinoda, uye zvinangwa muupenyu.
Tinofara kuti hatifaniri hedu kutsvaka toga zvinoita kuti pave nomufaro wechokwadi. Nei tisingafaniri kudaro? Nokuti Musiki wedu akatipa bhuku rakaisvonaka rine mirayiridzo, Bhaibheri, rava kuwanika rose zvaro kana kuti chikamu charo mundimi nemitauro 2 377—hakuna rimwe bhuku munyika rinobudiswa mundimi nemitauro yakawanda kudai!
mumitauro yakawanda kunoratidza kuti Mwari anoda kuti vanhu vake vafare uye vagare zvakanaka mune zvokunamata. (Mabasa 10:34, 35; 17:26, 27) Mwari anoti, “Ini . . . ndini . . . Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.” Kana tikateerera mirayiro yake, anobva ativimbisa runyararo uye rugare, ‘rwakaita sorwizi.’—Isaya 48:17, 18.
Vimbiso iyoyo inoita kuti tiyeuke mashoko aJesu ataurwa munyaya yapfuura anoti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Kuziva zvinodiwa zvomudzimu kuri kutaurwa pano hakusi kuya kwokungobatira pamusoro kunoitwa muzvitendero. Asi kunochinja upenyu hwedu hwose. Kunoratidza kuda kwatinoita kuteerera uye kudzidziswa naMwari nokuti tinoziva kuti anotiziva zviri nani kudarika maziviro atinozviita. “Chinoita kuti ndinyatsobvuma kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari,” anodaro Errol ave achidzidza Bhaibheri kwemakore anodarika 50, “ndechokuti kana ukashandisa dzidziso dzaro, unobudirira!” Somuenzaniso, chimbofunga zano reBhaibheri rakaisvonaka panyaya dzakadai sedzokutsvaka pfuma nemafaro.
Zano Rouchenjeri Mune Zvemari
Jesu akati,“Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Chokwadi, kukosha kwako chaiko somunhu, zvikurukuru mumeso aMwari, hakubvi pakuti une mari yakawanda sei kubhengi. Kutaura zvazviri, kutsvaka pfuma kunowanzokonzera kuzvidya mwoyo, kunobvisa mufaro muupenyu uye kunoshayisa nguva yokuita zvinhu zvinonyanya kukosha.—Mako 10:25; 1 Timoti 6:10.
Maererano naRichard Ryan, mumwe purofesa wepfungwa kuUnited States, vanhu pavanonyanya kutsvaka kugutsikana nezvinhu zvenyama, ndipowo pavanotadza kugutsikana. Mumwe munyori weBhaibheri anonzi Soromoni akambozvitaura achiti: “Kana uchidisa mari, haugutswi nemari yaunayo; kana uchidisa kuva mupfumi, hauwani zvinhu zvose zvaunoda.” (Muparidzi 5:10, Bhaibheri Rinoera) Izvi zvingaenzaniswa nokuvaviwa kwaunoitwa kana warumwa noumhutu—ukanyanya kukwenya, kuvava kwacho kunobva kwawedzera, kusvikira paita chironda.
Bhaibheri rinotikurudzira kushanda nesimba uye kufarira zvibereko zvebasa redu. (Muparidzi 3:12, 13) Tikadaro, tinobva tawedzera kuzviremekedza—chiri chimwe chinhu chinoita kuti tifare. Tingakwanisawo kuita zvimwe zvinhu zvakanaka zvinofadza muupenyu. Zvisinei, kuita zvimwe zvinhu zvakanaka zvinokonzerwa nemari nokuita kuti kutsvaka pfuma kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu zvinhu zviviri zvakasiyana.
Mafaro Ane Paakakodzera
Kukoshesa zvinhu zvokunamata muupenyu kunoita kuti tibatsirwe kwazvo nenhandaro, nokuzvivaraidza, uye nemamwe mafaro. Jesu aimboendawo kumafaro aisanganisira kudya nokunwa. (Ruka 5:29; Johani 2:1-10) Asi zvinhu izvi zvakanga zvisiri izvo zvainyanya kuita kuti afare muupenyu. Ainyanya kufadzwa nokuita zvinhu zvokunamata, zvaisanganisira kubatsira vamwe kuti vazive nezvaMwari nechinangwa chake nokuda kwevanhu.—Johani 4:34.
Mambo Soromoni akamboedza kuita zvemafaro kuti aone kana zvaizoita kuti afare. “Ndichanyatsonyura mumafaro ndonakidzwa,” akadaro. Mambo akanga akapfuma uyu haana kuzeza kuita zvemafaro kana kuzvitya. Akanyatsonyura mumafaro! Asi, akazonzwa sei? “Zvakanga zvisina maturo,” akanyora kudaro.—Muparidzi 2:1, Bhaibheri Rinoera.
Vanotsvaka mafaro vanowanzonzwa vasina maturo uye vasingagutsikani. Kutaura zvazviri, vatsvakurudzi pavakaenzanisa kutsvaka mafaro nezvinhu zvakadai sokuita basa rinogutsa, zvinhu zvokunamata, uye zvinhu zvemhuri, vakawana kuti kutsvaka mafaro ndiko kunozova pakupedzisira pazvinhu zvose zvinoita kuti vanhu vafare.
Ipa uye Onga
Pane kungozvifunga, vanhu vanofara vanopa uye vanofarira vamwe. “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira,” akadaro Jesu. (Mabasa 20:35) Pane kungopa zvinhu zvokunyama, tinogona kupa nguva nesimba redu, zvingatokosheswa chaizvo, zvikurukuru mumhuri. Varume nemadzimai vanofanira kumbova nenguva yokuva vose kuitira kuti imba yavo isimbe uye ifare, uye vabereki vanofanira kuwanira vana vavo nguva yakakwana, vachitaura navo, vachivaratidza rudo, uye vachivadzidzisa. Kana vomumhuri vakapa nenzira idzi, vanobudirira uye musha wavo unova nzvimbo yomufaro.
Ukuwo, kana ukapiwa zvimwe zvinhu nevamwe—kungava kuti vazvipa ivo kana kuti vangakupa chimwe chinhu neimwe nzira—‘unoratidza kuti unoonga’ here? (VaKorose 3:15) Kurarama uchishandisa mashoko iwaya matatu kunogona kubatsira chaizvo muukama hwedu nevamwe uye kunogona kuwedzera mufaro wedu. Mumwe munhu paanokuonga nomwoyo wose, mwoyo wako haufari here?
Kuratidza kuonga kunoita kuti tizive zvimwe zvinhu zvakanaka zvinenge zvichiitika kwatiri. Mune imwe ongororo yakanyatsoitwa nomazvo, mumwe mutsvakurudzi wepaUniversity of California kuRiverside, U.S.A., akakumbira vanhu vaaiongorora kuti vachengete “kabhuku kokuonga”—dhayari raiva nezvinhu zvavaionga. Hazvishamisi kuti mumavhiki anodarika matanhatu, vanhu vacho vakanzwa kunyatsogutsikana noupenyu.
Ungadzidzei pane izvi? Pasinei nemamiriro ako ezvinhu, dzidza kuonga zvinhu zvakanaka zvinoitika muupenyu hwako. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinokukurudzira kuti udaro, richiti: “Farai nguva dzose. Ongai pamusoro pezvinhu zvose.” (1 VaTesaronika 5:16, 18) Zvechokwadi, kuti tidaro, tinofanira kugara tichifunga nezvezvinhu zvakanaka zvinoitika kwatiri. Wadii wavavarira kuita izvi?
Rudo Netariro—Zvinokosha Kuti Pave Nomufaro
Zvinotaurwa nenzira yakarurama kuti kubva paucheche kusvika parufu, vanhu vanoda kudiwa. Kana vasingaratidzwi rudo, vanhu vanouna. Asi chii chaizvo chinombonzi rudo? Kunyange zvazvo shoko racho richinyanya kushandiswa mazuva ano, Bhaibheri rinorirondedzera zvakaisvonaka richiti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose.”—1 VaKorinde 13:4-8.
Chokwadi rudo rwechokwadi haruna udyire! Nokuti “haruzvitsvakiri zvarwo,” runoda kuti vamwe vafare panzvimbo pokuzvifadza. Zvinosuruvarisa kuti rudo rwakadai ruri kuramba ruchipera. Kutaura zvazviri, muuprofita hwake hunokosha hwaakataura nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino, Jesu akataura kuti “rudo rwevazhinji [rwaizo]tonhora.”—Mateu 24:3, 12; 2 Timoti 3:1-5.
Zvisinei, izvi hazvisi kuzoramba zvakadaro nokusingaperi, nokuti zvingazvidzisa Musiki—ane rudo runotaurwa somunhu! (1 Johani 4:8) Nokukurumidza Mwari achabvisa vanhu vose vari panyika vakazara noruvengo kana kuti vanotungamirirwa noudyire. Achachengetedza vaya chete vanoedza kuva norudo rwarondedzerwa pamusoro apa. Zvichaguma zvaitika ndezvokuti vanhu vose vanenge vari panyika vachava norugare nomufaro. Zvechokwadi zvakapikirwa neBhaibheri zvichazadzika, zvinoti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.
Chimbofungidzira zvako kuti zuva roga roga richange ‘richifadza kwazvo!’ Saka zvinoshamisa here kana Bhaibheri richiti: “Farai patariro”? (VaRoma 12:12) Ungada kudzidza zvakawanda nezvetariro inofadza iyo Mwari achapa vanhu vanoteerera here? Kana uchida tapota verenga nyaya inotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
“Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]
Nyaya Dzevanhu Vakabudirira—Ndedzechokwadi Zvakadii?
Tinombonzwa nyaya dzichingoita zvokutaurwawo dzevanhu vakakurira mumisha yaiva nenhamo asi vakaita zvose zvavaikwanisa vachibva vapfuma kwazvo. “Dzimwe nguva nyaya dzakadaro dzinonzi uchapupu hwokuti vanhu ivavo vakaita zvose zvavaikwanisa mumamiriro ezvinhu akaipa, uye vakabudirira pasinei nokuti pauduku hwavo zvinhu zvakanga zvisina kuvanakira,” anotsanangura kudaro mamwe mashoko anotaura nezvomufaro mupepanhau rinonzi San Francisco Chronicle. “Maererano nokumwe kuongorora, chakaipira mashoko aya ndechokuti vanhu vacho vangave vasina kunyatsobudirira. Vakangoerekana vapfuma.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]
Mufaro Unoita Kuti Uve Noutano Hwakanaka
Kufara mushonga wakanaka. “Kufara kana kuva nounhu hunongoenderana neihwohwo hwakadai sokuva netariro, kutarisira zvakanaka uye kugutsikana zvinoita sezvinoderedza njodzi yokuva kana kuti yokukomba kwechirwere chomwoyo, chemapapu, cheshuga, BP, dzihwa nezvirwere zvokufema,” anodaro mamwe mashoko ari mumagazini inonzi Time. Uyezve, imwe ongororo yakaitwa muHolland pavarwere vakanga vati kurei yakaratidza kuti munguva inodarika makore mapfumbamwe, kufara, kuva netariro kwakaderedza nzufu zvinoshamisa ne50 muzana!
Zvinoita pfungwa pamuviri wedu hazvisati zvajeka. Zvisinei, zvakatsvakurudzwa zvakaratidza kuti vanhu vane mafungiro akanaka, okuva netariro vane makemikari omuviri mashoma okuzvidya mwoyo anonzi cortisol, anozivikanwa kuti anokanganisa gadziriro yomuviri yokuzvidzivirira.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kutevedzera mirayiridzo yakanaka yokubika zvakunoita kuti pave nezvokudya zvinonaka, kutevedzerawo mitemo yaMwari kunoguma nomufaro