Runako Rusingaperi
“RUNAKO runopera; runako runopfuura,” akadaro mudetembedzi Walter De la Mare. Ikoku zvamazvirokwazvo kwakadaro namaruva akaisvonaka ecactus anoratidzirwa pano. Mbiri yawo inokurumidza kupera.
Mudzidzi wechiKristu Jakobho akanyora, kuti: “Uchapfuura [mupfumi] seruva rouswa. Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa, ndokuomesa huswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mufumi uchasvava panzira dzake.”—Jakobho 1:10, 11.
Munyika ino isina chokwadi, upfumi hunogona zvamazvirokwazvo kunyangarika nokukurumidza. Kupfuurirazve, mupfumi—kufanana nomunhu ari wose zvake—‘anogara kwenguva pfupi, kufanana neruva.’ (Jobho 14:1, 2) Jesu akataura mufananidzo womunhu akanga ave akabatikana nokuunganidza pfuma zvokuti aigona kuti dedede ndokuzorora. Asi apo iye akafunga kuti aiva nechinhu chiri chose chaidikanwa nokuda kwoupenyu hwoumbozha, akafa. Jesu akanyevera, kuti: “Ndizvo zvakaita munhu unozviunganidzira fuma, asingafumi kuna Mwari.”—Ruka 12:16-21.
“Kufuma kuna Mwari.” Chii icho Jesu akareva naikoko? Munhu akapfuma neiyi nzira ane “fuma mudenga”—zita rakanaka naMwari. Pfuma yakadaro haitongofaniri kupera. (Mateo 6:20; VaHebheru 6:10) Panzvimbo pokuva akafanana neruva rinosvava, munhu akadaro anoenzaniswa muBhaibheri nomuti, une mashizha asingasvavi. Uye, tinovimbiswa kuti, “chinhu chiri chose chaanoita chichabudirira.”—Pisarema 1:1-3, 6, NW.