RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1990 | March 15
    • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

      ◼ Tinofanira kugumisa here kubva muna Mateo 7:13, 14 naRuka 13:24 kuti kunyange murumuko, vanhu vazhinjisa vacharamba kunamata kwechokwadi?

      Aiwa, idzi ndima hadzitsigiri mhedziso iyoyo. Panzvimbo pezvo, idzo dzine chokuita zvikurukuru nokuwana upenyu muUmambo hwokudenga.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1990 | March 15
    • Revo yaRuka 13:24 yakafanana, sezvinoratidzwa namashoko akapoteredza. Jesu akapa mienzanisiro miviri pamusoro po“umambo hwaMwari.” Gare gare, iye akabvunzwa, kuti: “Ishe, avo vanoponeswa vashoma here?” Jesu akapindura, achiti: “Zvishandisei mumene nesimba kuti mupinde nesuo rakamanikana, nemhaka yokuti vazhinji, ndinokudzai, vachatsvaka kupinda asi havasati vachizokwanisa.” “Vazhinji” vanonongedzera kuvanhu vakakumbira kupinzwa pashure pokunge suo rapfigwa uye rakiiwa. Ivava vakanga vari “vaiti vokusarurama” avo vasina kukwanirisa kuva na“Abrahama naIsaka naJakobho navaporofita vose muumambo hwaMwari.” “Vazhinji” vakanga vafunga kuti vaizova vokutanga “muumambo hwaMwari,” asi ivo zvomenemene vaizova vokupedzisira, sezviri pachena kureva kuti ivo havasati vachizotongovamo.—Ruka 13:18-30.

      Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Jesu akanga achibata nokupinda muUmambo hwokudenga hwaMwari. Vatungamiriri vechiJudha shure panguva iyeyo vakanga vanguve vafarikanya nzvimbo yakaropafadzwa, vachiwana Shoko raMwari. Ivo vairangarira kuti vakanga vakapfuma mumudzimu uye vakarurama pamberi paMwari, mukupesana navanhuwo zvavo, avo ivo vaideredza. (Johane 9:24-34) Bva, Jesu akataura kuti vateresi nemhombwe vakagamuchira shoko rake ndokupfidza vaigona kuva netendero yaMwari.—Enzanisa naMateo 21:23-32; Ruka 16:14-31.

      Vanhuwo zvavo vakava vadzidzi vaJesu vakanga vari mumutsara wokugamuchirwa savanakomana vomudzimu apo danidzo yokudenga yakazaruka paPentakosta ya 33 N.V. (VaHebheru 10:19, 20) Kunyange zvazvo mapoka makuru akanzwa Jesu, avo vakagamuchira uye gare gare vakawana tariro yokudenga vakanga vari vashoma. Asi boka duku ravanhu vakaberekwa nomudzimu rinogamuchira tuso iyoyo raigona kuenzanisirwa naJakobho akatsenhama patafura mudenga naJehovha (Abrahama Mukuru) uye Mwanakomana wake (akafananidzirwa naIsaka). Ikoko zvamazvirokwazvo kwakanga kwakafanira nokuzvishandisa umene nesimba, asi vazhinjisa vakanzwa Jesu havana kuita saizvozvo.

      Somuuyo, tinogona kuona mumashoko akapoteredza muzvinoitika zvose zviri zviviri kuti tsinhiro dzaJesu (pamusoro pavashomanene vari munzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu ndokuponeswa) vakava nechokuita zvikurukuru nokuva netendero yaMwari panguva iyoyo apo Iye akanga achipa tariro youpenyu hwokudenga. Vashomanene zvikuru vakanzwa shoko rezvokwadi ndokudzidza zvaidikanwa vakagamuchira ndokubvumikisa kuva vakatendeka.—Mateo 22:14; 24:13; Johane 6:60-66.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe