-
Mufananidzo Wemupfumi naRazaroJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
“Mutemo neZvakanyorwa nevaprofita zvaivapo kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo umambo hwaMwari huri kuziviswa semashoko akanaka, uye vanhu vemarudzi ose vari kuhuvavarira. Chokwadi, zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pane kuti rutivi rumwe chete rwebhii roMutemo rurege kuzadzika.” (Ruka 3:18; 16:16, 17) Mashoko aJesu anoratidza sei kuti pane kuchinja kuri kuitika?
-
-
Mufananidzo Wemupfumi naRazaroJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Mutemo waMosesi uri kuzadziswa pakuti watungamirira vanhu kuna Mesiya, saka vanhu vachange vasisasungirwi kuuchengeta. Somuenzaniso, Mutemo waibvumira vanhu kuti varambane nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, asi iye zvino Jesu anotsanangura kuti “munhu wose anoramba mudzimai wake, oroora mumwe anoita upombwe, uye anoroora mudzimai akarambwa nomurume anoita upombwe.” (Ruka 16:18) Mashoko aJesu anotsamwisa vaFarisi avo vane katsika kekungogadza tumitemo twakawandisa.
-