-
Kusava Nedivi Ratinotsigira Kunorevei?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
CHIDZIDZO 45
Kusava Nedivi Ratinotsigira Kunorevei?
Jesu akadzidzisa kuti vateveri vake vanofanira kunge ‘vasiri venyika.’ (Johani 15:19) Izvi zvinosanganisira kusapindira mune zvematongerwo enyika uye muhondo. Chokwadi ndechekuti hapasi pese pazviri nyore kusava nedivi raunotsigira. Tinogona kutosekwa nevamwe. Tingaita sei kuti tisava nekwatakarerekera toramba takavimbika kuna Jehovha Mwari?
1. VaKristu vechokwadi vanoona sei hurumende dzevanhu?
VaKristu vanoremekedza hurumende. Tinoita zvakataurwa naJesu paakati, “dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari.” Izvi zvinoreva kuti tinoteerera mitemo yemunyika dzatinogara, yakadai seiya inotaura kuti tibhadhare mitero. (Mako 12:17) Bhaibheri rinodzidzisa kuti hurumende dzevanhu dzinotonga nekuti Jehovha ndiye akadzibvumira kutonga. (VaRoma 13:1) Saka tinoziva kuti masimba ehurumende ane paanogumira. Tinotenda kuti Mwari ndiye achagadzirisa matambudziko ari panyika achishandisa Umambo hwake hwekudenga.
2. Tingaratidza sei kuti hatina divi ratakarerekera?
Jesu akanga asingapindire mune zvematongerwo enyika uye ndiye watinotevedzera. Mumwe musi vanhu pavakaona chishamiso chakanga chaitwa naJesu vakaedza kumuita mambo wavo pasi pano, asi akavatiza. (Johani 6:15) Akazviitirei? Chikonzero chacho ndicho chaakazotaura paakati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Sevadzidzi vaJesu tinoratidza nenzira dzinoverengeka kuti hatina kwatakarerekera. Imwe yacho ndeyekuti hatipindire muhondo. (Verengai Mika 4:3.) Tinoremekedza micherechedzo yenyika yakadai semireza, asi hatiisarute nekuti hazvina kumbosiyana nekuinamata. (1 Johani 5:21) Hatitsigiri kana kupikisa rimwe bato rezvematongerwo enyika kana kuti munhu anenge achida kuvhoterwa. Patinoita seizvi, tinoratidza kuti takavimbika zvakazara kuUmambo hwaMwari, inova ndiyo hurumende yake.
WEDZERA KUONGORORA
Ongorora mamiriro ezvinhu anogona kutipinza pamuedzo panyaya yekusava nekwatakarerekera, uye ona kuti ungasarudza sei zvinofadza Jehovha.
3. VaKristu vechokwadi havana divi ravakarerekera panyaya dzezvematongerwo enyika
Jesu nevateveri vake vakaita zvatinofanira kutevedzera. Verengai VaRoma 13:1, 5-7 uye 1 Petro 2:13, 14. Kana mapedza, onai VHIDHIYO, mobva makurukura mibvunzo inotevera:
Nei tichifanira kuremekedza hurumende dzevanhu?
Ndedzipi dzimwe nzira dzatinoratidza nadzo kuti tinozviisa pasi pehurumende?
Kana iri nguva yehondo, dzimwe nyika dzinogona kutaura kuti hadzina divi radzinotsigira, asi dzinenge dzichibatsira mativi acho ese ari kurwisana. Chii chinonyatsonzi kusava nekwatakarerekera? Verengai Johani 17:16. Kana mapedza, onai VHIDHIYO mobva makurukura mubvunzo unotevera:
Kusava nekwatakarerekera kunorevei?
Ko kana hurumende dzevanhu dzikatiudza kuti tiite chimwe chinhu chinopesana nemutemo waMwari? Verengai Mabasa 5:28, 29. Kana mapedza, onai VHIDHIYO mobva makurukura mibvunzo inotevera:
Kana mutemo wakagadzwa nevanhu ukapesana nemutemo waMwari isu tinofanira kuteerera ani?
Pane mamwe mamiriro ezvinhu aungafunga nezvawo here ekuti muKristu angasarudza kusateerera hurumende dzevanhu?
4. Usava nekwawakarerekera mupfungwa dzako uye pane zvaunoita
Verengai 1 Johani 5:21. Kana mapedza, onai VHIDHIYO mobva makurukura mibvunzo inotevera:
Muvhidhiyo chii chakaita kuti Ayenge asarudze kusapinda mubato rezvematongerwo enyika kana kuita zvinhu zvinoitwa pakutsigira nyika, zvakadai sekusaruta mureza?
Unofunga kuti zvaakaita zvinoratidza kuchenjera here?
Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu anogona kutiisa pamuedzo panyaya yekusava nekwatakarerekera? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
Tingaratidze sei kuti hatina kwatakarerekera panokwikwidzana nyika yedu nedzimwe nyika pamitambo?
Tingaramba sei tisina kwatakarerekera kunyange kana vezvematongerwo enyika vakasarudza kuita zvimwe zvinhu zvinotibata-bata?
Zvinobuda munhau kana kuti vanhu vatinoswera navo vanogona sei kutikanganisa panyaya yekusava nekwatakarerekera?
Panyaya dzipi panofanira kuratidzwa nemuKristu kuti haana kwaakarerekera mupfungwa dzake uye pane zvaanoita?
MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Sei musingasarute mureza kana kuimba rwiyo rwenyika yenyu?”
Ungamupindura uchitii?
PFUPISO
VaKristu vanoedza zvese zvavanogona kuti vasava nekwavakarerekera mupfungwa dzavo, mashoko avo, uye pane zvavanoita.
Kudzokorora
Tinoona sei hurumende dzevanhu?
Nei tisina divi ratinotsigira pane zvematongerwo enyika?
Mamiriro api ezvinhu anogona kutipinza pamuedzo panyaya yekusava nekwatakarerekera?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Dzimwe nguva tinogona kuzvipira kurasikirwa nechii kuti tirambe tisina kwatakarerekera panyaya dzezvematongerwo enyika?
Mhuri dzingaita sei kuti dzigare dzakagadzirira muedzo wekusava nekwavakarerekera pane zvematongerwo enyika?
Ramba Usina Divi Raunotsigira Uri Panoungana Vanhu Vakawanda (4:25)
Nei kudzivirira nyika yaunogara risiri iro basa rinokudzwa kupfuura mamwe ese?
Ongorora kuti ungaite sei kuti usava wenyika paunosarudza kuti wopinda basa ripi.
“Mumwe Nomumwe Achatakura Mutoro Wake” (Nharireyomurindi, March 15, 2006)
-
-
Unogona Kutsungirira Kana Vanhu VachikutambudzaRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
MuKristu wese anotombopikiswa kana kutambudzwa. Izvozvo zvinofanira kutishamisa here?
1. Nei tichitarisira kuti tichatambudzwa?
Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Jesu akatambudzwa nekuti akanga asiri wenyika yaSatani. Isuwo hatisi venyika, saka hazvitishamisi kana tichitambudzwa nehurumende dzenyika ino nemasangano ezvitendero.—Johani 15:18, 19.
2. Tingaita sei kuti tigare takagadzirira kutambudzwa?
Tinofanira kusimbisa chivimbo chedu muna Jehovha iye zvino. Wana nguva yekunyengetera kwaari uye kuverenga Shoko rake zuva rega rega. Gara uchipinda misangano yeungano. Izvi zvichakubatsira kuramba wakasimba uye wakashinga paunotambudzwa, kunyange nevemumhuri. Muapostora Pauro, uyo aiwanzotambudzwa, akanyora kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.”—VaHebheru 13:6.
Chimwe chinogona kutipa ushingi kugara tichiparidza. Kuparidza kunotidzidzisa kuvimba naJehovha uye kusatya vanhu. (Zvirevo 29:25) Kana ukava neushingi hwekuparidza iye zvino, uchakwanisa kuparidza kunyange kana hurumende ikarambidza basa redu.—1 VaTesaronika 2:2.
3. Kutsungirira kana tichitambudzwa kunotibatsira sei?
Hapana munhu anonakidzwa nekutambudzwa, asi patinotsungirira, kutenda kwedu kunosimba. Kutsungirira kunotiswededzawo pedyo naJehovha nekuti tinonyatsonzwa kuti ndiye ari kutibatsira patinofunga kuti hatichazvikwanisi. (Verengai Jakobho 1:2-4.) Jehovha anorwadziwa kana achitiona tichitambura, asi anofara kana tichitsungirira. Bhaibheri rinoti: “Kana mukatsungirira matambudziko nekuti munenge maita zvakanaka, izvozvo zvinofadza Mwari.” (1 Petro 2:20) Jehovha achapa vese vanotsungirira mubayiro weupenyu husingaperi munyika inenge isina vanopikisa kunamata kwechokwadi.—Mateu 24:13.
WEDZERA KUONGORORA
Ongorora kuti tingaita sei kuti tikwanise kushumira Jehovha pasinei nekupikiswa uye kuti zvinotibatsira sei.
4. Unogona kutsungirira kupikiswa nevemumhuri
Jesu akagara ataura kuti vemumhuri medu vanogona kusatitsigira pakunamata kwedu Jehovha. Verengai Mateu 10:34-36, mobva makurukura mubvunzo uyu:
Chii chinogona kuitika kana mumwe munhu mumhuri akasarudza kushumira Jehovha?
Kuti uone kuti izvozvo zvinoitika, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Ungaita sei kana mumwe munhu akakuudza kuti usiye kunamata Jehovha, angava weukama kana shamwari?
Verengai Pisarema 27:10 uye Mako 10:29, 30. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Vimbiso iyi ingakubatsira sei kana uchipikiswa nevemumhuri kana shamwari?
5. Ramba uchinamata Jehovha pasinei nekutambudzwa
Zvinotoda ushingi kuti tishumire Jehovha kana vamwe vachiedza kutitadzisa kudaro. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Chii chakusimbisa muvhidhiyo iyi?
Verengai Mabasa 5:27-29 uye VaHebheru 10:24, 25. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Nei zvichikosha kuti tirambe tichinamata Jehovha kunyange kana basa redu rekuparidza kana misangano zvikarambidzwa?
6. Jehovha achakubatsira kutsungirira
Zvapupu zvaJehovha zvemazera akasiyana-siyana uye zvinobva kwakasiyana-siyana zvakaramba zvichishumira Jehovha kunyange pazvaitambudzwa. Kuti uone kuti chii chakavabatsira, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:
Muvhidhiyo iyi, chii chakabatsira Zvapupu kutsungirira?
Verengai VaRoma 8:35, 37-39 uye VaFiripi 4:13. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Rugwaro urwu runokupa sei chivimbo chekuti unogona kutsungirira chero muedzo?
Verengai Mateu 5:10-12, mobva makurukura mubvunzo uyu:
Chii chingaita kuti ufare paunenge uchitambudzwa?
Zviuru nezviuru zvevanamati vaJehovha zvakakwanisa kutsungirira zvichipikiswa. Iwe unozvigonawo!
VAMWE VANOTI: “Ini kana ndikatambudzwa handingambozvikwanisi.”
Magwaro api angavapa chivimbo chavanofanira kuva nacho?
PFUPISO
Jehovha anokoshesa zvatinoedza kuita kuti timushumire pasinei nekutambudzwa. Anogona kutibatsira kutsungirira!
Kudzokorora
Nei vaKristu vachifanira kutarisira kuti vachatambudzwa?
Ungaita sei iye zvino kuti ugare wakagadzirira panozouya kutambudzwa?
Chii chingakubatsira kuti uve nechivimbo chekuti unogona kushumira Jehovha pasinei nemiedzo?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Ona imwe hama yechidiki ichitsanangura kuti Jehovha akaibatsira sei payakaiswa mujeri nenyaya yekusatsigira zvematongerwo enyika.
Ona kuti chii chakabatsira mumwe murume nemudzimai kushumira Jehovha kwamakore akawanda pasinei nekupikiswa.
Dzidza kuti ungaramba sei wakashinga paunenge uchitambudzwa.
“Gadzirira Iye Zvino Kuzotambudzwa” (Nharireyomurindi, July 2019)
Zvinofanira kutishamisa here kana tichitambudzwa nevemumhuri, uye tingatsungirira sei matambudziko atinosangana nawo patinotambudzwa mumhuri?
“Chokwadi Hachiunzi ‘Rugare, Asi Bakatwa’” (Nharireyomurindi, October 2017)
-