Ganhuro 18
Kuite Vavariro Yako Kubatira Mwari Nokusingaperi
FUNGIDZIRA kuti wakamira pamberi pesuo rakakiyiwa rinopinza mukamuri rine pfuma yakawanda. Ngatitii munhu akapiwa chiremera akupa kiyi uye akuudza kutora izvi zvinhu zvinokosha. Kiyi iyoyo haisati ichizokubetsera kutoti ukaishandisa. Nenzira yakafanana, unofanira kushandisa zivo kana ichizokubetsera.
2 Ikoku ndokwechokwadi zvikuru nokuziva Mwari. Zvirokwazvo, kuziva Jehovha Mwari naJesu Kristu kwakarurama kunoreva upenyu husingaperi. (Johane 17:3) Bva, kariro iyoyo haigoni kuwanwa kupfurikidza nokungova chete nezivo. Sezvawaizoshandisa kiyi inokosha, unofanira kushandisa kuziva Mwari muupenyu hwako. Jesu akataura kuti avo vanoita kuda kwaMwari vaizo“pinda muumambo.” Vanhu vakadaro vaizoropafadzwa nokubatira Mwari nokusingaperi!—Mateo 7:21, NW; 1 Johane 2:17.
3 Pashure pokudzidza kuri kuda kwaMwari, kukuita kunokosha. Ndokupi kwaunofunga kuti kuda kwaMwari nokuda kwako? Kungagona kusanopfupikiswa muawa mashoko: Tevedzera Jesu. Petro Wokutanga 2:21 anotiudza, kuti: “Makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” Kuti uite kuda kwaMwari, ipapoka, unofanira kusanotevera muenzaniso waJesu sezvinobvira. Ndiyo nzira yaunoshandisa nayo kuziva Mwari.
NZIRA IYO JESU AKASHANDISA NAYO KUZIVA MWARI
4 Jesu Kristu anoziva Mwari zvikuru kwazvo kupfuura zvinoita vamwe. Iye akagara ndokushanda naJehovha Mwari mudenga kwenguva yakareba asati auya kupasi. (VaKorose 1:15, 16) Uye Jesu akaitei nezivo yose iyoyo? Iye haana kugutswa nokungova zvake nayo. Jesu akararama mutsinhirano nayo. Ndokusaka akanga ane mutsa, achishivirira, uye ane rudo kwazvo mukubata kwake navanhu biyake. Jesu nokudaro akanga achitevedzera Baba vake vokudenga nokuita mutsinhirano nokuziva kwake nzira dzaJehovha nounhu.—Johane 8:23, 28, 29, 38; 1 Johane 4:8.
5 Zivo iyo Jesu aiva nayo yakamusundawo kuita nhano inokosha. Akabva Garirea achienda kuRwizi rwaJoridhani, uko Johane akamubhapatidza. (Mateo 3:13-15) Chii icho rubhapatidzo rwaJesu rwakaratidzira? SomuJudha, akaberekerwa murudzi rwakazvitsaurira kuna Mwari. Nokudaro, Jesu akanga akazvitsaurira kuvambira pakuberekwa. (Eksodho 19:5, 6) Kupfurikidza nokubhapatidzwa, akanga achizvipa amene kuna Jehovha kuti aite kuda kwaMwari nokuda kwake panguva iyoyo. (VaHebheru 10:5, 7) Uye Jesu akararama mutsinhirano nerevo yorubhapatidzo rwake. Akazvishandisa amene mubasa raJehovha, achigoverana kuziva Mwari navanhu pamukana uri wose. Jesu akawana mufaro mukuita kuda kwaMwari, kunyange kutaura kuti ikoku kwakanga kwakafanana nezvokudya kwaari.—Johane 4:34.
6 Jesu akaziva zvizere kuti kuita kuda kwaJehovha kwaizova kunokosha zvikuru—kuti kwaitozomuparira kurasikirwa noupenyu hwake. Kunyange zvazvo zvakadaro, Jesu akazviramba amene, achiisa zvinodikanwa zvake zvomunhu oga munzvimbo yechipiri. Kuita kuda kwaMwari nguva dzose kwakauya pakutanga. Muna ikoku, tinogona sei kutevera muenzaniso wakakwana waJesu?
NHANO DZINOTUNGAMIRIRA KUUPENYU HUSINGAGUMI
7 Kusafanana naJesu, isu hatina kukwana uye tinogona kusvika chiitiko chinokosha chorubhapatidzo pashure bedzi pokuita dzimwe nhano dzinokosha. Ikoku kunovamba nokupinza kuziva nenzira yakarurama Jehovha Mwari naJesu Kristu mumwoyo medu. Ikoku kunotiparira kushandisa kutenda nokuda Mwari zvikuru. (Mateo 22:37-40; VaRoma 10:17; VaHebheru 11:6) Kuwirirana nemitemo yaMwari, nheyo, uye mipimo kunofanira kutisunda kupfidza, kuratidzira rusuruvaro rwoumwari pamusoro pezvivi zvedu zvomunguva yakapfuura. Ikoku kunotungamirira kukutendeuka, ndiko kuti, kukutenderuka nokusiya nzira ipi neipi isina kururama iyo takatevera apo takanga tisingazivi Mwari. (Mabasa 3:19) Nenzira yomuzvarirwo, kana tichiri kuita pachivande chivi chakati panzvimbo pokuita chiri chakarurama, hatina kutenderuka chaizvoizvo, uyewo hatina kunyengedza Mwari. Jehovha anocherekedza unyengeri hwose.—Ruka 12:2, 3.
8 Zvino izvo wave uchiziva Mwari, hakuna kukodzera here kuti urangarire zvinhu zvomudzimu nenzira chaiyo zvikuru? Zvimwe unodisa kuudza hama dzako dzokunyama, shamwari, uye vamwe zvauri kudzidza. Kutaura idi, ungave wave uchitoita ikoku, kunyange sezvo Jesu akagoverana mashoko akanaka navamwe mumamiriro ezvinhu asina kurongwa. (Ruka 10:38, 39; Johane 4:6-16) Zvino ungada kuita zvakawanda. Vakuru vechiKristu vachafara kutaura newe kuti vasarudze kana uchikwanirisa uye uchikwanisa kuva negoverano yakati mumubato wenguva dzose wokuparidza Umambo weZvapupu zvaJehovha. Kana uchikwanirisa, vakuru vachaita gadziriro dzokuti uperekedze chimwe Chapupu muushumiri. Vadzidzi vaJesu vakatevera mirayiridzo yake kuti vaite ushumiri hwavo nenzira ine nhevedzano. (Marko 6:7, 30; Ruka 10:1) Uchabetserwa nebetsero yakafanana sezvaunogoverana mukuparadzira shoko roUmambo paimba neimba uye mudzimwe nzira.—Mabasa 20:20, 21.
9 Kuparidza mashoko akanaka kumarudzi ose avanhu ari mundima yeungano inzira yokuwana nayo avo vakarurama uye kuri pakati pamabasa akaisvonaka anobvumikisa kuti une kutenda. (Mabasa 10:34, 35; Jakobho 2:17, 18, 26) Kupinda misangano yechiKristu nguva dzose nokuva negoverano ine revo mubasa rokuparidza inzirawo dzokuratidzira nadzo kuti wakapfidza ndokutenderuka uye zvino wakatsunga kurarama maererano nokuziva Mwari. Ndeipi iri nhano inotevera ine mufungo? Kuita tsauriro kuna Jehovha Mwari. Ikoku kunoreva kuti mumunyengetero womwoyo wose, unoudza Mwari kuti uri kupa nokudisa uye nomwoyo wose upenyu hwako kwaari kuti uite kuda kwake. Iyi ndiyo nzira yokuzvitsaurira nayo umene kuna Jehovha ndokugamuchira joko nyoro raJesu Kristu.—Mateo 11:29, 30.
RUBHAPATIDZO—CHARWUNOREVA NOKUDA KWAKO
10 Maererano naJesu, vose avo vanova vadzidzi vake vanofanira kubhapatidzwa. (Mateo 28:19, 20) Nei ikoku kuri madikanwa pashure pokunge waita tsauriro kuna Mwari? Sezvo wakazvitsaurira umene kuna Jehovha, anoziva kuti unomuda. Asi pasina kupokana uchada kuita chimwe chiito kuti ugoita kuti vamwe vazive pamusoro pokuda kwako Mwari. Eya, rubhapatidzo rwunokupa mukana wokuita kuti tsauriro yako kuna Jehovha Mwari izivikanwe pachena.—VaRoma 10:9, 10.
11 Rubhapatidzo rwune revo huru yokufananidzira. Sezvaunonyudzwa, kana kuti “kuvigwa,” pasi pemvura, kwakaita sokunge wafa kuaichimbova mararamiro ako. Apo unobuda mumvura, kwakaita sokunge uri kubuda kuupenyu hutsva, hunodzorwa nokuda kwaMwari uye kwete kwako umene. Chokwadika, ikoko hakurevi kuti hausati uchizoitazve zvikanganiso, nokuti tose zvedu hatina kukwana uye naizvozvo tinotadza zuva nezuva. Zvisinei, somubatiri akazvitsaurira, akabhapatidzwa waJehovha, uchave wapinda muukama chaihwo naye. Nemhaka yorupfidzo rwako nokubhapatidzwa kwako kwokuzvininipisa, Jehovha anodisa kukanganwira zvivi zvako pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Rubhapatidzo nokudaro rwunotungamirira kuhana yakachena pamberi paMwari.—1 Petro 3:21.
12 Jesu akarayira vateveri vake kubhapatidza vadzidzi vatsva “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateo 28:19, NW) Jesu akarevei? Rubhapatidzo “muzita raBaba” rwunoratidzira kuti munhu ari kubhapatidzwa anogamuchira Jehovha Mwari nomwoyo wose soMusiki naChangamire ane maruramiro wechisiko chose. (Pisarema 36:9; 83:18; Muparidzi 12:1) Kubhapatidzwa ‘muzita roMwanakomana’ kunoreva kuti munhu wacho anobvuma Jesu Kristu—uye zvikurukuru chibayiro Chake chorudzikinuro—somutoo bedzi woruponeso wakagoverwa naMwari. (Mabasa 4:12) Rubhapatidzo ‘muzita romudzimu mutsvene’ rwunoreva kuti mubhapatidzwi anobvuma mudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinoshanda, somutoo waMwari wokuita nawo zvinangwa Zvake uye wokusimbisa nawo vabatiri Vake kuti vaite kuda Kwake kwakarurama musonganirano nesangano Rake rinotungamirirwa nomudzimu.—Genesi 1:2; Pisarema 104:30; Johane 14:26; 2 Petro 1:21.
WAGADZIRIRA HERE NOKUDA KWORUBHAPATIDZO?
13 Sezvo rubhapatidzo rwuchireva zvakawanda kwazvo uye rwuri chiito chinokosha zvikurusa muupenyu hwomunhu, inhano yaunofanira kutya here? Nyangwe! Nepo chisarudzo chokubhapatidzwa chisingafaniri kurerutswa, nenzira isingapokanwi ndechokuchenjera zvikurusa chaungagona kuita nenzira inobvira.
14 Rubhapatidzo rwunopa ufakazi hwechisarudzo chako chokubatira Jehovha Mwari. Funga nezvavanhu avo unozivana navo. Munzira yakati, mumwe nomumwe wavo haasati ari kubatira tenzi akati here? Vamwe vanobatira pfuma. (Mateo 6:24) Vamwe vanoronda nokushingaira mabasa avo kana kuti vanozvibatira vamene kupfurikidza nokuita kuti kuitwa kwezvishuvo zvavo vamene kuve kukuru muupenyu. Vamwezve vanobatira vamwari venhema. Asi iwe wakasarudza kubatira Mwari wechokwadi, Jehovha. Hakuna mumwe munhuwo zvake anoratidza mutsa, tsitsi, uye rudo zvikuru zvakafanana. Mwari anokudza vanhu nebasa rine chinangwa iro rinovanangidzira kuruponeso. Anotusa vabatiri vake noupenyu husingaperi. Zvirokwazvo, kutevera muenzaniso waJesu nokupa upenyu hwako kuna Jehovha hakusati kuri nzira yokutya. Chaizvoizvo, ndiyo bedzi inofadza Mwari uye ine mufungo zvakakwana.—1 Madzimambo 18:21.
15 Bva, rubhapatidzo harusati rwuri nhano yokuita nemhaka yokumanikidzwa. Inhau yomunhu oga pakati pako naJehovha. (VaGaratia 6:4) Sezvo wakaita fambiro mberi yomudzimu, ungave wakarangarira, kuti: “Chiiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?” (Mabasa 8:35, 36) Ungazvibvunza umene kuti, ‘Chishoro chemhuri chiri kundidzivisa here? Ndichakabatanidzwa mumamiriro ezvinhu akati asiri apamagwaro here kana kuti muitiro wokutadza? Kungagona kudaro here kuti ndinotya kurasikirwa nokudiwa munzanga?’ Izvi ndizvimwe zvezvinhu zvokurangarira, asi zviyere zvapachokwadi.
16 Hakusati kuri kwapachokwadi kuyera zvakaipa pasina kurangarira betsero dzokubatira Jehovha. Somuenzaniso, rangarira nhau yechishoro chemhuri. Jesu akapikira kuti kunyange kana vadzidzi vake vakarasikirwa nehama dzavo dzokunyama nemhaka yokumutevera, vaizowana mhuri huru zvikuru yomudzimu. (Marko 10:29, 30) Ava vatendi biyako vachakuratidza rudo rwouhama, kukubetsera kutsungirira chitambudzo, uye kukutsigira munzira inoenda kuupenyu. (1 Petro 5:9) Zvikurukuru vakuru veungano vanogona kukubetsera kugonana nezvinetso nokusangana nedzimwe denho nenzira inobudirira. (Jakobho 5:14-16) Kana kuri kurasikirwa nokudiwa munyika ino, ungasanozvibvunza umene kuti, ‘Chii chinogona kuenzana sezvinobvira nokuva netendero yoMusiki wechisiko chose, kumuparira kufara pamusoro pamararamiro angu akasarudzwa?’—Zvirevo 27:11.
KURARAMA MUTSINHIRANO NETSAURIRO YAKO NORUBHAPATIDZO
17 Kunokosha kuyeuka kuti rubhapatidzo harwusati rwuri mugumo wefambiro mberi yako yomudzimu. Rwunoratidzira mavambo ebasa roupenyu hwose kuna Mwari somushumiri akagadzwa uye mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo rubhapatidzo rwuchikosha zvikuru, harwusati rwuri vimbiso yoruponeso. Jesu haana kuti: ‘Munhu ari wose anobhapatidzwa achaponeswa.’ Panzvimbo pezvo, akati: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Naizvozvo, kunokosha kuti utsvake Umambo hwaMwari pakutanga kupfurikidza nokuhuitira hanya zvikurusa muupenyu hwako.—Mateo 6:25-34.
18 Kuti utsungirire mubasa rako kuna Jehovha, uchada kuzvigadzira umene nharidzano dzomudzimu. Nharidzano imwe yakafanira ndeyokuwedzera kuziva kwako Mwari kupfurikidza nefundo yomunhu oga yenguva dzose yeShoko rake. Ronga kuraviwa kwezuva nezuva kweBhaibheri. (Pisarema 1:1, 2) Pinda misangano yechiKristu nguva dzose, nokuti songaniro yaunowana ikoko ichabetsera kukupa simba romudzimu. Somunhu oga, kuregererei kukuita nharidzano yako kutsinhira pamisangano yeungano uye nokudaro kurumbidza Jehovha ndokutsvaka kuvaka vamwe? (VaRoma 1:11, 12) Imwe nharidzano ingava yokunatsa kunaka kweminyengetero yako.—Ruka 11:2-4.
19 Kana uchizorarama maererano nerevo yorubhapatidzo rwako, unofanira kupa ngwariro yenguva dzose kuizvo unoita, kurega mudzimu waMwari uchibereka mauri mavara akadai sorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratia 5:22, 23; 2 Petro 3:11) Yeuka, Jehovha anopa mudzimu mutsvene wake kuna vose vanounyengeterera ndokumuteerera savabatiri vake vakatendeka. (Ruka 11:13; Mabasa 5:32) Naizvozvo nyengetera kuna Mwari nokuda kwomudzimu wake ndokumukumbira betsero mukuratidzira mavara anomufadza. Mavara akadaro achava pachena zvikuru mukutaura kwako nomufambiro sezvaunogamuchira pesvedzero yomudzimu waMwari. Chokwadika, munhu ari wose ari muungano yechiKristu ari kuvavarira kukudza “unhu utsva” kuti ave akafanana zvikuru naKristu. (VaKorose 3:9-14) Mumwe nomumwe wedu anotarisana nedenho dzakasiyana-siyana mukuita ikoku nemhaka yokuti tiri pamwero yakasiyana-siyana yefambiro mberi yomudzimu. Sezvo usina kukwana, unofanira kushanda zvakaoma kuti uve nounhu hwakafanana nohwaKristu. Asi usatongoora mwoyo muna ikoku, nokuti kunobvira nebetsero yaMwari.
20 Pakati penharidzano dzako dzomudzimu panofanira kuva neiya yokusanotevedzera zvikuru muenzaniso unofadza waJesu. (VaHebheru 12:1-3) Akada ushumiri. Kana wakaropafadzwa kugoverana mumubato wokuparidza Umambo, ipapo, usaurega uchingova zvawo chinhu chenhando. Tsvaka kuwana gutsikano mukudzidzisa vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari sezvakaita Jesu. Shandisa murayiridzo uyo ungano inogovera kukubetsera kuvandudza somudzidzisi. Uye iva nechokwadi chokuti Jehovha anogona kukupa simba rokuita ushumiri hwako.—1 VaKorinte 9:19-23.
21 Munhu akazvitsaurira, akabhapatidzwa anoedza nenzira yokutendeka kutevera Jesu anova chaiye kuna Mwari. Jehovha anonzvera mabhiriyoni ose emwoyo yavanhu uye anoziva kuti vanhu vakadaro havawanzowaniki sei. Anovarangarira kuva pfuma, “zvinodikanwa.” (Hagai 2:7) Uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Mwari anorangarira vakadaro savakaiswa chiratidzo chokuti vapukunyuke kuitwa kworutongeso rwake kuchakurumidza kuuya patsika ino yakaipa yezvinhu. (Ezekieri 9:1-6; Maraki 3:16, 18) Waka“tarirwa upenyu husingaperi” here? (Mabasa 13:48) Chishuvo chako chapachokwadi here kuiswa chiratidzo somunhu anobatira Mwari? Tsauriro norubhapatidzo rutivi rwechiratidzo ichocho, uye zvinokosha nokuda kwokupukunyuka.
22 Pashure paMafashamo enyika yose, Noa nemhuri yake vakabuda muareka ndokupinda mupasi rakacheneswa. Nenzira yakafanana nhasi, ve“boka guru” avo vanoshandisa kuziva Mwari muupenyu hwavo ndokuwana tendero yaJehovha vane kariro yokupukunyuka mugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu nokufarikanya upenyu husingaperi papasi rakacheneswa zvechigarire. (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW) Upenyu ihwohwo huchava hwakadini?
EDZA ZIVO YAKO
Jehovha anoda kuti ushandise sei kumuziva kwako?
Ndedzipi dziri nhano dzinotungamirira kurubhapatidzo?
Nei rubhapatidzo rwusati rwuri mugumo asi mavambo?
Tinogona sei kurarama maererano netsauriro yedu norubhapatidzo?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Chii chinodikanwa kunze kwokuziva Mwari?
3. Ndokupi kuri kuda kwaMwari kwatiri?
4. Nei Jesu achiziva zvakawanda kwazvo pamusoro paJehovha, uye akashandisa sei iyi zivo?
5. Nei Jesu akabhapatidzwa, uye akararama sei maererano nerevo yorubhapatidzo rwake?
6. Jesu akazviramba amene munzirai?
7. Inhanoi dzinofanira kuita munhu kuti akwanirise nokuda kworubhapatidzo?
8. Chiitoi chaunofanira kuita apo unoshuva kugoverana mumubato wokuparidza Umambo?
9. Munhu anoita sei tsauriro kuna Mwari, uye tsauriro inotapura sei upenyu hwomunhu wacho?
10. Nei uchifanira kubhapatidzwa pashure pokunge watsaurira upenyu hwako umene kuna Jehovha?
11. Ndeipi iri revo yorubhapatidzo?
12. Kunorevei kubhapatidzwa (a) “muzita raBaba”? (b) ‘muzita roMwanakomana’? (c) ‘muzita romudzimu mutsvene’?
13, 14. Nei tisingafaniri kutya kusarudza kubatira Jehovha Mwari?
15. Ndedzipi dziri mhinganidzo dzinozivikanwa navose kurubhapatidzo?
16. Uchabetserwa sei nokubatira Jehovha?
17. Nei uchifanira kurangarira rubhapatidzo samavambo panzvimbo pomugumo?
18. Pashure porubhapatidzo, ndedzipi dziri nharidzano dzokuronda?
19. Mavarai ayo mudzimu mutsvene unogona kukubetsera kuratidzira?
20. Unogona kutevedzera Jesu muushumiri munzirai?
21. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha anokoshesa vanhu vakatendeka vakabhapatidzwa? (b) Chii chinoratidza kuti rubhapatidzo rwunokosha kukupukunyuka kuitwa kworutongeso rwaMwari patsika ino yakaipa yezvinhu?
22. “Boka guru” ringakarira kariroi?
[Mufananidzo uri papeji 172]
Wakaita tsauriro kuna Mwari mumunyengetero here?
[Mifananidzo iri papeji 174]
Chii chinokudzivisa kubhapatidzwa?