Vanhu Vanofamba Mutsoka dzaJesu
“Takafamba mumudzimu mumwe chetewo, hatina here? Mutsoka dzimwe chetedzo, hatina here?”—2 VAKORINTE 12:18, NW.
1. Neiko kusati kuchiwanzova kwakaoma kuziva mumwe weZvapupu zvaJehovha?
“SEBOKA, ivo vakapfava, vakavimbika, uye vanoita zvakanaka muchikoro. Uku hakugoni kutaurwa nezvamamwe mapoka.” Akataura kudaro mukuru wechikoro chepuraimari muUnited States. Iye akanga achitaura nezvavanaani? Vana veZvapupu zvaJehovha avo vakanga vari vadzidzi muchikoro chake. Zvamazvirokwazvo, vazhinji vakacherechedza kuti Zvapupu zvaJehovha, kubatanidza vana vazvo, kazhinji kazhinji vakatodzana nezvimwe Zvapupu munzira dzakati. Mumakore apfuura kwakava pachena nenzira inowedzera kuti ivo vakabatana zvinoshamisa pamusoro pezvitendero nomufambiro. Naizvozvo Zvapupu hazvina kuoma kuziva.
2. Nderipi raiva vara rinoratidzira reungano yechiKristu yapakuvamba, uye chii icho Pauro aitofanira kutaura pamusoro paichochi?
2 Chinzwano cheZvapupu zvaJehovha ndichimwe chinhu chechienzi munyika ino isina kubatana. Asi hakuna kuoma kunzwisisa kana tikayeuka kuti zvose zviri kuvavarira kufamba mutsoka dzaJesu. (1 Petro 2:21) Chinzwano chakadaro chairatidzirawo maKristu omuzana rokutanga ramakore. Pane imwe nhambo, Pauro akapangira ungano yaiva muKorinte, kuti: “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.” (1 VaKorinte 1:10) Pauro akapawo zano rakafuridzirwa pamusoro penzira yokubata nayo navanhu vasingadisi kuchengeta chinzwano chechiKristu.—Ona VaRoma 16:17; 2 VaTesaronika 3:6.
3, 4. Pauro akarondedzera sei chinzwano chaiva pakati pake amene naTito, uye chii chakanga chiri hwaro hweichi chinzwano?
3 Munenge mugore ra 55 N.V., Pauro akatuma Tito kuKorinte kunobatsira mukuita mipiro nokuda kwehama dzaishaiwa muJudhea uye sezvinobvira kundoona kuti ungano yakanga ichiita sei kuzano raPauro. Gare gare pakunyorera vaKorinte, Pauro akanongedzera kushanyo yemisi yakanga ichangobva kupfuura yaTito ndokubvunza, kuti: “Tito haana kutongokutorerai chinhu, akatora here? Takafamba mumudzimu mumwe chetewo, hatina here? Mutsoka dzimwe chetedzo, hatina here?” (2 VaKorinte 12:18, NW) Pauro akareveiko kupfurikidza nokufamba kwavo “mumudzimu mumwe chetewo” uye “mutsoka dzimwe chetedzo”?
4 Iye akanga achitaura chinzwano chaivapo pakati pake naTito. Tito akanga ari mufambidzani waPauro wapanhambo nenhambo, uye iye pasina panikiro akadzidza zvakawanda kuna Pauro neiyi nzira. Asi chinzwano chaivapo pakati pavaviri chakanga chakavakirwa pachimwe chinhu chakasimba zvikuru kupfuura ichocho. Icho chakanga chakavakirwa paukama hwavo hwakaisvonaka naJehovha uye paidi rokuti vose vari vaviri vakanga vari vateveri vetsoka dzaKristu. Tito akatevedzera Pauro sezvo Pauro akatevedzera Kristu. (Ruka 6:40; 1 VaKorinte 11:1) Naizvozvo makanga muri mumudzimu waJesu nomutsoka dzake umo ivo vakanga vachifamba.
5. Chii chatinogona kukarira kuvanhu nhasi vanotevedzera Pauro naTito sezvavanofamba “mumudzimu mumwe chetewo” uye “mutsoka dzimwe chetedzo”?
5 Hakuzi kwechienzi, ipapoka, kuti maKristu ezana rino ramakore rechi 20, anofamba “mumudzimu mumwe chetewo” no“mutsoka dzimwe chetedzo” saPauro naTito, anofarikanya chinzwano chisina muenzaniso. Kutaura idi, kusanzwana kwamaKristu nezita kunoaratidzira samaKristu enhema, asingafambi mutsoka dzoMutungamiriri uyo vanoti vanotevera. (Ruka 11:17) Uyu musiano unoshamisa uri pakati pamaKristu echokwadi nezita unogona kuenzanisirwa munzira dzakasiana-siana. Ngatidudzei ina.
Utsvene Hweropa
6, 7. (a) Murangariroi wakarurama weropa unobatanidzwa mukufamba mutsoka dzaJesu? (b) Chii chiri musiano uri pakati peZvapupu zvaJehovha navamwe nhasi vanoramba kuisirwa ropa?
6 Munenge mugore ra 49 N.V. mutumbi unodzora weungano yomuzana rokutanga ramakore wakatumira tsamba iyo yakapindura mubvunzo, waiti: Ko maKristu asiri echiJudha anofanira kuteerera Mutemo waMosesi here? Tsamba yacho yakataura izvi: “Mudzimu mutsvene nesu timene takada kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kwezvinhu izvozvi zviri madikanwa, kuti murambe muchirega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori neropa uye nezvinhu zvakadzipwa noufeve.” (Mabasa 15:28, 29, NW) Cherechedza kuti pakati pe“zvinhu zviri madikanwa” pakanga pane kurega ropa. Kufamba mutsoka dzaJesu kwaizoreva kusapinza ropa mumuviri napamuromo kana kuti zvimwe nomuimwe nzira ipi neipi.
7 Iyi nheyo yakapunzwa zvakajeka muchiKristudhomu nomuitiro wokuisira ropa. Chokwadi, mumakore achangobva kupfuura aya chiverengero chakati chavanhu chakaziva nezvengozi kuutano dzokuisirwa ropa uye vakakuramba nokuda kwezvikonzero zvokurapwa. Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru sezvo vazhinji vakabata AIDS yakabva muropa rakaisirwa. Asi ndivanaani vanotsigira utsvene hweropa nokuda kwokuremekedzwa kwomutemo waMwari, vanoita saizvozvo seboka? Apo murwere anoramba kuisirwa ropa, ndiani uyo chiremba anoerikana amufunga kuva? Ko chiremba haasati achiwanzoti here: ‘Iwe unofanira kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha’?
8. Chimwe Chapupu chomuItaly chakakomborerwa sei nokuda kwokutsunga kwacho kuchengeta mutemo waMwari muna ikoku?
8 Antonietta anogara muItaly. Anenge makore masere apfuura iye akanga achirwara zvikuru, uye ropa rake rakanga raderera kwazvo zvokuti vanachiremba vakataura kuti kuisira ropa kwaidikanwa kuponesa upenyu hwake. Iye akaramba uye akashorwa navose vari vaviri vanachiremba nehama dzokunyama. Kunyange vakomana vake vaviri vaduku vakateterera, kuti: “Mhamha, kana muchitida chaizvoizvo, isirwai ropa.” Asi Antonietta akanga akatsunga kuramba akatendeka, uye nomufaro haana kufa. Zvisinei, mugariro wake wakanga wakakomba kwazvo zvokuti chiremba akati: “Hatigoni kutsanangura chikonzero nei iye achiri mupenyu.” Asi apo bedzi rudzi rusingarambwi rwokurapwa rwakavambwa, iye akaita fambiro mberi nokukurumidza zvokuti mumwe chiremba akati: “Handigoni kukudavira—waisambogona kuva akanaya munguva pfupi yakadaro, kwete kunyange kana kudai takanga tapombera ropa mauri muswere wose wezuva.” Panguva ino, iye ndipiona wenguva dzose, uye vanakomana vake vaviri, zvino vane makore okukura 12 ne 14, vari kuita fambiro mberi yakaisvonaka muzvokwadi. Antonietta akachengeta noushingi ‘chinhu chiri madikanwa’ ichocho, utsvene hweropa. Vose veZvapupu zvaJehovha vane murangariro mumwe chetewo sezvavanofamba mutsoka dzaJesu.
Tsika Dzakanaka
9. Ndechipi chiri chimwe ‘chinhu chiri madikanwa’ chinobatanidzwa mukutevera tsoka dzaJesu, uye chii chinoitika kuavo vanokundikana kuchengeta ichochi?
9 Chimwe ‘chinhu chiri madikanwa’ chakasimbiswa tsamba iyoyo yakabva kumutumbi unodzora wezana rokutanga ramakore chaiva “murambe muchirega . . . ufeve.” Mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, Pauro akakudza pana ikoku, achiti: “Kana vafevi, kana kuti vanonamata zvidhori, kana kuti vanhu vakachengeterwa madonzo asiri omuzvarirwo, kana kuti varume vanovatana navarume . . . havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.” (1 VaKorinte 6:9, 10, NW) MaKristu anobetsera vanhu vanoda kubatira Jehovha kuzvibvisira vamene iyi miitiro isina kuchena. Kunyange mitezo yeungano inobatwa nayo inobetserwa kuzvichenesa imene kana ikatenderuka ndokupfidza. (Jakobho 5:13-15) Asi kana muKristu upi noupi akawira mumiitiro ine tsvina yakadaro uye achiramba kupfidza, mutemo weBhaibheri wakananga unoshanda. Pauro akafuridzirwa nenzira youmwari kuti: “Murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombwe. . . . Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.”—1 VaKorinte 5:11, 13.
10, 11. (a) Ndivanaani vanofanira kutakura mutoro wemipimo yetsika yakaderera muchiKristudhomu, uye nei? (b) Chinoitika chomumwe murume womuPhilippines chinoratidzira sei kuti, seboka, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta mipimo yakakwirira yetsika?
10 Pasinei zvapo neiyi dzidziso yakajeka, chiKristudhomu chakazadzwa noutere. Vakuru vorudzidziso avo vanoderedza mipimo youmwari vanoshorwa nokuda kwouyu mugariro, sezvakaita avo vanongotaurawo zvawo mipimo yeBhaibheri asi vanokundikana kuita kuti ichengetwe nenzira youshingi muungano dzavo. Kunyanguvezvo, muna ikokuwo, Zvapupu zvaJehovha savanhu zvinofamba mutsoka dzaJesu.
11 Rangarira Jose, wokuPhilippines. Pazera ramakore 17 iye akanga ava kutozivikanwa somupariri wezvinetso nomubhejeri. Iye aiwanzodhakwa, akanga achirarama upenyu hwoutere, uye kazhinji kazhinji aipinda mutorongo nokuda kwokuba. Ipapo iye akaonana neZvapupu zvaJehovha. “Fundo yeBhaibheri yakachinja chose chose upenyu hwangu,” iye anodaro. “Handisati ndichanwa nokusvuta, uye ndakadzidza kudzora hasha dzangu. Zvino ndine hana yakachena, ndichingova nomudzimai mumwe chete. Ndakawanawo ruremekedzo rwavavakidzani vangu, avo vaisiwanzondidana kuti ‘Jose, ane mukurumbira wakaipa’ uye ‘Jose, chipoko.’ Zvino vanondidana kuti ‘Jose, Chapupu chaJehovha.’ Mwanakomana wangu nomuzukuru wangu vabatiri vanoshumira muungano mandinobatira panguva ino somukuru napiona wenguva dzose.” Jose namamirioni ezvimwe zvapupu zvechiKristu zvaJehovha vanofamba mutsoka dzaJesu samaKristu akachena mutsika.
Kusatora Rutivi
12. Chimiroi chamaKristu echokwadi chakasimbisa Jesu mumunyengetero wake wakanyorwa muna Johane ganhuro 17?
12 Mumunyengetero murefu uyo Jesu akapa pamadekwana okupedzisira iye akanga ane vadzidzi vake, iye akadudza imwe nzira iyo vateveri vake vaizo‘famba mutsoka dzake’ nayo. Achitaura nezvavadzidzi vake, iye akati: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kufanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Ikoku kunoreva kuti maKristu haatori rutivi. Panzvimbo pokutora rutivi mune zvamatongerwe enyika kana kuti rwisano dzamarudzi, anoudza vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari, mushonga bedzi kuzvinetso zvenyika ino.—Mateo 6:9, 10; Johane 18:36.
13, 14. (a) ChiKristudhomu chakasiana sei neZvapupu zvaJehovha munhau yokusatora rutivi? (b) Kuchengeta kusatora rutivi mune zvematongerwe enyika kweChapupu muJapan kwakashanda sei kubetserwo youhama hwose?
13 Iyi nheyo yokusatora rutivi yakakanganwiwa nemitezo mizhinjisa yechiKristudhomu, nokuda kwayo mviromviro dzorudzi dzinowanzova dzinokosha zvikuru kupfuura batano dzorudzidziso. Munyori wenhau weboka ramapepanhau Mike Royko anoonesa kuti “maKristu” haana kutongo“katyamadzwa pamusoro pokurwa hondo namamwe maKristu,” achiwedzera, kuti: “Kudai akanga adaro, zhinjisa dzehondo mhenyu zvikurusa muEurope dzingadai dzisina kutongoitika.” Kuti Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta kusatora rutivi chaiko kwechiKristu munguva dzehondo iidi rinosanozivikanwa. Asi savateveri vetsoka dzaJesu, ivo havatoriwo rutivi munhau dzenzanga kana kuti dzezvamatongerwe enyika. Nokudaro, hapana chinhu chinovhiringidza chinzwano chazvo chinoshamisa chenyika yose.—1 Petro 2:17.
14 Kusatora rutivi kwazvo pane dzimwe nguva kunounza miuyo isingakarirwi. Muruwa rweTsugaru rwokuchamhembe kweJapan, somuenzaniso, kusarudza kunorangarirwa zvakakomba zvikuru. Asi Toshio, mutevedzeri wamanija muBato rezveMari rehofisi yomunzvimbomo yehurumende, akaramba nokuda kwezvikonzero zvehama kubatanidzwa munhimbe yokusarudzwazve kwameya. Ikoku kwakaguma nokuderedzerwa kwake kunzvimbo yakaderera muBato Rokurashwa Kwetsvina yeguta. Gore rimwe gare gare, zvisinei, meya akasungwa ndokumanikidzirwa kurega basa nemhaka yemiitiro yakaipa. Meya mutsva akasarudzwa. Apo iye akanzwa nezvokuderedzwa kwaToshio, iye akamudzorera kunzvimbo yakakwirira yokutungamirira, uye ikoku kwakaunza zvikomborero kuhama dzechiKristu dzaToshio. Seiko? Toshio anotsanangura kuti kwakaoma zvikuru kuwana mvumo yokushandisa horo nokuda kwokuungana kunze kwezvinoitika zvokumhanya. Asi munzvimbo yake yazvino, “Jehovha akakwanisa kundishandisa”—kunokora mashoko aToshio amene—“kuwana kushandiswa kwehoro dzakadaro nokuda kwekokorodzano dzoruwa nhatu namagungano eruwa mana.” Iye anogumisa, kuti: “Chero bedzi tikaramba takatendeka, Jehovha achazarura nzira dzisingafungidziriki kuti atishandise.”
Mumusha
15. Jesu akasiya sei muenzaniso wavateveri vetsoka dzake munhau youkama hwemhuri?
15 Rumwe rutivi umo maKristu ‘anotevera tsoka dzaJesu’ rwuri mumusha. Bhaibheri rinosimbisa muenzaniso waJesu somuenzaniso woukama hwomumba parinoti: “Zviisei pasi pomumwe nomumwe mukutya Kristu. Vadzimai ngavazviise pasi pavarume vavo sokunaShe, nemhaka yokuti murume ndiye musoro womudzimai wake saKristuwo ari musoro weungano . . . Kutaura idi, ungano sezvainozviisa pasi paKristu, naizvozvo vadzimai ngavadarowo kuvarume vavo muchinhu chiri chose. Varume, pfuurirai kuda vadzimai venyu, kungofanana naKristu akadawo ungano ndokuzvipa amene nokuda kwayo.”—VaEfeso 5:21-25, NW.
16, 17. (a) Mugariroi wakashata uri muchiKristudhomu kana toreva nezvoukama hwomumba? (b) Ukama hwomumba hunongogona bedzi sei kuvandudzwa, sezvinoratidzwa nechinoitika chavaviri vakaroorana vomuBrazil?
16 ChiKristudhomu nhasi chinofuratira zvikurusa iri zano uye nokudaro chakazara nemhuri dzakapunzika. Misha yakapunzika inozivikanwa navose, uye rwisano dzavabereki navana dzinowanzokura zvikuru. “Mhuri iri kuparadzika,” akadaro purofesa wokushanda kwendangariro makore akati apfuura. Nyanzvi dzokushanda kwendangariro dzavana, vapi vezano veroorano, uye varapi vendangariro vanongova nebudiriro yakaganhurirwa bedzi mukuchengeta mhuri dzakapinzwa mungozi dziri pamwe chete. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoedza zvakaoma kushandisa nheyo dzeBhaibheri uye zvinozivikanwa nokuda kwoukama hwemhuri huri nani kupfuura avhareji.
17 Aldemar, somuenzaniso, akanga ari mukuru mumapurisa amauto eBrazil uye aiva nezvinetso zvemhuri. Mudzimai wake akamusiya ndokutsvaka paradzano yapamutemo. Iye akavamba kunwa zvikuru uye akatoedza kuzviuraya. Gare gare, hama dzake dzokunyama, idzo dziri Zvapupu zvaJehovha, dzakataura kwaari pamusoro peBhaibheri. Iye akada zvaakanzwa ndokuvamba kufunda. Achida kutsinhiranisa upenyu hwake nechimiro chokusatora rutivi icho Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwacho, iye akakumbira kubudiswa mumauto. Aldemar nomudzimai wake vakapedza misiano yavo yeroorano nokushandisa nheyo dzeBhaibheri idzo Aldemar akanga achidzidza. Nhasi, ivo vari kutevera mutsoka dzaJesu, vachibatira Jehovha pamwe chete samapiona enguva dzose.
Zvinoteerera Nemhaka Yorudo
18. (a) Neiko Zvapupu zvaJehovha zviri kukomborerwa mumudzimu nhasi? (b) Isaya 2:2-4 iri kuzadzika sei nhasi?
18 Kuri pachena kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kufamba zvakabatana mumudzimu uye mutsoka dzaKristu Jesu. Savanhu vamwe navamwe uye seboka, izvo zviri kukomborerwa mumudzimu nokuda kwokuita saizvozvo. (Pisarema 133:1-3) Ufakazi huri pachena hwechikomborero choumwari hwakasunda vazhinji vavanhu vane mwoyo wakatendeseka kuita mutsinhirano nouporofita hwaIsaya 2:2-4. Mumakore mashanu bedzi apfuura, 987 828 vakaita nhanho dziri madikanwa dzetsauriro uye ipapo vakazvipa vamene nokuda kworubhapatidzo rwomumvura. Norudo, Jehovha haana kuisa ganhuriro youdzvinyiriri pachiverengero chavanhu vanogona kuita ikoku “dambudziko guru” risati rarova!—Zvakazarurwa 7:9, 14.
19. (a) Ibetseroi dzinooneka dzingabva mukubatira Jehovha, uye dzinofanira kurangarirwa sei? (b) Ndechipi chiri chikonzero chedu chikuru chokuteerera mirairo yaJehovha?
19 Sezvinoratidzira zvinoitika zviri pamusoro apa, zvikomborero zvomudzimu zvinofarikanywa navanhu vaMwari zvinowanzoperekedzwa nebetsero dzinooneka. Somuenzaniso, kupfurikidza nokurega kusvuta, kupfurikidza nokurarama upenyu hwakanaka, uye kupfurikidza nokuremekedza utsvene hweropa, ivo vangadzivisa kuva vanyajambwa kuhosha dzakati. Kana kuti nemhaka yokurarama mutsinhirano nezvokwadi, ivo vangabetsereka mune zvemari, munzanga, kana kuti mumba. Betsero dzipi nedzipi dzinooneka dzakadaro dzinorangarirwa sechikomborero chinobva kuna Jehovha, uye dzinobvumikisa kushanda kwemitemo yaJehovha. Asi kubvira kwokuwana betsero dzinoshanda dzakadaro hakusati kuri makuri kumene chikonzero chikuru chokuteerera nacho mitemo yaMwari. MaKristu echokwadi anoteerera Jehovha nemhaka yokuti anomuda, nemhaka yokuti akafanirwa nokunamata kwavo, uye nemhaka yokuti kuita kuda kwake ndiko chinhu bedzi chakarurama. (1 Johane 5:2, 3; Zvakazarurwa 4:11) NdiSatani anotaura kuti vanhu vanobatira Mwari bedzi bedzi nokuda kwebetsero dzoudyire.—Ona Jobho 1:9-11; 2:4, 5.
20. Zvapupu zvaJehovha zvanhasi zviri kufamba sei mumudzimu mumwe chetewo seZvapupu zvitatu zvakatendeka zvechiHebheru zvomunguva dzakare?
20 Zvapupu zvomuzuva razvino zvaJehovha zvinofamba mumudzimu mumwe chetewo sezvapupu zvitatu zvakatendeka zviduku zvechiHebheru zvomuzuva raDhanieri. Apo vakatyisidzirwa kukandirwa muchoto chomwoto chinopisa, ivava vakati: “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomwoto unopfuta kwazvo; iye uchatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, [ndiko kutaura kuti, kunyange kana iye akatirega tichifa] zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.” (Dhanieri 3:17, 18) Pasinei zvapo nebetsero dzinooneka dzapedyo kana kuti miuyo, Zvapupu zvaJehovha zvichapfuurira kusanotevera mutsoka dzaJesu, zvichiziva kuti upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari hunopikirwa! Savanhu vakabatana, ivo vachapfuurira kufamba “mumudzimu mumwe chetewo” uye “mutsoka dzimwe chetedzo,” chauya chauya!
Unogona Kutsanangura Here:
◻ Nei Zvapupu zvaJehovha zvakabatana?
◻ Zvapupu zvaJehovha zvinosiana namaKristu nezita mumativii?
◻ Chiri chikonzero chikuru nei maKristu echokwadi achibatira Jehovha?
◻ Kuti vanhu vaMwari vanorangarira sei betsero dzinobva mukuteerera Jehovha?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Apo murwere anoramba kuisirwa ropa, kunowanzorangarirwa kuti iye ndimumwe weZvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vazhinji vanotaura kuva maKristu havana kukatyamadzwa pamusoro pokurwa hondo nomumwe nomumwe—nechikomborero chavakuru vavo vorudzidziso