Upenyu hwaJesu Noushumiri
Munyengetero Wokugumisa Mukamuri Rapamusoro
ACHISUNDWA norudo rukuru nokuda kwavaapostora vake, Jesu ave achivagadzirira nokuda kwokuenda kwake kwava pedyo. Zvino, pashure pokuvapa zano nokuvanyaradza kwenguva refu, iye anotarira kudenga uye anokumbira Baba vake, kuti: “Kudzai mwanakomana wenyu, kuti mwanakomana akukudzei imi, sezvamakamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu husingaperi.”
Musoro unonyandura zvakadini Jesu anotanga—upenyu husingaperi! Zvaakanga apiwa “simba pamusoro penyama yose,” Jesu anogona kupa betsero dzechibairo chorudzikinuro rwake kurudzi rwose rwomunhu runofa. Bva, iye anopa “upenyu husingaperi” bedzi kuavo Baba vanotendera. Achivakira pauyu musoro woupenyu husingaperi, Jesu anopfuuridzira munyengetero wake:
“Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari mumwe bedzi wechokwadi, uye youyo makatuma, Jesu Kristu.” (NW) Hungu, ruponeso runotsamira pakupinza kwedu zivo yavose vari vaviri Mwari noMwanakomana wake. Asi zvakawanda zvinodikanwa kupfuura zivo yomumusoro chete.
Munhu anofanira kusvika pakuvaziva zvikuru, achitanga ushamwari hwokunzwisisa navo. Munhu anofanira kunzwa sezvavanoita pamusoro pezvinhu ndokuona zvinhu kupfurikidza nameso avo. Uye kupfuura zvose, munhu anofanira kuvavarira kutevedzera mavara avo asingaenzaniswi mukubata navamwe.
Jesu anotevera kunyengetera, kuti: “Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite.” Adarozvo kuita mugove wake kusvikira panguva ino uye ane chivimbo chebudiriro yake yomunguva yemberi, iye anokumbira, kuti: “Baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.” Hungu, iye zvino anokumbira kudzorerwa kumbiri yake yakare yokudenga kupfurikidza norumuko.
Achipeta basa rake guru pasi pano, Jesu anoti: “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu. Vakanga vari venyu, mukandipa ivo, vakachengeta shoko renyu.” Jesu akashandisa zita raMwari, Jehovha, muushumiri hwake uye akaratidzira kududzwa kwakarurama kwaro, asi iye akaita zvakawanda kupfuura izvozvo kuita kuti zita raMwari rive pachena kuvaapostora vake. Iye akakudzawo zivo yavo nokunzwisiswa kwaJehovha, kwohunhu hwake, uye kwamadonzo ake.
Achipa mbiri Jehovha soMukuru wake, Uyo anobatira pasi pake, Jesu anobvuma nokuzvininipisa, kuti: “Ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi.”
Achiita musiano pakati pavateveri vake norutivi rwose rworudzi rwomunhu, Jesu anotevera kunyengetera, kuti: “Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi avo vamakandipa, . . . ndichiri navo, ini ndaivachengeta . . . ndakavarinda, hapana nomumwe wavo akarashika, asi mwanakomana wokurashwa,” ndiko kuti, Judhasi Iskarioti. Panguva ino imene, Judhasi ari parwendo rwake rwakaipa rwokushambadza Jesu. Nokudaro, Judhasi asingazivi ari kuzadzika Magwaro.
“Nyika yakavavenga,” Jesu anopfuurira kunyengetera. “Ndinokukumbirai, kusavabudisa munyika, asi kuvachengeta nemhaka yowakaipa. Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” Vateveri vaJesu vari munyika, ichi chaunga chavanhu chakarongwa chinotongwa naSatani, asi ivo havasati vari uye nguva dzose vanofanira kuramba vakaparadzana nayo nouipi hwayo.—NW.
“Muvaite vatsvene muzvokwadi,” Jesu anopfuurira, “shoko renyu izvokwadi.” Pano Jesu anodana Magwaro echiHebheru akafuridzirwa, umo anonokora mashoko nguva dzose, kuti “zvokwadi.” Asi izvo iye akadzidzisa vadzidzi vake uye izvo ivo gare gare vakanyora mufuridziro saMagwaro echiKristu echiGiriki nenzira yakafanana i“zvokwadi.” Iyi zvokwadi inogona kutsvenesa munhu, kuchinja upenyu hwake chose chose, uye kumuita munhu akaparadzana nenyika.
Jesu zvino anonyengetera “handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo [maari] neshoko ravo.” Naizvozvo Jesu anonyengeterera avo vachava vateveri vake vakazodzwa navadzidzi vomunguva yemberi vaizounganidzirwa mu“boka rimwe.” Chii chaanokumbirira vose ivava? “Kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; . . . kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe.”
Jesu naBaba vake havasati vari munhu mumwe chaizvoizvo, asi vanobvumirana pazvinhu zvose. Jesu anonyengetera kuti vateveri vake vafarikanye humwe humwe chete ihwohwu kuitira kuti “nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada, sezvamakandida ini.”
Nokuda kwaavo vaizova vateveri vake vakazodzwa, Jesu zvino anokumbira Baba vake vokudenga. Nokuda kwei? “Vavewo neni apo pandiri, kuti vaone kubwinya kwangu kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa,” ndiko kuti, apo Adhama naEvha vakanamba mwana wavo wokutanga. Kare kare pamberi paikoko, Mwari akada Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, uyo akava Jesu Kristu.
Achigumisa munyengetero wake, Jesu anosimbisazve, kuti: “Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo rwuve mavari, neni ndive mavari.” Nokuda kwavaapostora, kudzidza zita raMwari kwakabatanidza kusvika somunhu oga pakuziva rudo rwaMwari. Johane 17:1-26; 10:16; Zvirevo 8:22, 30.
▪ Jesu akapiwa “simba panyama yose” mupfungwai?
▪ Kupinza zivo yaMwari noMwanakomana wake kunorevei?
▪ Jesu akaratidzira zita raMwari munzirai?
▪ “Zvokwadi” chii, uye iyo “inotsvenesa” sei muKristu?
▪ Mwari, Mwanakomana wake, uye vanamati vose vechokwadi ndivamwe sei?
▪ “Kuvambwa kwenyika” kwakavapo rini?