Upenyu hwaJesu Noushumiri
Anogamuchidzwa Ndokuendeswa
APO Pirato, asundwa nechiremera chakanyarara chaJesu anotambudzwa, anoedza zvakare kumusunungura, vaptrista vakuru vanova vakatoshatirwa zvikuru. Ivovakatsunga kusarega chinhu chichidzongonyedza donzo ravo rakaipa. Naizvozvo vanomutsidzira kudanidzira kwavo, vachiti: “Muroverei! Muroverei!”
“Mutorei imi mumene mumurovere,” (NW) Pirato anopindura kudaro mukesemburwa. Mukupesana nokutaura kwavo pamberi pezvi, vaJudha vangava nechiremera chokuuraya matsotsi nokuda kwemhaka dzorudzidziso idzo dziri dzoukombi hwakakwana. Ipapo, kweinenge nguva yechishanu, Pirato anozivisa Jesu kuva asina mhaka, achiti: “Handiwani mhosva kwaari.”
VaJudha, vachiona kuti pomero dzavo dzezvamatongerwe enyika dzakundikana kubudisa miuyo, vanodzokera papomero yorudzidziso yokutuka Mwari yakashandiswa maawa pamberi pezvi pakutongwa kwaJesu pamberi peSanihedrini. “Isu tino murairo,” ivo vanodaro, “zvino nomurairo wedu unofanira kufa, nokuti wakazviita mwanakomana waMwari.”
Iyi pomero itsva Pirato, uye inomuparira kuva anotya zvikuru. Panguva ino iye anoziva kuti Jesu haasati ari munhuwo zvake, kunyange sezvo chiroto chomudzimai wake nesimba rinoshamisa raJesu rohunhu zvinoratidzira. Asi “mwanakomana waMwari”? Pirato anoziva kuti Jesu anobva Garirea. Bva, sezvinobvira iye angagona kuva akararama kare here? Achimudzorera muimba yamambo zvakare, Pirato anobvunza, kuti: “Uri wepiko?”
Jesu anoramba akanyarara. Pamberi pezvi iye akanga audza Pirato kuti ndimambo, asi kuti Umambo hwake hahusati huri rutivi rwenyika ino. Hapana imwe tsananguro zvino yaizobatira donzo rinobetsera. Zvisinei, rudado rwaPirato rwunokuvadzwa nokuramba kupindura, uye iye anoshatirirga Jesu namashoko, anoti: “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera?”
“Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro;” Jesu anopindura kudaro nenzira yokuremekedza. Iye ari kunongedzera kukupiwa naMwari kwesimba kuvatongi vavanhu rokutarisira zvinhu zvapasi. Jesu anowedzera, kuti: “Naizvozvo wakandiisa kwauri, une zvivi zvinokunda zvako.” Zvamazvirokwazvo, muprista mukuru Kayafasi navamabiyake Judhasi Iskarioti vose vano mutoro unorema zvikuru kupfuura Pirato wokubatwa kusakafanira kwaJesu.
Aororwa zvinotova zvikuru naJesu uye achitotya kuti Iye angava namavambo oumwari, Pirato anomutsiridza nhamburiko dzake dzokuMusunungura. VaJudha, zvisinei, vanozvidza Pirato. Ivo vanodzokorora pomero yavo yezvamatongerwe enyika, vachityisidzira nenzira yamanomano, kuti: “Kana mukasunungura munhu uyu, hamuzi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe unozviita mambo, unoramba Kesari.”
Pasinei zvapo nebatanidzo dzakakomba, Pirato anobudisa Jesu kunze zvakare. “Tarirai mambo wenyu!” iye anokumbira zvakare.
“Bvisai, Bvisai, mumurovere!” inouya mhinduro.
“Ndorovera mambo wenyu here?” Pirato anobvunza kudaro mukupererwa nezano.
VaJudha vatambudzika mukutonga kwavaRoma. Zvamazvirokwazvo, ivo vanozvidza udzori hweRoma! Bva, nenzira yokunyengera, vaprista vakuru vanoti: “Hatina mambo, asi Kesari chete.”
Achityira nzvimbo yake yezvamatongerwe enyika nomukurumbira, Pirato pakupedzisira anotera kuzvirairo zvoutsinye, zvokutyisidzira zvavaJudha. Iye anogamuchidza Jesu. Varwi vanobvisira Jesu nguvo yepepuru ndokumupfekedza nguvo dzake dzokunze. Sezvo Jesu anotungamirirwa kuti aroverwe, anoitwa kuti atakure danda rake amene rokutambudzira.
Pari zvino pava pakati pamangwanani paChishanu, Nisan 14; zvichida masikati makuru ava kusvika. Jesu ave akamuka chibviro chamangwanani-ngwanani eChina, uye iye atambura chinoitika chimwe chinorwadza pashure pechimwe. Nenzira inonzwisisika, simba rake rinokurumidza kupera achiremerwa nedanda. Naizvozvo mupfuuri, Simoni akati weKrini muAfrica, anosundwa kupinda mubasa kuti aritakure nokuda kwake. Sezvo vanopfuurira, chiverengero chikuru chavanhu chinotevera, kubatanidza vakadzi vazhinji vanozvirova vamene munhamo ndokuchema Jesu.
Achitendeukira kuvakadzi, Jesu anoti: “Vakunda veJerusarema, musandichema ini, asi muzvichemi imi navana venyu; nokuti tarirai, mazuva anouya avachati: ‘Vakaropafadzwa vasingaponi nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kumwisa!’ Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti: ‘Wirai pamusoro pedu,’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei.’ Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?”
Jesu ari kunongedzera kumuti worudzi rwechiJudha, uyo uchine unyoro hwoupenyu mauri nemhaka yokuvapo kwaJesu nokuvapo kwavakasarira vanotenda maari. Asi apo ivava vanobudiswa murudzi, muti wakafa mumudzimu bedzi uchasara, hungu, sangano rorudzi rakaoma. Haiwa, kuchava nechikonzero chakadini chokuchema apo mauto eRoma, achibatira savaurayi vaMwari, anoparadzanya rudzi rwechiJudha! Johane 19:6-17; 18:31; Ruka 23:24-31; Mateo 27:31, 32; Marko 15:20, 21.
◆ Ipomeroi iyo vatungamiriri vorudzidziso vanoitira Jesu apo pomero dzavo dzezvamatongerwe enyika dzinokundikana kubudisa miuyo?
◆ Neiko Pirato zvichida achiva anotya zvikuru?
◆ Ndiani ane chivi chikuru zvikuru chechinoitika kuna Jesu?
◆ Vaprista vanoita sei kuti Pirato agamuchidze Jesu nokuda kwokuurawazvozvo?
◆ Chii chinoudza Jesu vakadzi vanomuchema, uye chii chaanoreva nokunongedzera kumuti so“munyoro” uye ipapo “wakaoma”?