MUBVUNZO 6
Bhaibheri rakagara ratii nezvaMesiya?
UPROFITA
“Iwe Bhetrehema Efrata, . . . kwauri kuchabva munhu achava mutongi muIsraeri achindimiririra.”
KUZADZISWA KWAHWO
“Pashure pekunge Jesu aberekwa muBhetrehema reJudhiya mumazuva aMambo Herodhi, vazivi venyeredzi vekuMabvazuva vakabva vasvika kuJerusarema.”
UPROFITA
“Vanogovana nguo dzangu, uye vanokandira zvipfeko zvangu mijenya.”
KUZADZISWA KWAHWO
“Varwi pavakanga varoverera Jesu, vakakamura nguo dzake dzekunze kuita migove mina . . . Asi nguo yemukati yakanga isina musono, nekuti yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvikira pasi. Saka vakataurirana kuti: ‘Ngatiregei kuibvarura, tikande mijenya tione kuti ichava yaani.’”
UPROFITA
“Anochengetedza mapfupa ake ese; hapana kana rimwe chete rawo rakatyorwa.”
KUZADZISWA KWAHWO
“Asi pavakasvika pana Jesu, vakaona kuti akanga atofa, saka havana kutyora makumbo ake.”
UPROFITA
“Akapwanyiwa nekuda kwekukanganisa kwedu.”
KUZADZISWA KWAHWO
“Mumwe murwi akamubaya parutivi pake nepfumo, ropa nemvura zvikabva zvabuda.”
UPROFITA
“Vakabva vandibhadhara masirivha 30.”
KUZADZISWA KWAHWO
“Mumwe wevane Gumi Nevaviri, ainzi Judhasi Iskariyoti, akabva aenda kuvatungamiriri vevapristi, akati: ‘Ndikamutengesa kwamuri munondipei?’ Ivo vakati vaizomupa masirivha 30.”