“Mwari Akatida Saizvozvo”
“Kana Mwari akatida saizvozvo, nesuwo tinofanira kudana.”—1 JOHANE 4:11.
1. Pana March 23 pashure pokuvira kwezuva, nei mamiriyoni avanhu achave akaungana muHoro dzoUmambo nedzimwe nzvimbo dzokusongana kupota pasi rose?
PASVONDO, March 23, 1997, pashure pokuvira kwezuva, pasina mubvunzo kuchava navanhu vanopfuura 13 000 000 munyika yose avo vachaungana muHoro dzoUmambo nedzimwe nzvimbo dzokusongana dziri kushandiswa neZvapupu zvaJehovha. Nei? Nemhaka yokuti mwoyo yavo yakaororwa nokuratidzira kwaMwari kukurusa rudo kurudzi rwomunhu. Jesu Kristu akanangidzira ngwariro paufakazi ihwohwo hwakaisvonaka hworudo rwaMwari, achiti: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani naani unotenda kwaari arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16.
2. Mibvunzoi iyo tose zvedu tingagona kuzvibvunza timene nenzira inobetsera pamusoro pokugamuchira kwedu rudo rwaMwari?
2 Sezvatinorangarira rudo urwo Mwari akaratidza, tinoita zvakanaka kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndinoonga zvirokwazvo izvo Mwari akaita here? Nzira yandiri kushandisa nayo upenyu hwangu inopa here ufakazi hwokuonga ikoko?’
“Mwari Rudo”
3. (a) Nei kuratidzirwa kwerudo kusiri kwechienzi kuna Mwari? (b) Simba nouchenjeri zvinooneka sei mumabasa ake echisiko?
3 Kuratidzira rudo makuri kumene hakusi kwechienzi kuna Mwari nemhaka yokuti “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Rudo ndiro vara rake gurusa. Apo akanga achigadzirira pasi kuti rigarwe navanhu, kukwidza kwake makomo uye kuunganidzira mvura munyanza nemakungwa kwaiva kuratidzirwa kunoshamisa kwesimba. (Genesi 1:9, 10) Apo Mwari akaita kuti kutenderera kwemvura nokutenderera kweoxygen kushande, apo akagadzira zvinhu zvipenyu zviduku zvikuru zvokusagona kuonekwa nemaziso zvisingaverengeki nemhatsa yemiti kuti zvichinje makemikari apasi kuva muchimiro icho vanhu vanogona kudya kuitira kuti vatsigire upenyu hwavo, apo akaita kuti kuziva kwedu nguva kuwirirane nourefu hwemazuva nohwemwedzi zviri panyika yaPasi, ikoku kwakaratidzira uchenjeri hukuru. (Pisarema 104:24; Jeremia 10:12) Bva, hwakatotanhamara zvikuru muchisiko chinooneka hufakazi hworudo rwaMwari.
4. Muchisiko chinooneka, ufakazii hwerudo rwaMwari uhwo tose zvedu tinofanira kuona ndokuonga?
4 Kuravira kwedu kunotiudza nezverudo rwaMwari apo tinoruma muchero une muto, wakaibva uyo sezvinooneka wakagadzirirwa kwete bedzi kutitsigira asiwo kutiunzira mufarwa. Meso edu anoona ufakazi hwakajeka hwaikoku mukuvira kwezuva kunoshamisa, matenga akazadzwa nenyeredzi pausiku hwakajeka, zvimiro zvakasiyana-siyana uye mavara akajeka emaruva, kutamba kwemhuka duku, uye kunyemwerera kwoushamwari kweshamwari. Mhino dzedu dzinotiita kuti tizive nezvazvo patinofema kunhuwira kwakaisvonaka kwemaruva echirimo. Nzeve dzedu dzinonzwa sezvatinoteerera mapopoma, nziyo dzeshiri, uye manzwi evadiwa. Tinozvinzwa apo mudiwa anotimbundira nenzira youshamwari. Mhuka dzakati dzakagoverwa mano okuona, okunzwa, kana kuti okunhuwidza zvinhu izvo vanhu vasingagoni. Asi rudzi rwomunhu, rwakaitwa mumufananidzo waMwari, rwune mano okuziva rudo rwaMwari nomutoo usina mhuka inogona.—Genesi 1:27.
5. Jehovha akaratidza sei rudo rukuru kuna Adhama naEvha?
5 Apo Jehovha Mwari akasika vanhu vokutanga, Adhama naEvha, akavapoteredza neufakazi hwerudo rwake. Akanga asima bindu, paradhiso, uye akasakisa miti yerudzi rwose kukura mariri. Akanga agovera rwizi rwokuridiridza ndokurizadza neshiri nemhuka dzinofadza. Akapa zvose izvozvi kuna Adhama naEvha somusha wavo. (Genesi 2:8-10, 19) Jehovha akabata navo savana vake, rutivi rwemhuri yake yomuchisiko chose. (Ruka 3:38) Vagovera Edheni somuenzaniso, Baba vokudenga veava vanhu vaviri vokutanga vakaisa pamberi pavo mugove unogutsa wokutambanudzira Paradhiso kuti ifukidze pasi rose. Pasi rose rakanga richizozadzwa nevana vavo.—Genesi 1:28.
6. (a) Unonzwa sei pamusoro penzira yokupandukira yakaitwa naAdhama naEvha? (b) Chii chingaratidzira kuti takadzidza mune zvakaitika muEdheni uye kuti takabetserwa nekuziva ikoko?
6 Nokukurumidza, zvisinei, Adhama naEvha vakatarisana nemuedzo wekuteerera, muedzo wekuvimbika. Pakutanga mumwe uye ipapo mumwe wacho vakakundikana kuratidza kuonga rudo rwavakanga vapihwa. Zvavakaita zvakanga zvichikatyamadza. Zvakanga zvisingapembedzwi! Somugumisiro, vakarasikirwa noukama hwavo naMwari, vakadzingwa mumhuri yake, uye vakatandwa muEdheni. Isu nhasi tichiri kunzwa migumisiro yechivi chavo. (Genesi 2:16, 17; 3:1-6, 16-19, 24; VaRoma 5:12) Asi takadzidza mune zvakaitika here? Isu tiri kugamuchira sei rudo rwaMwari? Zvisarudzo zvatinoita zuva rimwe nerimwe zvinoratidza here kuti tinoonga rudo rwake?—1 Johane 5:3.
7. Pasinei zvapo neizvo Adhama naEvha vakaita, Jehovha akaratidza sei kuda vana vavo?
7 Kunyange kushayikwa kukuru kwekuonga uko vabereki vedu vokutanga vavanhu vakaratidza nokuda kwezvose izvo Mwari akanga avaitira hakuna kudzvinyirira rudo rwaMwari amene. Nemhaka yekunzwira tsitsi vanhu vakanga vasina kuberekwa panguva iyoyo—kubatanidza vaya vedu vari vapenyu nhasi—Mwari akabvumira Adhama naEvha kurera mhuri vasati vafa. (Genesi 5:1-5; Mateo 5:44, 45) Kudai akanga asina kuita izvozvo, hapana nomumwe wedu aizodai akaberekwa. Kupfurikidza nokuzarurwa kunofambira mberi kwekuda kwake, Jehovha akagoverawo hwaro hwetariro yaavo vose vevana vaAdhama vaizoshandisa kutenda. (Genesi 3:15; 22:18; Isaya 9:6, 7) Gadziriro yake yaibatanidza mutoo uyo kupfurikidza nawo vanhu vamarudzi ose vaigona kuwanazve icho Adhama akanga arasikirwa nacho, ndiko kuti, upenyu hwakakwana semitezo inotenderwa yemhuri yaMwari yomuchisiko chose. Akaita ikoku kupfurikidza nokugovera rudzikinuro.
Nei Paifanira Kuva neRudzikinuro?
8. Nei Mwari aisangogona kurayira kuti kunyange zvazvo Adhama naEvha vaifanira kufa, hapana nomumwe wavana vavo vanoteerera aifanira kufa?
8 Kwaiva madikanwa chaizvoizvo here kuti mutengo worudzikinuro muchimiro choupenyu hwomunhu ubhadharwe? Mwari aisagona here kuve akangorayira kuti kunyange zvazvo Adhama naEvha vaifanira kufira kupandukira kwavo, vana vavo vose vaizoteerera Mwari vaigona kurarama nokusingaperi? Mukurangarira kwomunhu kusina nzwisiso, ikoko kunganzwika sokune mufungo. Zvisinei, Jehovha “unoda kururama nokururamisa.” (Pisarema 33:5) Adhama naEvha vakabereka vana pashure bedzi pokunge vava vatadzi; naizvozvo hapana nomumwe wavana vavo ivavo akaberekwa akakwana. (Pisarema 51:5) Vose vaiva nenhaka yechivi, uye chirango chechivi rufu. Kudai Jehovha akanga afuratira ikoku, rudzii rwemuenzaniso urwo ikoko kungadai kwakagadzira mitezo yemhuri yake yomuchisiko chose? Aisagona kufuratira mipimo yake amene yakarurama. Airemekedza mipimo yeruramisiro. Hakuna munhu aigona kumbowanira mhaka nenzira yakarurama mabatire akaita Mwari nhau dzaibatanidzwa.—VaRoma 3:21-23.
9. Maererano nomupimo woumwari weruramisiro, rudzii rwerudzikinuro rwaidikanwa?
9 Ipapo, hwaro hwakakodzera hwaigona sei kugoverwa hwokununura vana vaya vaAdhama vaizoratidzira kuteerera kune rudo kuna Jehovha? Kana munhu akakwana akanga achizofa sechibayiro, ruramisiro yaigona kubvumira ukoshi hwoupenyu ihwohwo hwakakwana kugovera chifukidzo chezvivi zveavo vaizogamuchira rudzikinuro mukutenda. Sezvo chivi chomunhu mumwe, Adhama, chakasakisa mhuri yose yomunhu kuva vatadzi, ropa rakadeurwa remumwe munhu akakwana, roukoshi hunowirirana, raigona kudzikamisa ruramisiro. (1 Timotio 2:5, 6) Asi munhu akadaro aigona kuwanwa kupi?
Mutengo Wacho Waive Wakakura Sei?
10. Nei vana vaAdhama vasina kukwanisa kugovera rudzikinuro rwaidikanwa?
10 Pakati pevana vemutadzi Adhama, hapana nomumwe aigona kugovera chaidikanwa kuitira kuti awanezve kariro dzoupenyu idzo Adhama akanga arasikirwa nadzo. “Hapana ungatongodzikinura hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake; (nokuti rudzikinuro rwemweya yavo runokosha, runofanira kuregwa nokusingaperi); kuti arambe ari mupenyu misi yose, arege kuona kuora.” (Pisarema 49:7-9) Panzvimbo pokusiya rudzi rwomunhu rwusina tariro, Jehovha amene akaita gadziriro nenzira yengoni.
11. Jehovha akagovera upenyu hwomunhu hwakakwana hwaidikanwa nokuda kwerudzikinuro rwakakodzera nemutooi?
11 Jehovha haana kutuma ngirozi kupasi kuti inyepedzere kufa kupfurikidza nokuvatisa muviri womunhu wakapfekwa nepo yaipfuurira kurarama somudzimu. Panzvimbo pezvo, kupfurikidza nokuita chishamiso icho Mwari bedzi, Musiki, aigona kuve akaronga, akatamisira simba roupenyu nounhu zvemumwe mwanakomana wokudenga kudumbu remukadzi, Maria mwanasikana waHeri, werudzi rwaJudha. Simba raMwari rinobata basa, mudzimu mutsvene wake, wakadzivirira kukura kwemwana mudumbu raamai vake, uye akaberekwa ari munhu akakwana. (Ruka 1:35; 1 Petro 2:22) Iyeyu ipapo akanga aine mutengo waidikanwa kugovera rudzikinuro rwaizogutsa zvizere zvinodikanwa zveruramisiro youmwari.—VaHebheru 10:5.
12. (a) Jesu “Mwanakomana [waMwari] akaberekwa mumwe chete” mupfungwai? (b) Kutuma kwaMwari iyeyu kuti agovere rudzikinuro kwakasimbisa sei kutida Kwake?
12 Jehovha akapa mugove iwoyu kune upi wevanakomana vake vokudenga vazhinjizhinji? Kune uyo anorondedzerwa muMagwaro se“Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwe chete.” (1 Johane 4:9) Uku kutaura kunoshandiswa kurondedzera, kwete zvaakava apo akaberekwa somunhu, asi zvaaive ari mumatenga ikoko kusati kwaitika. Ndiye bedzi uyo Jehovha akasika zvakananga pasina batira pamwe yomumwe munhu upi noupi. Ndiye Dangwe rechisiko chose. Ndiye akashandiswa naMwari kuita kuti zvimwe zvisikwa zvose zvivepo. Ngirozi vanakomana vaMwari, seizvo Adhama aiva mwanakomana waMwari. Asi Jesu anorondedzerwa seane “kubwinya sokwowakaberekwa mumwe chete waBaba.” Anotaurwa kuva anogara “pachifuva chaBaba.” (Johane 1:14, 18) Ukama hwake naBaba ndehwepedyo, hunovimbika, hune rudo. Anogoverana rudo rwaBaba vake nokuda kworudzi rwomunhu. Zvirevo 8:30, 31 inotaura manzwire anoita Baba vake pamusoro pouyu Mwanakomana uye manzwire anoita Mwanakomana pamusoro porudzi rwomunhu: “Ndaimufadza [Jehovha] zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose, . . . Ndichifadzwa [Jesu, Mhizha yaJehovha, uchenjeri hunotaurwa somunhu] navanakomana vavanhu.” Akanga ari uyu Mwanakomana anokosha zvikurusa uyo Mwari akatuma kupasi kuzogovera rudzikinuro. Kutaura kwaJesu, naizvozvo, kune revo sei: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga”!—Johane 3:16.
13, 14. Chinyorwa cheBhaibheri chokuedza kwaAbrahama kupira Isaka chinofanira kutibetsera kunzwisisei pamusoro peizvo Jehovha akaita? (1 Johane 4:10)
13 Kutibetsera kunzwisisa kusvikira kumwero wakati izvo ikoko kunoreva, nguva refu Jesu asati auya kupasi, Mwari akarayiridza Abrahama, makore anenge 3 890 apfuura kuti: “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.” (Genesi 22:1, 2) Mukutenda, Abrahama akateerera. Zviise umene munzvimbo yaAbrahama. Zvakadini kudai iyeyo akanga ari mwanakomana wako, mwanakomana wako bedzi wawaida zvikuru? Waizonzwa sei sezvawaitsemura huni dzechipiriso chinopiswa, pawaiita rwendo rwemazuva anoverengeka kunyika yeMoria, uye pawaiisa mwanakomana wako paatari?
14 Nei mubereki ane tsitsi aine mirangariro yakadaro? Genesi 1:27 inotaura kuti Mwari akasika munhu mumufananidzo Wake. Mirangariro yedu yorudo netsitsi inoratidzira munzira yakaganhurirwa zvikuru rudo rwaJehovha rwumene netsitsi. Muchakaitika chaAbrahama, Mwari akapindira, zvokuti Isaka haana kubayirwa chaizvoizvo. (Genesi 22:12, 13; VaHebheru 11:17-19) Zvisinei, muchakaitika chake amene, Jehovha haana kurega kugovera rudzikinuro, kunyange zvazvo rwakaitwa pamutengo mukuru kune vose vaviri iye amene neMwanakomana wake. Zvakaitwa zvakaitwa, kwete nemhaka yemusengwa upi noupi waMwari, asi, panzvimbo pezvo, sokuratidzirwa kwemutsa wechienzi usakafanirwa. Tinouonga zvizere here?—VaHebheru 2:9.
Charwunobvirisa
15. Rudzikinuro rwakatapura sei upenyu kunyange mutsika ino iripo yezvinhu?
15 Gadziriro iyoyo yorudo yakaitwa naMwari ine tapuro huru paupenyu hweavo vanoigamuchira mukutenda. Vaichimbove vakaparadzana naMwari somugumisiro wechivi. Vaiva, seizvo Shoko rake rinotaura, ‘vavengi nemhaka yekuti ndangariro dzavo dzakanga dziri pamabasa akanga akaipa.’ (VaKorose 1:21-23) Asi vaka“yananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake.” (VaRoma 5:8-10) Vachinja mararamire avo uye vagamuchira kanganwiro iyo Mwari anoita kuti ibvire kune avo vanoshandisa kutenda muchibayiro chaKristu, vanopiwa hana yakachena.—VaHebheru 9:14; 1 Petro 3:21.
16. Zvikomboreroi zvinopiwa kuboka duku nemhaka yekutenda kwavo rudzikinuro?
16 Jehovha akatambanudzira kunhamba yakaganhurirwa yaivava, boka duku, nyasha dzisakafanirwa dzokuva vakabatanidzwa neMwanakomana wake muUmambo hwokudenga, vaine murangariro wokuita donzo raMwari rapakuvamba nokuda kwapasi. (Ruka 12:32) Ivava vakatorwa “kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose . . . kuti vave ushe navaprista, vabate ushe panyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Kuna ivava, muapostora Pauro akanyora kuti: “Makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, Baba. Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu.” (VaRoma 8:15-17) Mukugamuchirwa naMwari savanakomana vake, vanopiwa ukama hunokosheswa uhwo Adhama akarasikirwa nahwo; asi kuvanakomana ivava kuchapiwa ropafadzo dzakawedzerwa dzebasa rokudenga—chimwe chinhu icho Adhama akanga asitongorina. Hakushamisi kuti muapostora Johane akati: “Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari”! (1 Johane 3:1) Kune vakadaro Mwari anoratidzira kwete bedzi rudo rwune nheyo (a·gaʹpe) asiwo chidakadaka chikuru (phi·liʹa), chinoratidzira chisungo chiripo pakati peshamwari dzechokwadi.—Johane 16:27.
17. (a) Kune vose vanoshandisa kutenda murudzikinuro, mukanai unopiwa? (b) Ku“sunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari” kucharevei nokuda kwavo?
17 Kune vamwewo—vose vanoshandisa kutenda gadziriro yaMwari yorupo youpenyu kupfurikidza naJesu Kristu—Jehovha anozarura mukana wokuwana nawo ukama hunokosha uhwo Adhama akarasikirwa nahwo. Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Nokuti zvisikwa [chisikwa chiri vanhu chakabva kuna Adhama] zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari [ndiko kuti, vanomirira nguva apo kunova kuri pachena nenzira yakajeka kuti vanakomana vaMwari avo vari vadyi venhaka naKristu veUmambo hwokudenga vari kuitira rudzi rwomunhu chiito chakanaka]. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari [vakaberekerwa muchivi vaine kariro yorufu, uye kwakanga kusina nzira umo vaigona namo kuzvisunungura vamene], zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira [zvakapiwa naMwari] kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” (VaRoma 8:19-21) Rusununguko irworwo rwucharevei? Kuti vakasunungurwa muusungwa hwechivi norufu. Vachava nendangariro nomuviri zvakakwaniswa, Paradhiso somusha wavo, uye upenyu husingagumi hwokuti vafarikanye kukwana kwavo ndokuratidza kuonga kwavo kuna Jehovha, Mwari bedzi wechokwadi. Uye kwose ikoku kwakaitwa sei kuti kuve kunobvira? Kupfurikidza nechibayiro chorudzikinuro cheMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi.
18. Pana March 23 pashure pokuvira kwezuva, tichave tichiitei, uye nei?
18 Pana Nisani 14, 33 C.E., mune rimwe kamuri rapamusoro muJerusarema, Jesu akavamba Chirangaridzo chorufu rwake. Kuchengetwa kwegore negore kwerufu rwake kwazove chiitiko chinokosha muupenyu hwevaKristu vose vechokwadi. Jesu amene akarayira kuti: “Rambai muchiita izvi mukundiyeuka.” (Ruka 22:19, NW) Muna 1997 Chirangaridzo chichaitwa pashure pokuvira kwezuva pana March 23 (panovambira Nisani 14). Pazuva iroro, hapana chinhu chingagona kuva chinokosha zvikuru kupfuura kuvapo nokuda kweiyi nhambo yeChirangaridzo.
Ungapindure Sei?
◻ Mwari akaratidza rudo rukuru nokuda kworudzi rwomunhu munzirai?
◻ Nei upenyu hwomunhu hwakakwana hwaidikanwa kudzikinura vana vaAdhama?
◻ Jehovha akagovera rudzikinuro pamutengoi mukuru?
◻ Rudzikinuro rwunoita kuti chii chibvire?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Mwari akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi