Rudo Rwechokwadi Runotusa
“Mwari haasati ari usakarurama, unokanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VAHEBHERU 6:10.
1, 2. Neiko rudo rwechokwadi ruchitusa kwatiri somunhu oga?
RUDO rusina udyire ivara gurusa, rakaisvonakisisa, rinokosha zvikurusa ratinogona kuratidzira. Rudo irworwu (chiGiriki, a·gaʹpe) nguva dzose runoda zvakawanda kwatiri. Asi nemhaka yokuti takasikwa naMwari weruramisiro norudo, tinowana kuti rudo rusina udyire zvamazvirokwazvo runotusa. Nei ikoku kwakadaro?
2 Chimwe chikonzero chokuti rudo rwechokwadi runotusa chinobatanidza nheyo yetapuro yemifungo nemirangariro pamiviri yedu. Imwe nyanzvi pakuora mwoyo yakati: “‘Ida muvakidzani wako’ ndirimwe raakanakisisa amazano okurapa rati rambopiwa.” Hungu, “munhu une ngoni, unoitira mweya wake zvakanaka.” (Zvirevo 11:17) Oukoshi hwakafanana mashoko, anoti: “Chipavhurire uchakodzwa; uye unodiridza uchadiridzwawo.”—Zvirevo 11:25; enzanisa naRuka 6:38.
3. Mwari anoita sei kuita kuti rudo rwechokwadi rutuse?
3 Rudo runotusawo nemhaka yokuti Mwari anotusa kusava noudyire. Tinorava, kuti: “Unonzwira varombo tsitsi, unoposana naJehovha; [Mwari] uchamuripira basa rake rakanaka.” (Zvirevo 19:17) Zvapupu zvaJehovha zvinoita mutsinhirano neaya mashoko pazvinozivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Zvinoziva kuti ‘Mwari haasati ari usakarurama zvokukanganwa basa razvo norudo rwazvinoratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.
Muenzaniso Wedu Wakaisvonakisisa
4. Ndiani anogovera muenzaniso wakaisvonakisisa wokuti rudo rwechokwadi runotusa, uye akaita sei saizvozvo?
4 Ndiani anogovera muenzaniso wakaisvonakisisa wokuti rudo rwechokwadi runotusa? Chokwadi, iwoyu unogoverwa naasati ari mumwe kunze kwaMwari amene! Iye “akada nyika [yorudzi rwomunhu] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.” (Johane 3:16, NW) Kupiwa kwoMwanakomana wake kuti avo vanogamuchira chibairo chorudzikinuro ichocho vagova noupenyu husingaperi zvirokwazvo kwakadyira Jehovha zvakawanda zvikuru, uye kwakaratidza nenzira yakajeka kuti ane zvose zviri zviviri rudo nokunzwira tsitsi. Ikoku kunoratidzwazve neidi rokuti ‘mukati menhamo yose yaIsraeri muEgipita, kwakanga kuchitambudza kwaari.’ (Isaya 63:9) Kunofanira kuva kwakatambudza kuna Jehovha zvikuru kwazvo sei kuona Mwanakomana wake achitambura padanda rokutambudzira uye kumunzwa achidanidzira, kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?”—Mateo 27:46.
5. Chii chakaitika nemhaka yokuti Mwari akada rudzi rwomunhu zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake sechibairo?
5 Jehovha akawana ratidziro yake amene yorudo rwechokwadi ichitusa here? Iye akadaro zvamazvirokwazvo. Munzira yakatanhamara, imhinduro yakadini iyo Mwari akakwanisa kukandira muchiso chaDhiabhorosi nemhaka yokuti Jesu akabvumikisa kuva akatendeka pasinei zvapo nezvose izvo Satani aigona kuita kwaari! (Zvirevo 27:11) Kutaura idi, zvose zvichapedzwa noUmambo hwaMwari mukubvisira zita raJehovha ruzvidzo, kudzorera Paradhiso kupasi rino, uye kupa mamirioni upenyu husingagumi zvichaitika nemhaka yokuti Mwari akada rudzi rwomunhu zvikuru kwazvo zvokuti akapa pfuma inodiwa zvikurusa yomwoyo wake sechibairo.
Muenzaniso Wakaisvonaka waJesu
6. Rudo rwakasunda Jesu kuitei?
6 Mumwe muenzaniso wakaisvonaka unobvumikisa kuti rudo rwechokwadi runotusa ndouyo woMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Iye anoda Baba vake vokudenga, uye rudo irworwo rwakasunda Jesu kuita kuda kwaJehovha pasinei zvapo nemiuyo. (Johane 14:31; VaFiripi 2:5-8) Jesu akaramba achiratidza rudo rwake nokuda kwaMwari kunyange zvazvo ikoko padzimwe nguva kwaireva kuti aifanira kukumbira Baba vake “nokuchema kukuru nemisodzi.”—VaHebheru 5:7.
7. Munzira dzipi umo Jesu akawana rudo rwechokwadi kuva runotusa?
7 Jesu akatuswa here nokuda kworudo rwokuzvibaira rwakadaro? Zvamazvirokwazvo akadaro! Funga nezvomufaro waakawana muzvinhu zvose zvakanaka zvaakaita mukati moushumiri hwake hwamakore matatu nehafu. Iye akabetsera zvikuru sei vanhu mumudzimu nomumuviri! Kupfuura zvose, kupfurikidza nokuratidzira kuti munhu akakwana aigona kuchengeta perero nenzira yakakwana kuna Mwari pasinei zvapo nezvose izvo Satani aigona kuunza kwaari, Jesu akava negutsikano yokubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema. Uyezve, somubatiri akatendeka waMwari, Jesu akagamuchira tuso huru yokusafa pakumutsirwa kwake kuupenyu hwokudenga. (VaRoma 6:9; VaFiripi 2:9-11; 1 Timotio 6:15, 16; VaHebheru 1:3, 4) Uye maropafadzo anoshamisa zvakadini ari pamberi pake paArmagedhoni nomukati moKutonga kwake kweMireniyumu, apo Paradhiso ichadzorerwa kupasi uye zviuru zvamamirioni zvichamutswa kubva muvakafa! (Ruka 23:43) Hapana panikiro kuti Jesu akawana rudo rwechokwadi kuva runotusa.
Muenzaniso waPauro
8. Chii chakanga chiri chinoitika chaPauro nemhaka yorudo rwake rwechokwadi nokuda kwaMwari uye nokuda kwavanhu biyake?
8 Muapostora Petro akambobvunza Jesu, kuti: “Tarirai, isu takasiya zvose tikakuteverai, tichagopiweiko?” Murutivi, Jesu akapindura, kuti: “Mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvine zana, akagara nhaka youpenyu husingaperi.” (Mateo 19:27-29) Tine muenzaniso unoshamisa waikoku muno muapostora Pauro, uyo akafarikanya zvikomborero zvizhinji, sezvakanyorwa zvikurukuru naRuka mubhuku raMabasa. Rudo rwechokwadi nokuda kwaMwari uye nokuda kwomunhu biyake rwakaparira Pauro kurega basa rake somuFarise anokudzwa. Fungawo, nezveizvo Pauro akatsungirira mukurohwa, kudokufa, ngozi, uye kushaya—zvose nemhaka yorudo rwechokwadi nokuda kwaMwari nebasa Rake rinoyera.—2 VaKorinte 11:23-27.
9. Pauro akatuswa sei nokuda kwokuratidzira rudo rwechokwadi?
9 Jehovha akatusa Pauro nokuda kwokuva muenzaniso wakaisvonaka zvakadaro mukuratidzira rudo rwechokwadi here? Eya, funga nezvokuti ushumiri hwaPauro hwaibudirira sei. Iye akakwanisa kutanga ungano imwe yechiKristu pashure peimwe. Uye manenji akadini Mwari akamupa simba rokuita! (Mabasa 19:11, 12) Pauro akaropafadzwawo kugamuchira zviono zvinopfuura zvomuzvarirwo uye kunyora tsamba 14 idzo zvino dziri rutivi rwaMagwaro echiKristu echiGiriki. Kugumisa kwose ikoku, mubairo wokusafa mumatenga wakapiwa kwaari. (1 VaKorinte 15:53, 54; 2 VaKorinte 12:1-7; 2 Timotio 4:7, 8) Pauro zvirokwazvo akawana kuti Mwari anotusa rudo rwechokwadi.
Rudo Rwechokwadi Runotusa Muzuva Redu
10. Kungadei kuva mudzidzi waJesu uye kuratidzira rudo rwedu nokuda kwaJehovha?
10 Zvapupu zvaJehovha nhasi nenzira yakafanana zvakawana kuti rudo rwechokwadi runotusa. Kuratidzira rudo rwedu nokuda kwaJehovha kupfurikidza nokumira kwedu parutivi rwake uye kuva vadzidzi vaJesu kungatitorera upenyu hwedu savachengeti veperero. (Enzanisa naZvakazarurwa 2:10.) Ndicho chikonzero nei Jesu akataura kuti tinofanira kuverenga ndyiko. Asi hatiiti ikoko kusarudza kana kuva mudzidzi kuchitusa kana kuti kwete. Panzvimbo pezvo, tinoita kudaro kuzvigadzirira timene kuripira chipi kana chipi icho kuva mudzidzi kungatidyira.—Ruka 14:28.
11. Nei vamwe vachikundikana kuzvitsaurira vamene kuna Mwari?
11 Nhasi, vakawanda—pasina panikiro mamirioni—vanodavira shoko Zvapupu zvaJehovha zvinovaunzira kubva muShoko raMwari. Asi vanozengurira kuzvitsaurira vamene kuna Mwari ndokubhapatidzwa. Ikoku kungagona kuva kwakadaro nemhaka yokuti havana rudo rwechokwadi nokuda kwaMwari urwo vamwe vanarwo here? Vakawanda vanokundikana kuita nhano dzetsauriro norubhapatidzo nemhaka yokuti vanoda kuramba vachidiwa nomukwanyina asingatendi. Vamwe havaswederi pedyo naMwari nemhaka yokuti vane chimiro chomunhu ane bhizimisi akaudza Chapupu, kuti: “Ndinoda chivi.” Sezviri pachena, vanhu vakadaro havaongi zvose izvo Mwari naKristu vakavaitira.
12. Chii chakataura iyi magazini icho chinosimbisa tuso dzezivo inotiswededza pedyo zvikuru naMwari murudo rwechokwadi?
12 Kana tiine kuonga kwechokwadi nokuda kwezvose zvakaitwa naJehovha Mwari naJesu Kristu nokuda kwedu, ticharatidza ikoku kupfurikidza nokuripira nokudisa chipi kana chipi chakunoda kubatira Baba vedu vokudenga ndokuva mumwe wavadzidzi vaJesu. Nemhaka yorudo rwechokwadi nokuda kwaMwari, varume navakadzi vari mumifambiro yose youpenyu—vane mabhizimisi vanobudirira, vanhu vemitambo vakatanhamara, navamwewo—vakatsinhanisa mabasa oudyire noushumiri hwechiKristu, sezvakaita muapostora Pauro. Uye havangatori chinhu munzvimbo yetuso dzokuziva uye kubatira Mwari. Muna ikoku, The Watch Tower yakambotaura, kuti: “Pane dzimwe nguva takabvunza kuti, Ihama ngani dzingadisa kutora chiuru chamadhora nokuda kwezvavanoziva pamusoro peZvokwadi? Hapana ruoko rwakaoneka! Ndiani angatora zviuru gumi zvamadhora? Hapana! Ndiani angatora madhora mirioni? Ndiani achatora nyika yose mutsinhano nezvaanoziva pamusoro pomunhu woUmwari uye Gadziriro yoUmwari? Hapana! Ipapo takati, Hamusati muri boka risingagutsikani zvakaipa, shamwari dzinodiwa. Kana muchinzwa makapfuma kwazvo zvokuti hamungatori chinhu mukutsinhana nezivo yenyu yaMwari, ipapo munonzwa makapfuma sezvatakaitawo.” (December 15, 1914, peji 377) Hungu, zivo yakarurama yaMwari namadonzo ake inotiswededza pedyo zvikuru naye murudo rwechokwadi runotusa zvamazvirokwazvo.
13. Tinofanira kurangarira sei fundo yomunhu oga?
13 Kana tichida Mwari, tichavavarira kuziva ndokuita kuda kwake. (1 Johane 5:3) Tichava nomurangariro wakakomba wefundo yomunhu oga, munyengetero, uye kupindwa kwemisangano yechiKristu. Kwose ikoku kunoda kuzvibaira, nokuti mibato iyoyi inobatanidza kushandiswa kwenguva, simba, uye imwe pfuma. Tingafanira kusarudza pakati pokuona purogiramu yeterevhizheni nokubatikana mufundo yomunhu oga yeBhaibheri. Asi tinova vakasimba zvikuru sei mumudzimu, kukwanisa zviri nani zvikuru sei kupupura kuvamwe, uye tinowana zvakawanda zvikuru sei mumisangano yechiKristu apo tinorangarira fundo yakadaro nenzira yakakomba ndokutsaura nguva yakaringana nokuda kwayo!—Pisarema 1:1-3.
14. Munyengetero uye ukama hwakanaka naJehovha Mwari zvinokosha sei?
14 Tinofarikanya nguva dzose kutaura kuna Baba vedu vokudenga kupfurikidza noku‘ramba tichinyengetera’ here? (VaRoma 12:12) Kana kuti tinowanzobatikana zvikuru zvokusagona kunzwisisa iyi ropafadzo inokosha here? ‘Kuramba tichinyengetera’ inzira inokosha yokusimbisa nayo ukama hwedu naJehovha Mwari. (1 VaTesaronika 5:17) Uye hapana chinhu chakafanana noukama hwakanaka naJehovha chokutibetsera apo tinonangana nemiedzo. Chii chakagonesa Josefa kudzivisa apo akaedzwa nomudzimai waPotifari? Uye nei Dhanieri asina kurega kunyengetera apo mutemo wavaMedhia navaPersia wakamurambidza kukumbira Jehovha? (Genesi 39:7-16; Dhanieri 6:4-11) Chokwadi, ukama hwakanaka naMwari hwakabetsera varume ivavo kukunda, kunyange sezvahuchatibetsera kuita saizvozvo!
15. Tinofanira kurangarira sei misangano yechiKristu, uye nei?
15 Ipapoka, tinorangarira zvakakomba sei kuvapo pamisangano yedu mishanu yevhiki nevhiki? Tinorega kuneta, kurwara mumuviri zvishomanene, kana kuti mugariro wokunze wakashata zvishomanene uchidzongonyedza musengwa wedu wokusarega kuungana navatendi biyedu here? (VaHebheru 10:24, 25) Mumwe makanika weAmerica aisanobhadharwa akaona kuti basa rake raidzongonyedza radzongonyedzazve kuvapo kwake pamisangano yechiKristu. Naizvozvo akachinja basa rake, achiva nokurasikirwa nemari kuti akwanise kupinda misangano yose yeungano nguva dzose. Misangano yedu inotigonesa kufarikanya tsinhano yekurudzirano nokusimbisa kutenda kwomumwe nomumwe. (VaRoma 1:11, 12) Muizvi zvinhu zvose, hatiwani here kuti “unodyara zvizhinji uchakohwawo zvizhinji”? (2 VaKorinte 9:6, NW) Hungu, kuratidzira rudo rwechokwadi munzira dzakadaro kunotusa zvikuru.
Rudo Rwechokwadi Noushumiri Hwedu
16. Chii chingava muuyo apo rudo runotisunda kupupurira nenzira yamasanga?
16 Rudo runotisunda kuparidzira mashoko akanaka savanhu vaJehovha. Somuenzaniso, runotisunda kupinda muuchapupu hwamasanga. Tingazengurira kupupura nenzira yamasanga, asi rudo ruchatisunda kutaura. Zvamazvirokwazvo, rudo ruchatiparira kufunga nezvenzira dzokungwarira pakutaura kuti titange kurukurirano uye ipapo kuinangidzira kuUmambo. Kuenzanisira: Ari mundege, mumwe mukuru wechiKristu akambozviwana amene agere pedyo nomuprista weRoma Katurike. Pakutanga, mukuru akabvunza muprista mibvunzo isingagumburi. Panguva apo muprista akaburuka mundege, zvisinei, fariro yake yakanga yamusunda kutora maviri amabhuku edu. Muuyo wakaisvonaka zvakadini nokuda kwokupupurira nenzira yamasanga!
17, 18. Rudo ruchatisunda kuitei nezvoushumiri hwechiKristu?
17 Rudo rwechokwadi runotisundawo kutora rutivi nguva dzose mubasa rokuparidzira paimba neimba nezvimwe zvimiro zvoushumiri hwechiKristu. Kusvikira kutambanuko yatinokwanisa kuva nekurukurirano dzeBhaibheri, tichaunza rukudzo kuna Jehovha Mwari uye tichabetsera vakafanana namakwai kupinda munzira yokuupenyu husingaperi. (Enzanisa naMateo 7:13, 14.) Kunyange kana tisingakwanisi kuva nekurukurirano dzeBhaibheri, nhamburiko dzedu dzichava dzisina kuva dzisina maturo. Kuvapo kwedu kumene pamisha yavanhu kunobatira souchapupu, uye isu timene tinobetserwa noushumiri, nokuti hatigoni kuzivisa zvokwadi dzeBhaibheri tisingasimbisi kutenda kwedu. Chokwadi, kunoda kuzvininipisa kuenda paimba neimba, ‘tichiita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka, kuti tigova vagoverani vawo navamwe.’ (1 VaKorinte 9:19-23) Asi nemhaka yorudo nokuda kwaMwari uye vanhu biyedu, nenzira yokuzvininipisa tinoita nhamburiko uye tinotuswa nezvikomborero zvakapfuma.—Zvirevo 10:22.
18 Kunodawo rudo rwechokwadi nokuda kwavabatiri vaJehovha kuva vanongwarira pamusoro pokuita shanyo dzedzokerero pavanhu vanofarira zvokwadi yeBhaibheri. Kuitisa fundo dzeBhaibheri vhiki nevhiki uye mwedzi nomwedzi iratidziro yorudo nokuda kwaMwari nomuvakidzani wedu, nokuti iri basa rinoda kushandiswa kwenguva, nhamburiko, uye pfuma yokunyama. (Marko 12:28-31) Bva, patinoona mumwe waava vadzidzi veBhaibheri achibhapatidzwa uye zvichida kunyange kupinda muushumiri hwenguva yakazara, hatipwiswi here kuti rudo rwechokwadi runotusa?—Enzanisa na 2 VaKorinte 3:1-3.
19. Rudo rune ukamai nebasa renguva yakazara?
19 Rudo rusina udyire runotisunda kurega zvakanaka zvokunyama nokuda kwebasa renguva yakazara kana kuchitibvirira kutora rutivi mumubato wakadaro. Zviuru pamusoro pezviuru zveZvapupu zvinogona kupupurira kuti kuratidzira rudo rwavo kusvikira kutambanuko yakadaro kwave kuchitusa zvikurusa. Kana migariro ichikubvumidza kugoverana muushumiri hwenguva yakazara asi usingaishandisi, haumbozivi zvikomborero zvauri kupotsa.—Enzanisa naMarko 10:29, 30.
Runotusa Mudzimwe Nzira
20. Rudo runotibetsera sei kuva vanokanganwira?
20 Imwe nzira umo rudo rwechokwadi runotusa ndeyokuti runotibetsera kuva vanokanganwira. Hungu, rudo “harutsamwi.” Kutaura idi, “rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.” (1 VaKorinte 13:5; 1 Petro 4:8) “Zvizhinji” zvinoreva zvivi zvakawanda, handizvo here? Uye kunotusa sei kuva vanokanganwira! Apo unokanganwira, ikoku kunoita kuti iwe nowakakutadzira munzwe zviri nani. Asi rinokosha zvikuru iidi rokuti kutoti takatokanganwira avo vanotitadzira, hatigoni kukarira Jehovha kutikanganwira.—Mateo 6:12; 18:23-35.
21. Rudo rwechokwadi runotibetsera sei kuzviisa pasi?
21 Kupfuurirazve, rudo rwechokwadi runotusa mukuti runotibetsera kuva vanozviisa pasi. Kana tichida Jehovha, tichazvininipisa timene pasi poruoko rwake rune simba. (1 Petro 5:6) Rudo nokuda kwake ruchatisundawo kuzviisa pasi pomudziyo wake wakasarudzwa, “muranda akatendeka naakachenjera.” Ikoku kunobatanidza kuzviisa pasi paavo vanotungamirira muungano. Ikoku kunotusa nemhaka yokuti kukundikana kuita saizvozvo kwaizova “kunokuvadza” kwatiri. (Mateo 24:45-47; VaHebheru 13:17, NW) Chokwadika, iyi nheyo yokuzviisa pasi inoshandawo mukati meboka remhuri. Nzira yakadaro inotusa nemhaka yokuti inosimudzira mufaro wemhuri, rugare, uye tsinhirano nepo ichitipa gutsikano inofamba nokuziva kuti tiri kufadza Mwari.—VaEfeso 5:22; 6:1-3.
22. Tinogona sei kuva vanofara zvirokwazvo?
22 Nenzira yakajeka, ipapoka, vara gurusa tinogona kusakurira ndia·gaʹpe, rudzi rusina udyire, rune nheyo rworudo. Uye hapagoni kuva nepanikiro yokuti rudo rwechokwadi runotusa. Nokudaro, tichafara zvamazvirokwazvo kana tikasakurira ndokuratidzira iri vara mumwero mukuru nguva dzose kumbiri yaMwari wedu ane rudo, Jehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Munzira dzipi umo Jehovha Mwari akaratidzira rudo rwechokwadi?
◻ Rudo rwakaratidzwa sei naJesu Kristu?
◻ Muenzanisoi uyo muapostora Pauro akagadza mukuratidza rudo rwechokwadi?
◻ Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiratidzira sei rudo?
◻ Nei ungataura kuti rudo rwechokwadi runotusa?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Rudo rwaJehovha nokuda kworudzi rwomunhu rwakamusunda kupa Mwanakomana wake kuti tigowana upenyu husingagumi. Unoonga rudo rwechokwadi rwakadaro here?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Rudo rwechokwadi nokuda kwaJehovha ruchatisunda ku“ramba tichinyengetera”