RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vakadzi vechiKristu Vanofanirwa Norukudzo Noruremekedzo
    Nharireyomurindi—1995 | July 15
    • 1, 2. (a) Kurukurirano yaJesu nomukadzi weSamaria patsime yakanyandura itiro hanyai, uye nei? (Onawo mashoko omuzasi.) (b) Kupfurikidza nokuparidzira mukadzi weSamaria, chii icho Jesu akaratidzira?

      PATSIME rekare pedyo neguta reSikari mamwe masikati pedyo nomugumo wa 30 C.E., Jesu akaratidza nzira yaainzwa kuti vakadzi vanofanira kubatwa nayo. Akanga apedza mangwanani acho achifamba nomunyika ine makomo yeSamaria ndokusvika patsime aneta, ava nenzara, uye ava nenyota. Sezvo akagara pedyo netsime, mumwe mukadzi weSamaria akasvika kuzochera mvura. “Ndipeiwo, ndinwe,” Jesu akadaro kwaari. Mukadzi wacho anofanira kuva akamudzvokora mukukatyamadzwa. Akabvunza, kuti: “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” Gare gare, apo vadzidzi vake vakadzoka kubva kundotenga zvokudya, vakashamisika, vachinetseka kuti chikonzero nei Jesu akanga achi“taurirana nomukadzi.”—Johane 4:4-9, 27.

      2 Chii chakasunda mubvunzo wouyu mukadzi neitiro hanya yavadzidzi? Akanga ari muSamaria, uye vaJudha vakanga vasingadyidzani navaSamaria. (Johane 8:48) Asi sezviri pachena pakangawo pane chimwe chikonzero chokuitira hanya. Panguva iyoyo, gamuchidzanwa ravanarabhi raisakurudzira varume kutaura navakadzi pachena.a Bva, Jesu akaparidzira pachena uyu mukadzi wapachokwadi, kunyange kuzivisa kwaari kuti akanga ari Mesiya. (Johane 4:25, 26) Jesu nenzira iyoyo akaratidza kuti aisazoganhurirwa nemagamuchidzanwa asiri apamagwaro, kubatanidza ayo aideredza vakadzi. (Marko 7:9-13) Mukupesana, kupfurikidza nezvaakaita uye kupfurikidza nezvaakadzidzisa, Jesu akaratidzira kuti vakadzi vanofanira kubatwa norukudzo noruremekedzo.

  • Vakadzi vechiKristu Vanofanirwa Norukudzo Noruremekedzo
    Nharireyomurindi—1995 | July 15
    • a The International Standard Bible Encyclopedia inotsanangura, kuti: “Vakadzi vaisadya navaeni vechirume, uye varume vaisakurudzirwa kutaura navakadzi. . . . Kurukurirano nomukadzi munzvimbo yavose yakanga iri zvikurukuru inonyadzisa.” Mishnah yechiJudha, muunganidzwa wedzidziso dzavanarabhi, yakati: “Usataurisa navakadzi. . . . Anotaurisa navakadzi anozviunzira amene zvakaipa uye anoregeredza fundo yoMutemo uye pakupedzisira achagara nhaka yeGehena.”—Aboth 1:5.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe