-
Mibvunzo Inobva KuvaraviNharireyomurindi—1988 | September 1
-
-
Cherechedza izvo Bhaibheri rinotaura, uye izvo iro zvomenemene risingatauri: “Zvino paJerusarema pedyo nesuo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Bhetesdha nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu. Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara, mapofu, nezvirema, navakawonyana, [vaigarira kubvongodzwa kwemvura. Nokuti mutumwa aiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo waitanga kupinda mumvura yaibvongodzwa waiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.] Zvino kwaivapo mumwe munhu, wakanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere. Jesu wakati aona munhu uyu avete pasi, zvaaiziva kuti wakanga akadaro nguva huru, akati kwaari: ‘Unoda kuporeswa here?’ Murwere akamupindura, akati: ‘Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda, mumwe wonditangira kupinda.’ Jesu akati kwaari: ‘Simukai, tora nhovo dzako, ufambe.’ Pakarepo munhu uyu akaporeswa, akatora nhovo dzake, akafamba.”—Johane 5:2-9.
-
-
Mibvunzo Inobva KuvaraviNharireyomurindi—1988 | September 1
-
-
Cherechedza mutsetse mumashoko ari pamusoro apa anokorwa Johane 5:2-9. Bhaibheri reShona rinobatanidza chimwe chikamu chokuwedzera icho chinonyorwa saJohane 5:4. Wedzero iyoyo inotaura chimwe chinhu chakadai: “Nokuti ngirozi yaShe yaiburuka ichipinda mudziva pamwaka nomwaka ndokubvongodza mvura; wokutanga panguva iyeyo kupinda pashure pokubvongodzwa kwemvura aiva akasimba muutano pahosha ipi kana ipi yaaitambudzwa nayo.”
Zvisinei, chiverengero chakati chamaBhaibheri azvino uno, kubatanidza New World Translation of the Holy Scriptures, chinosiya ichi chikamu. Neiko? Nemhaka yokuti sezvinobvira chose chakanga chisiri muEvhangeri yaJohane. Mashoko omuzasi omuThe Jerusalem Bible anotaura kuti “zvapupu zvakanakisisa” zvinosiya ichi chikamu. “Zvapupu zvakanakisisa” zvinorehwa manyoro echiGiriki akare, zvakadai seCodex Sinaiticus neVatican 1209 (ose ari maviri ezana ramakore rechi 4 N.V.), uye shanduro dzapakuvamba muSyriac nomuLatin. Pashure pokududza ‘kusavapo kwendima 4 mumanyoro amagwaro akanakisisa,’ The Expositor’s Bible Commentary inowedzera, kuti: “Kunowanzorangarirwa setsinhiro yakatangwa kutsanangura kubvongodzwa kwapanhambo nenhambo kwemvura, uko vanhu vairangarira kuva manyuko anobvira okuporesa.”
Naizvozvo Bhaibheri haritauri chaizvoizvo kuti ngirozi yakabva kuna Mwari yakaita manenji padziva reBhetesdha. Eya, ko kuporesa kwenenji kwakaitika here apo mvura yakabvongodzwa? Hapana munhu nhasi anogona kutaura zvechokwadi. Zvimwe gamuchidzanwa rakavapo nenzira yakati rokuti vanhu vanorwara kana kuti vakaremara vakanga vaporeswapo. Apo bedzi nhau dzokuporesa kunofungidzirwa dzinopararira, vanhu vapererwa nezano rose vanokarira kurapwa vangave vakavamba kuunganapo. Tinoziva kuti ikoku kwakaitika panzvimbo dzakasiana-siana munguva yedu, kunyange apo kunenge kusina chitendiso chinotsigirwa chokuporeswa kwoumwari.
-