RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zororo raMwari Chii?
    Nharireyomurindi—2011 | July 15
    • 3. Mashoko aJesu ari pana Johani 5:16, 17 anoratidza sei kuti zuva rechinomwe rakanga risati raguma muzana remakore rokutanga?

      3 Pane zvikonzero zviviri zvinoita kuti titi zuva rechinomwe rakanga richiri kuenderera mberi muzana remakore rokutanga C.E. Chokutanga, funga nezvemashoko aJesu kuvavengi vaimutsoropodza vachiti akanga aita basa paSabata nokuti akanga aporesa munhu. Ishe akati kwavari: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.” (Joh. 5:16, 17) Airevei? Jesu aipomerwa mhosva yokuita basa paSabata. Mashoko okuti: “Baba vangu vave vachishanda” aipindura zvavaimupomera. Jesu aitoudza vaimutsoropodza kuti: ‘Baba vangu neni tinoita basa rimwe chete. Sezvo Baba vangu vari kushanda kwesabata rakareba zviuru zvemakore, zvinobvumirwa kuti ini ndirambe ndichishanda kunyange paSabata.’ Mashoko aJesu anoratidza kuti, paaiataura ipapo, zuva rechinomwe kana kuti zuva raMwari rokuzorora pakusika zvinhu panyika rakanga risati raguma. Mwari akanga achiri kushanda kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira vanhu uye nyika.a

  • Zororo raMwari Chii?
    Nharireyomurindi—2011 | July 15
    • 5. Chinangwa chezuva rechinomwe chaiva chei, uye chichanyatsozadziswa rini?

      5 Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kuyeuka chinangwa chezuva rechinomwe. Genesisi 2:3 inochitsanangura ichiti: “Mwari akatanga kukomborera zuva rechinomwe, akariita dzvene.” Zuva iroro ‘rakaitwa dzvene’ naJehovha kana kuti akarisiyanisa nemamwe kuti azadzise chinangwa chake. Chinangwa ichocho ndechokuti nyika igarwe nevarume nevakadzi vanoteerera vachiitarisira pamwe nezvipenyu zvose zviri pairi. (Gen. 1:28) Chinangwa ichocho ndicho chiri kuita kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu, “Ishe wesabata,” varambe “vachishanda.” (Mat. 12:8) Zuva rezororo raMwari richaramba riripo kusvikira chinangwa chake chanyatsozadziswa panoguma Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru.

  • Zororo raMwari Chii?
    Nharireyomurindi—2011 | July 15
    • a Vapristi nevaRevhi vaiita basa repatemberi paSabata asi ‘vairamba vasina mhosva.’ Sezvo Jesu aiva mupristi mukuru waMwari, aigona kuitawo basa raakanga apiwa naMwari asinganzi atyora mutemo weSabata.—Mat. 12:5, 6.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe