Zvidzidzo Zvinobva Muzvishamiso zvaJesu
“NEZUVA retatu mutambo wokuwana waivapo paKana yeGarirea . . . NaJesu navadzidzi vake vakanga vadanwawo kumutambo wokuwana. Waini yakati ichizoshayikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havachine waini.” Ichi chiitiko chakagovera mamiriro ezvinhu echishamiso chokutanga chaJesu.—Johane 2:1-3.
Chinetso chakadaro chakanga chisiri chisingakoshi zvikuru, chiduku zvikuru, zvokusagona kuunzwa kungwariro yaJesu here? Nyanzvi imwe yeBhaibheri inotsanangura, kuti: “Mutsa muMabvazuva rakanga riri basa rinoyera . . . Mutsa chaiwoiwo, zvikurukuru pamabiko omuchato, wairayira zvakawanda. Kudai zvokudya zvakanga [zvapera] pamabiko omuchato, mhuri navachati vaduku vangadai vasina kutongorarama zvokukanganwisa manyadzi acho.”
Jesu naizvozvo akaita chiito. Iye akacherekedza “makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa.” Kushamba kwetsika vasati vadya kwakanga kuri kwomuitiro pakati pavaJudha, uye mvura yakawanda yakanga yadikanwa kuti ibatire zvinodikanwa zvaavo vaivapo. “Zadzai makate nemvura,” Jesu akarayira avo vaibatira vaenzi. Jesu akanga asiri “mukuru womutambo,” asi akataura zvakananga uye nechiremera. Nhoroondo yacho inoti: “Zvino mukuru womutambo wakati aravira mvura [iyo] yakashanduka waini.”—Johane 2:6-9; Marko 7:3.
Kungaratidzika kuva kwechienzi kuti chimwe chinhu chinozivikanwa navose somuchato chaizova mamiriro ezvinhu echishamiso chokutanga chaJesu, asi chiitiko chacho chinozivisa zvakawanda pamusoro paJesu. Iye akanga ari murume asina kuchata, uye panhambo dzapashure iye akakurukura betsero dzokusachata navadzidzi vake. (Mateo 19:12) Zvisinei, kuvapo kwake pamabiko omuchato kwakazivisa kuti iye akanga asati achitongoshora kuchata. Iye akanga akadzikama, achitsigira gadziriro yomuchato; iye aiirangarira sechimwe chinhu chinokudzwa mumeso aMwari.—Enzanisa naVaHebheru 13:4.
Jesu akanga asiri muzvinyimi wemifarwa anonyanya uyo vanyori vemifananidzo vechechi gare gare vakamuratidzira kuva. Iye nenzira yakajeka aifarikanya kuva navanhu uye akanga asiri asingadi kutandara. (Enzanisa naRuka 5:29.) Zviito zvake nokudaro zvakagadzira muenzaniso vateveri vake. Jesu akaratidzira somunhu oga kuti vaisafanira kusafara zvisiri madikanwa kana kuti kusuruvara—sokunge kururama kwakareva kusava nomufaro. Mukupesana, vaKristu gare gare vakarayirwa, kuti: “Farai munaShe nguva dzose.” (VaFiripi 4:4) VaKristu nhasi vanoshandisa ngwariro kuti vachengete varaidzo iri mukati memiganhu ine mufungo. Ivo vanowana mufaro wavo mubasa raMwari, asi vachitevera muenzaniso waJesu, ivo panhambo nenhambo vanowana nguva yokufarikanya songaniro yomumwe nomumwe muchimiro chokutandara.
Cherekedzawo unyoro hwemirangariro yaJesu. Akanga asingasungirwi kuita chishamiso. Kwakanga kusina uporofita muna ikoku hwaifanira kuzadzikwa. Sezviri pachena, Jesu akangosundwawo zvake neitiro hanya yamai vake namamiriro ezvinhu akaipa avaviri vakanga vachichata. Iye akaitira hanya mirangariro yavo ndokuda kuvadzivisira kukwenudzwa. Ikoko hakusati here kuchivaka chivimbo chako chokuti Kristu ane fariro chaiyoiyo mauri—kunyange muzvinetso zvako zvezuva riri rose?—Enzanisa naVaHebheru 4:14-16.
Sezvo gate rimwe nerimwe “raizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu” zvemvura, chishamiso chaJesu chakabatanidza waini yakawanda zvikuru—zvichida marita 390! (Johane 2:6) Nei paifanira kuva nouwandu hwakadaro? Jesu akanga asiri kutsigira udhakwa, chimwe chinhu icho Mwari anoshurikidza. (VaEfeso 5:18) Panzvimbo pezvo, iye akanga ari kuratidzira rupo rwakafanana norwaMwari. Sezvo waini chakanga chiri chinwiwa chinozivikanwa navose, yomuraudzo ipi neipi yaigona kushandiswa pane dzimwe nhambo.—Enzanisa naMateo 14:14-20; 15:32-37.
VaKristu vapakuvamba vakatevedzera muenzaniso waJesu worupo. (Enzanisa naMabasa 4:34, 35.) Uye vanhu vaJehovha nhasi vanokurudzirwa nenzira yakafanana kuti “ipai.” (Ruka 6:38) Zvisinei, chishamiso chokutanga chaJesu chinewo revo youporofita. Icho chinonongedzera kunguva yemberi apo Mwari achagovera nenzira yorupo “mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese,” achibvisa chose chose nzara.—Isaya 25:6.
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvezvishamiso zvakawanda izvo Jesu akaita zvaibatanidza kuporesa kwomuviri? Chii chatinogona kudzidza mazviri?
Kuita Zvakanaka paSabata
“Simuka, tora nhoo dzako, ufambe.” Jesu akataura awa mashoko kumumwe murume uyo akanga ave achirwara kwamakore 38. Nhoroondo yeEvhangeri inopfuurira, kuti: “Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhoo dzake, akafamba.” Nenzira inoshamisa, havasati vari vose vakafadzwa neiyi chinjo yamamiriro ezvinhu. Nhoroondo yacho inoti: “VaJudha vakatambudza Jesu, nokuti wakazviita izvozvo nesabata.”—Johane 5:1-9, 16.
Sabata rakarangarirwa kuti rive zuva rokuzorora nokufara nokuda kwavose. (Eksodho 20:8-11) Pakasvika zuva raJesu, kunyanguvezvo, rakanga rava mitemo inovhiringidza inodzvinyirira, yakaitwa nomunhu. Nyanzvi Alfred Edersheim yakanyora kuti muzvikamu zvirefu zvemitemo yeSabata zveTalmud, “zvinhu zvinokurukurwa zvakakomba sezvoukoshi hunokosha hworudzidziso, izvo munhu aisambogona kufungidzira kuti munhu ane pfungwa dzakanaka aizorangarira zvakakomba.” (The Life and Times of Jesus the Messiah) Vanarabhi vaibatanidza ukoshi hukuru nemitemo isingakoshi, yokudzvinyirira iyo yaidzora runodokuva rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwomuJudha—kazhinji kazhinji nokuzvidzwa kwoutsinye kwokurangarira kwomunhu. Mutemo mumwe weSabata wakarayira, kuti: “Kana chivako chikawira pamunhu uye pane kupokana kana iye aripo kana kuti kwete, kana kuti kana iye ari mupenyu kana kuti afa, kana kuti kana iye ari wamarudzi kana kuti muIsraeri, ivo vangabvisa marara pamusoro pake. Kana vakamuwana ari mupenyu vangaabvisazve zvikuru paari; asi kana [iye] afa, vanomusiya.”—Tractate Yoma 8:7, The Mishnah, rakashandurwa naHerbert Danby.
Jesu airangarira sei kuita nharo pamusoro pezvinhu zvisingakoshi zvakadaro zvomutemo? Apo akatsoropodzwa nokuda kwokuporesa paSabata, iye akati: “Baba vangu vachabata kusvikira zvino, neni ndinobatawo.” (Johane 5:17) Jesu akanga asiri kuita basa rokunyika kuti azvipfumise amene. Panzvimbo pezvo, akanga achiita kuda kwaMwari. Sezvo vaRevhi vaibvumirwa kupfuuridzira basa ravo rinoyera paSabata, Jesu aigona nenzira yakarurama kuita mabasa ake akagoverwa naMwari saMesiya pasina kupunza Mutemo waMwari.—Mateo 12:5.
Kurapa kwaJesu kwapazuva reSabata kwakaratidzirawo vanyori vechiJudha navaFarise savari va“kaisvorurama”—vakaoma uye vasina kudzikama mukufunga kwavo. (Muparidzi 7:16) Zvirokwazvo, kwakanga kusiri kuda kwaMwari kuti mabasa akanaka aganhurirwe kumazuva akati evhiki; uyewo Mwari haana kurangarira Sabata kuva muitiro usina maturo mukutevera mutemo. Jesu akati pana Marko 2:27: “Sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa sabata.” Jesu aida vanhu, kwete mitemo inodzvinyirira.
VaKristu nhasi nokudaro vanoita zvakanaka kusanyanyooma kana kuti kuda mitemo mukufunga kwavo. Avo vane chiremera muungano vanorega kuremedza vamwe nemitemo yakanyanyisa yakaitwa nomunhu nemiitiro. Muenzaniso waJesu unotikurudzirawo kutsvaka mikana yokuita zvakanaka. Somuenzaniso, muKristu haasati aizotongorangarira kuti achagoverana zvokwadi dzeBhaibheri bedzi apo anenge akabatikana nenzira yakarongwa muushumiri hwapaimba neimba kana kuti apo anenge ari pachikuva chavose. MuKristu, anodaro muapostora Petro, anofanira kuti a“gare [a]kazvigadzira kupindura mumwe nomumwe uno[mu]bvunza pamusoro petariro iri mukati [make].” (1 Petro 3:15) Kuita zvakanaka hakuna ganhuriro dzenguva.
Chidzidzo Mutsitsi
Chimwe chishamiso chakatanhamara chakanyorwa pana Ruka 7:11-17. Maererano nenhoroondo yacho, Jesu “wakaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.” Kusvikira kuzuva rino, makuva anogona kuonwa kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwomusha weArab wazvino uno weNein. “Zvino, wakati achiswedera pedyo nesuo reguta,” iye akasangana neboka raiita mheremhere. “Akaona vanhu vakanga vakatakura wakafa, mwanakomana mumwe woga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.” H. B. Tristram akataura kuti “muitiro wokuviga hauna kuchinja” kuvambira munguva dzakare, achiwedzera, kuti: “Ndakaona vakadzi vachifamba pamberi pehwanyanza, vachitungamirirwa navakadzi vanoshandiswa kuchema. Vanokanda maoko avo mudenga, vanodhonza vhudzi ravo, namajangariko oupengo zvikurusa enhamo, uye vanoshevedza zita ranyakuenda.”—Eastern Customs in Bible Lands.
Pakati penyongano yakadaro inoita mheremhere paifamba chirikadzi yaichema yaiva nechitarisiko chimene chinofanira kuva chairatidzira marwadzo makuru. Zvayakanga yatorasikirwa nomurume, yairangarira mwanakomana wayo, mumashoko omunyori Herbert Lockyer, se“tsigiro muukweguru hwayo, uye nyaradzo youshoma hwayo—mutsigiri nembiru yomusha. Mukurasikirwa nomwanakomana wayo bedzi, tsigiro yakasara yokupedzisira yakanga yabviswa.” (All the Miracles of the Bible) Ndokupi kwaiva kuita kwaJesu? Mumashoko akajeka aRuka, “zvino Ishe wakati achimuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.” Kutaura kwokuti “akamunzwira tsitsi” kunotorwa mushoko rechiGiriki iro rinoreva chaizvoizvo “matumbu.” Kunoreva “kusundwa kana toreva nezvomukati momunhu.” (Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words) Hungu, Jesu akasiririswa zvikuru.
Mai vaJesu vamene sezvingabvira vakanga vava chirikadzi panguva ino, naizvozvo zvimwe aiziva marwadzo okufirwa mukurasikirwa nababa vake vokurera, Josefa. (Enzanisa naJohane 19:25-27.) Chirikadzi yacho haina kufanira kuteterera Jesu. Nokuzvidira, “akaswedera, akabata hwanyanza,” pasinei zvapo neidi rokuti muMutemo waMosesi kubata chitunha kwaiita kuti munhu ave asina kuchena. (Numeri 19:11) Kupfurikidza namasimba ake anoshamisa, Jesu aigona kubvisa manyuko amene okusachena! “Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka. Iye wakanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake.”
Chidzidzo chinonyandura zvakadini mutsitsi! VaKristu havasati vachifanira kutevedzera zvimiro zvendangariro zvisina rudo, zvoutsinye zvinooneka mukati maaya “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5) Mukupesana, 1 Petro 3:8 inopa zano, kuti: “Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise.” Apo muzivikanwi anotambura rufu kana kuti chirwere chakakomba, hatigoni kuita rumuko kana kuti kuporesa anorwara. Asi kupa yamuro inoshanda nenyaradzo, zvichida nokungovapo chete nokuchema navo.—VaRoma 12:15.
Urwu rumuko runoshamisa rwakaitwa naJesu runonongedzerawo kunguva yemberi—nguva apo “vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda”! (Johane 5:28, 29) Mupasi rose, vakafirwa vachawana somunhu oga tsitsi dzaJesu apo vanamai vakaenda, vanababa, vana, uye shamwari vanodzoka vachibva muguva!
Zvidzidzo Zvezvishamiso
Nenzira yakajeka, ipapoka, zvishamiso zvaJesu zvaipfuura ratidzirwo dzinofadza dzesimba. Izvo zvairumbidza Mwari, zvichigadzira vaKristu muenzaniso avo vanokurudzirwa ku‘rumbidza Mwari.’ (VaRoma 15:6) Zvakakurudzira kuitwa kwezvakanaka, kuratidzwa kworupo, kuratidzirwa kwetsitsi. Zvinokosha zvikuru, zvakabatira sokufanoonwa kwamabasa esimba achaitwa mukati moKutonga kwaKristu kwaMakore Ane Chiuru.
Ari pasi pano, Jesu akaita mabasa ake esimba mukati menharaunda duku zvikuru yapamusoro papasi. (Mateo 15:24) SaMambo akapiwa mbiri, udzori hwake huchatambanukira mupasi rose! (Pisarema 72:8) Shure panguva iyeyo, avo vakagamuchira kurapa kwake kunoshamisa norumuko pakupedzisira vakafa. Muumambo hwake hwokudenga, chivi norufu zvichabviswa chose chose, kuchibvirisa upenyu husingaperi. (VaRoma 6:23; Zvakazarurwa 21:3, 4) Hungu, zvishamiso zvaJesu zvinonongedzera kunguva yemberi ine mbiri. Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera mamiriyoni kutanga tariro chaiyoiyo yokuva rutivi rwayo. Kutozosvikira nguva iyoyo yasvika, kufanoravirwa kunoshamisa zvakadini kwezvichakurumidza kuitika kunogoverwa nezvishamiso zvaJesu Kristu!
[Mufananidzo uri papeji 7]
Jesu anoshandura mvura kuva waini