Upenyu hwaJesu Noushumiri
Rwendo Rwapachivande kuJerusarema
WAVA munakamwe wa 32 N.V., uye Mutambo waMatumba wava pedyo. Jesu aganhurira mubato wake zvikurukuru kuGarirea chibviro chePaseka ya 31 N.V. apo vaJudha vakaedza kumuuraya. Sezvingabvira, nguva bedzi Jesu akashanyira Jerusarema chibviro chenguva iyeyo kwakanga kuri kundopinda mitambo mitatu yegore negore yavaJudha.
Vanun’una vaJesu zvino vanomukurudzira, kuti: “Ibva pano, uende Judhea.” Jerusarema ndiro guta guru reJudhea uye nzvimbo yorudzidziso yenyika yose. Vanun’una vake vanorangarira, kuti: “Nokuti hakuno munhu unoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzivikanwa.”
Kunyange zvazvo Jakobho, Simoni, Josefa, uye Judhasi vasingadaviri kuti mukoma wavo, Jesu, ndiye Mesia chaizvoizvo, vanoda kuti aratidze masimba ake enenji kuavo vose vakaungana pamutambo. Jesu, zvisinei, anoziva nezvengozi yacho. “Nyika haingakuvengii imi,” iye anodaro, “asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa.” Naizvozvo Jesu anoudza vanun’una vake, kuti: “Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokukwira kumutambo.”
Mutambo waMatumba kuchengeta kwamazuva manomwe, uko kunogumiswa nemibato chaiyo pazuva rechisere. Mutambo wacho unoratidzira mugumo wegore rokurima uye inguva yokufara kukuru nokuonga. Mazuva anoverengeka pashure pokunge vanun’una vaJesu vaenda kundopinda pamwe chete neboka guru ravafambi, iye navadzidzi vake vanoenda pachivande, vachiramba vasingaoneki. Ivo vanotora nzira inoenda nomuSamaria, panzvimbo peiyo vanhu vazhinjisa vanotora iri pedyo noRwizi rwaJoridhani.
Sezvo Jesu neboka rake vachada pokugara mumusha weSamaria, iye anotuma nhume mberi kuzoita gadziriro. Vanhu, zvisinei, vanoramba kuitira chinhu chipi nechipi Jesu pashure pokuziva kuti iye ari kunanga Jerusarema. Nehasha, Jakobho naJohane vanobvunza, kuti: “Ishe, munoda kuti titi mwoto uburuke kudenga, uvaparadze here?” Jesu anovatsiura nokuda kwokukarakadza chinhu chakadaro, uye ivo vanopfuurira kufamba vachienda kumumwe musha.
Sezvavari kufamba munzira, mumwe munyori anoti kuna Jesu: “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
“Mhunguhwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere;” Jesu anopindura kudaro, “asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Jesu ari kuratidza kuti munyori wacho achawana nhamo kana akava muteveri Wake. Uye revo yacho inoratidzika kuva yokuti munyori anonyanyodada zvikurusa zvokusagona kugamuchira mutoo uyu woupenyu.
Kumumwe murume, Jesu anoti: “Nditevere.”
“Nditenderei henyu ndimboviga baba vangu,” murume wacho anopindura kudaro.
“Regai, vakafa ngavavige vakafa vavo,” Jesu anopindura kudaro, “asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.” Baba vomurume wacho sezviri pachena vakanga vachigere kufa, nokuti kudai vakanga, kungadai kusina kuva kunobvira kuti mwanakomana wake aizova pano achiteerera Jesu. Mwanakomana wacho sezviri pachena ari kukumbira nguva yokumirira rufu rwababa vake. Iye haana kugadzirira kuisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwake.
Sezvavanopfuurira munzira vakananga Jerusarema, mumwe murume anoudza Jesu kuti: “Ndichakuteverai Ishe, asi munditenderei henyu ndimbondowonekana navari mumba mangu.”
Mumhinduro Jesu anoti: “Hakuna munhu ungati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa noushe hwaMwari.” Avo vachava vadzidzi vaJesu vanofanira kuva nemeso avo akanangidzirwa pabasa roUmambo. Sezvo muforo sezvingabvira uchamonoroka kana murimi asingarambi akatarira mberi, naizvozvo ani naani anotarira shure patsika ino yekare yezvinhu angagumbuka ndokubuda munzira inotungamirira kuupenyu. Johane 7:2-10; Ruka 9:51-62; Mateo 8:19-22.
◆ Ndivanaani vari vanun’una vaJesu, uye ivo vanonzwa sei pamusoro pake?
◆ Neiko vaSamaria vachivirima kwazvo, uye chii icho Jakobho naJohane vanoda kuita?
◆ Ikurukuriranoi nhatu idzo Jesu anova nadzo munzira, uye iye anosimbisa sei kudikanwa kwebasa rokuzvibaira?