Upenyu hwaJesu Noushumiri
Pamutambo waMatumba
JESU azova akakurumbira mukati mamakore anodokusvika matatu chibviro chorubhapatidzo rwake. Zviuru zvakawanda zvakaona manenji ake, uye mishumo pamusoro pemibato yake yapararira munyika yose. Zvino, sezvo vanhu vanoungana nokuda kwoMutambo waMatumba muJerusarema, ivo vanomutsvakamo. “Uripiko iye?” ivo vanoda kuziva.
Jesu azova nhau inomutsa nharo. “Wakanaka,” vamwe vanodaro. “Kwete, unotsausa vanhu vazhinji,” vamwe vanodaro. Pane kutaura kunodzorwa kwakawanda kworudzi urwu mukati mamazuva okutanga omutambo. Bva hakuna munhu ane ushingi hwokutaura pachena nokuda kwaJesu. Ikoku imhaka yokuti vanhu vanotya matsive anobva kuvatungamiriri vechiJudha.
Apo mutambo wava pakati, Jesu anosvika. Iye anokwira kutembere, uko vanhu vanoshamiswa namano ake anoshamisa okudzidzisa. Sezvo Jesu asina kutongopinda zvikoro zvavarabhi, vaJudha vanoshamisika, vachiti: “Munhu uyu unoziva seiko manyoro, zvaasina kumbodzidza?”
“Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu,” Jesu anotsanangura, “asi ndokwowakandituma. Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene.” Kudzidzisa kwaJesu kunosanowirirana nomutemo waMwari. Nokudaro, kunofanira kuva pachena kuti iye ari kutsvaka mbiri yaMwari, kwete yake amene. “Mosesi haana kukupai murairo here?” Jesu anobvunza. Uye kupfurikidza nokutuka, iye anopfuurira kuti: “Asi hakuno mumwe wenyu unoita Murairo.”
“Munotsvakireiko kundiuraya?” Jesu ipapo anobvunza.
Boka racho, zvimwe vashanyi kumutambo, harizivi nezvenhamburiko dzakadaro. Ivo vanokurangarira kuva kusingafungiki kuti munhu upi noupi angada kuuraya mudzidzisi anoshamisa akadaro. Naizvozvo ivo vanodavira kuti chimwe chinhu chinofanira kuva chisina kururama naJesu kuti afunge ikoku. “Une mweya wakaipa iwe,” ivo vanodaro. “Ndianiko unotsvaka kukuuraya?”
Vatungamiriri vechiJudha vanoda kuti Jesu aurawe, kunyange zvazvo boka ringave risingakuzivi. Apo Jesu akaporesa mumwe murume paSabata gore rimwe nehafu pamberi pezvi, vatungamiriri vakaedza kumuuraya. Naizvozvo Jesu zvino anoonesa kusava nomufungo kwavo kupfurikidza nokuvabvunza, kuti: “Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi munonditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here? Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.”
Vagari veJerusarema, avo vanoziva nezvomugariro wacho, zvino vanoti: “Ko haazi iye wavaitsvaka kuuraya here? Tarirai unotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kani kuti ndiye Kristu?” Ava vagari veJerusarema vanotsanangura chikonzero nei vasingadaviri kuti Jesu ndiye Kristu: “Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakuno munhu ungaziva kwaanobva.”
Jesu anopindura, achiti: “Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuuya ini ndimene, asi wakandituma ndiye wazvokwadi, wamusingazivi imi. Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye wakandituma.” Pana ikoku ivo vanoedza kumubata, zvichida kuti vamuise mutorongo kana kuti kumuita kuti aurawe. Bva ivo havabudiriri nemhaka yokuti haisati iri nguva yokuti Jesu afe.
Zvisinei, vazhinji vanotenda Jesu, sezvo zvamazvirokwazvo vachifanira. Chokwadi, iye akafamba pamvura, akanyaradza mhepo, akanyaradza makungwa ane madutu, akadyisa nenenji zviuru nezvingwa zvishomanene nehove, akarapa vanorwara, akaita kuti zvirema zvifambe, akazarura meso amapofu, akarapa vane maperembudzi, uye kunyange kumutsa vakafa. Naizvozvo ivo vanobvunza, kuti: “Kana Kristu achizosvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kune zvizvi zvakaitwa nouyu here?”
Apo vaFarise vanonzwa boka richitaura izvi zvinhu, ivo navaprista vakuru vanotuma vakuru vakuru kundosunga Jesu. Johane 7:11-32.
◆ Jesu anosvika rini pamutambo, uye kutaurai kuripo pamusoro pake?
◆ Neiko kungadaro kuti vamwe vanoti Jesu ane dhemoni?
◆ Murangariroi waJesu una vagari veJerusarema?
◆ Neiko vazhinji vachitenda Jesu?