Chokwadi Chinoshandura Upenyu
ZVINOSURUVARISA asi ichokwadi kuti upenyu hwavanhu vakawanda kwazvo nhasi hwakaoma, hwakatoipisisa. Zvinobvira kuti vanhu vakadaro vawane mufaro here? Vamwe matsotsi uye vanoita vanyajambwa vavakidzani vavo. Vanozombogona kuva mitezo yenzanga yakatendeseka here? Mhinduro yemibvunzo iyi yose iri miviri ndihungu. Vanhu vanogona kuchinja. Upenyu hunogona kushandurwa. Muapostora Pauro akaratidza kuti zvinogona kuitwa sei paakanyora kuti: “Mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.”—VaRoma 12:2.
Kududzwa kwe“kuda kwaMwari . . . kwakakwana” kungatiyeuchidza zvakataura Jesu kuvadzidzi vake makore anopfuura 20 Pauro asati anyora mashoko ari pamusoro apa. Jesu akati: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32) Kupfurikidza nokuti “zvokwadi,” Jesu aireva mashoko akafuridzirwa naMwari—zvikurukuru mashoko ane chokuita nezvinodiwa naMwari—atakachengeterwa muBhaibheri. (Johane 17:17) Chokwadi cheBhaibheri chinosunungura vanhu chaizvoizvo here? Kurarama mutsinhirano nezvinodiwa naMwari kunoshandura upenyu chaizvoizvo here? Zvirokwazvo kunodaro. Rangarira mienzaniso mishomanene.
Donzo Muupenyu
Kasiri kare, Moisés, muGibraltar, akanga ari munhu asingafari zvikuru. Anoti: “Ndakanga ndiri chidhakwa uye ndairara mumugwagwa. Ndainzwa kuti ndakarasika. Usiku hwose ndaikumbira Mwari kuti andinzwire ngoni uye asaita kuti ndirarame rimwe zuva. Ndaichema sezvandaibvunza Mwari chikonzero nei ndakanga ndiri munyika ino kana ndakanga ndisingabetseri, ndisingashandi, ndisina mhuri, uye pasina munhu wokundibetsera. Nei ndichifanira kuramba ndichirarama?” Ipapo, chimwe chinhu chakaitika.
Moisés anopfuurira kuti: “Ndaiziva kuti Mwari akanga anzwa munyengetero wangu pandakasangana naRoberto, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Roberto akandipa Bhaibheri nekopi yeyamuro yokufunda Bhaibheri yaMwari Anodei Kwatiri?a Mazuva ose takafunda Bhaibheri pamwe chete takagara pabhenji randairara usiku. Pashure pomwedzi Roberto akaenda neni kumusangano muHoro yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza, chokwadi cheBhaibheri chakanga chachinja murangariro wangu chose chose. Handicharari panze; uyewo handichanwi kana kuti kusvuta. Upenyu hwangu hwachinja, uye ndinofara. Ndinotarisira kubhabhatidzwa nokukurumidza ndokubatira Jehovha somumwe weZvapupu zvake.”
Kuchinja kwakadini! Vanhu pavanenge vasina tariro, chikonzero chacho kazhinji kazhinji kushayiwa zivo. Havazivi pamusoro paMwari kana kuti madonzo ake akaisvonaka. Muchiitiko chaMoisés, paakawana zivo iyoyo, yakamupa simba noushingi zvokuti achinje upenyu hwake. Munyengetero wowezvamapisarema kuna Mwari wakapindurwa muchiitiko chaMoisés: “Tumai chiedza chenyu nezvokwadi yenyu; zvinditungamirire; zvindisvitse kugomo renyu dzvene.”—Pisarema 43:3.
MuBelize, Daniel akanga ane chiitiko chakafanana. Daniel akanga asiri kurara mumigwagwa—akanga ane basa rapamusoro. Asi kwamakore 20 akarwisana nokupindwa muropa nemirimo nezvinwiwa zvinodhaka uye akararama upenyu hwounzenza. Kunyange zvazvo akarerwa ari muKaturike, Daniel aisagona kuona revo muupenyu, uye aisava nechokwadi chokuvapo kwaMwari. Akaenda kumachechi akasiyana-siyana achitsvaka betsero asi akawana kuti shamwari dzake dzakawanda dzaienda kuchechi uye kunyange dzimwe shamwari dzake dzaiva vafundisi dzaishandisa mirimo nezvinwiwa zvinodhaka nenzira isina kufanira. Munguvayo, mudzimai wake akanga oda kumuramba.
Apererwa nezano Daniel akazvipinza mukiriniki inotarisira vakapindwa muropa nezvinodhaka. Zvisinei, aiziva kuti pashure pokubudiswa kwake, aizokurumidza kudzokera kukushandisa mirimo kana akasagamuchira betsero. Asi rudzii rwebetsero? Muna May 1996, mazuva maviri pashure pokunge abuda mukiriniki yacho, Daniel akasvika mumwe weZvapupu zvaJehovha ndokumushamisa nechikumbiro chokuti, “Funda Bhaibheri neni ndapota.” Chapupu chacho chakaronga kuti chifunde Bhaibheri kaviri pavhiki naDaniel, uye Daniel akakurumidza kuvamba kuwiriranisa upenyu hwake nezvinodiwa naMwari uye akatsiva shamwari dzake dzekare neshamwari dzechiKristu dzakanga dzisingashandisi zvisina kufanira mirimo kana kuti zvinwiwa zvinodhaka uye dzaidzivisa unzenza. Nokudaro Daniel akawana kuti zvinotaura Bhaibheri ichokwadi: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Nokukurumidza, akati: “Iyi inguva yokutanga muupenyu hwangu yandakaziva zvazvinoreva kuva nehana yakachena.” Upenyu hwaDaniel hwakashandurwawo.
MuPuerto Rico, mumwe murume akachinja zvinoshamisa. Akanga ari mutorongo uye akarangarirwa seane ngozi zvikuru, sezvaakanga auraya vanhu vakawanda. Chokwadi cheBhaibheri chaigona kumuchinja here? Hungu. Mumwe weZvapupu zvaJehovha akakwanisa kumupa makopi emagazini eNharireyomurindi neMukai!, uye akakurumidza kukumbira mamwe. Fundo yeBhaibheri yakatangwa naye, uye sezvo chokwadi cheBhaibheri chakavamba kutapura mwoyo wake, kuchinja kwaakaita kwakaoneka navose. Humwe hwoufakazi hwokutanga hwokuchinja kwake ndehwokuti akagera bvudzi rake refu ndokuveura ndebvu dzake dzaiva dzakangoti nyangara.
Bhaibheri rinotaura kuti Mwari anokanganwira vatadzi vanopfidza zvechokwadi uye vanochinja mararamiro avo. Pauro akanyora kuti: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? . . . Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa.” (1 VaKorinte 6:9, 11) Pasina mubvunzo, mashoko aya akanyaradza murume uyu, sezvakaita mashoko aMabasa 24:15: “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” Akati: “Ndinoda kuvapo panomutswa vakafa kuitira kuti ndigogona kukumbira ruregerero kune vandakauraya.”
Mhuri Itsva
Rimwe zuva Luis, mumwe muevhangeri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha muArgentina, akasumwa kune rimwe jaya rakanga rine mamiriro ezvinhu ekare aisuruvarisa. Asiyiwa navabereki vake pakuberekwa, akarerwa mumasangano akasiyana-siyana. Paakanga ava namakore 20 okukura, akaziva kuti akanga ana mai vake uye akasarudza kunogara pedyo navo. Akashanda nesimba, akachengeta mari yakawanda, uye akaenda kuguta kwakanga kuna mai vake. Vakamubvumira kuti agare navo kusvikira mari yake yapera uye ipapo vakamukumbira kuti aende. Kurambwa uku kwakamuita kuti ade kuzviuraya.
Zvisinei, Luis akakwanisa kugoverana chokwadi cheBhaibheri neiri jaya. Chokwadi ichocho chinobatanidza vimbiso yokuti: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Jaya racho rakaziva kuti rakanga rina Baba vokudenga vakanga vasingazomborisiyi. Zvino rinofara kuva rutivi rwemhuri itsva, mhuri yaJehovha.
Mumwe murume ari munyika imwe cheteyo akaudza mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti aifarira magazini yeNharireyomurindi. Nei? Nemhaka yokuti yakanga yaponesa roorano yake. Zvinoratidzika kuti rimwe zuva murume uyu, sezvaakabva kubasa, akaona magazini yeNharireyomurindi yakanga ine musoro unoti “Kurambana” mumabhii makuru iri mubhini. Sezvo roorano yake yakanga iri muchinetso uye iye nomudzimai wake vakanga vatanga matanho okuti vaparadzane zviri pamutemo, akanhonga magazini yacho ndokuvamba kuirava. Akaenda nayo kumba ndokuirava nomudzimai wake. Varoorani vacho vakaedza kushandisa zano rakavakirwa muBhaibheri rakanga riri mumagazini yacho. (VaEfeso 5:21–6:4) Nokukurumidza, ukama hwavo hwakava nani. Vakarega matanho okuparadzana uye zvino vari kufunda Bhaibheri sevaroorani vakabatana.
MuUruguay, mumwe murume anonzi Luis akanga asingafari. Kupindwa muropa nemirimo, kushandisa midzimu, kunamata zvidhori, kushandisa zvisina kufanira zvinwiwa zvinodhaka—izvi zvakanga zviri zvimwe zvinhu zvaivhiringidza upenyu hwake. Pakupedzisira, Luis, akangaidzwa chose, akava asingatendi kuvapo kwaMwari. Imwe shamwari yakamupa bhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?b Izvi zvakaguma nekuonana zvishomanene neZvapupu zvaJehovha, asi Luis akakurumidza kudzokera kuzvinwiwa zvinodhaka nemirimo. Apo, ari munhambo yenhamo huru, akazviwana akagara mugomba rakanga rizere namarara, akanyengetera, achinyengetera kuna “baba vaJesu Kristu,” sezvaakanga asina chokwadi pamusoro pezita raMwari.
Akakumbira Mwari kuti amuratidze kana pakanga pane chikonzero chipi nechipi chokuva kwake munyika. “Zuva rakatevera racho chairo,” anoshuma kudaro Luis, “mumwe munhu wandaizivana naye akandipa bhuku raakanga asingachashandisi. Musoro waro waiti chii? Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!c Bhuku racho rakamubetsera kupindura mibvunzo yake. Luis akanyengeterera zvakare betsero mukuwana rudzidziso rwaizomuratidza nzira yokubatira nayo Mwari. Zvinoshamisa zvakadini! Bhera repasuo rakarira, uye vakanga vakamira panze vaiva vaviri veZvapupu zvaJehovha. Luis akatanga kufunda Bhaibheri navo pakarepo. Akafambira mberi nokukurumidza uye zvino anonzwa akakomborerwa kuva Chapupu chakabhabhatidzwa. Anorarama upenyu hwakachena uye anobetsera vamwe kuti vawanewo donzo roupenyu hwavo. Kwaari, mashoko ePisarema 65:2 akava echokwadi: “Imi vokunzwa munyengetero, vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.”
MuPhilippines, Allan aimbova mudzidzi aida zvokuratidzira. Aiva weboka rakanga rine donzo ro“kuparadza hurumende kuitira kuti zvizvarwa zvomunguva yemberi zvigofarikanya kuenzana.” Rimwe zuva, kunyange zvakadaro, akasvikwa neZvapupu zvaJehovha ndokudzidza donzo raMwari rorudzi rwomunhu muBhaibheri. Donzo iroro rinobatanidza vimbiso yakafuridzirwa: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11) Allan akati: “Ndakakurumidza kuziva kuti zvakanga zvichirwirwa nesangano redu zvakanguri zvavimbiswa muBhaibheri. Zvinhu zvose zvataishuva zvikuru zvichapinzwa muUmambo hwaMwari.” Allan zvino anotsigira Umambo hwaMwari uye anobetsera vamwe kuti vave nokutenda muchokwadi cheBhaibheri.
Hungu, upenyu hunoshandurwa vanhu pavanoteerera chokwadi cheShoko raMwari, Bhaibheri. Zvirokwazvo, nguva iri kuuya apo rudzi rwose rwomunhu rwuri kurarama rwuchava rwatsinhiranisa upenyu hwarwo nokuda kwaMwari. Kuchava kuchinja kwakadini! Ipapo, uporofita huchazadzikwa: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.