Jesu—Ndiani?
ZVINYORWA zvenyika izvo zvinotaura nezvaJesu zvishomanene. Zvisinei, zvimwe zviripo, uye nezvazvo The Encyclopædia Britannica inoti: “Idzi nhauro dzakazvimirira dzinobvumikisa kuti munguva dzakare kunyange vashori vechiKristu havana kutongopanikira uchokwadi hwaJesu, uhwo hwakarambwa kwenguva yokutanga uye pazvikonzero zvisina kukwana navanyori vanoverengeka pamugumo pamazana amakore rechi 18, mukati merechi 19, uye pamavambo erechi 20.”
Zvino zvibvunze umene kuti, Kana kuvapo kwaJesu kwaiva ngano, kungabvira here kuti kungave kwakatora kutozosvikira pazana ramakore rechi 18 kuti uku kuwanwe? Uyewo rangarira idi rokuti vanhu vanopfuura bhirioni zvino vanotaura kuva vateveri vaJesu. Pesvedzero iyo dzidziso dzake dzakava nayo pashambidziko, dzidzo, uye hurumende—panhau yose yenyika—haigoni kurambwa. Kunoratidzika kuva kuno mufungo here kuti kwose ikoku kwave kuri muuyo wechimwe chinhu chisingakoshi zvacho kupfuura ngano?
Kana muvambi weIslam, muporofita weArabia Muhammad, akanga ari munhu chaiyeiye, chikonzeroi chakasimba chatinacho chokudavira kuti Jesu Kristu, muvambi wechiKristu, akanga asiri? Iye angave akararama makore 600 pamberi paMuhammad, asi cherechedza kuti muvambi wechiBuddha, Siddhārtha Gautama—Buddha, kana kuti “Akachenjera”—akararama kunyange pamberi pezvi, makore anopfuura 500 pamberi paJesu. Bva, kana Buddha akanga ari munhu chaiyeiye, chikonzeroi chakasimba chatinacho chokudavira kuti Jesu akanga asiri?
Wezvenhau weGermany nenyanzvi yokuchera matongo Hans Einsle anonyora kuti wezvenhau wechiJudha Flavius Josephus, vanyori veRoma Suetonius naPliny, uye zvikurukuru wezvenhau weRoma Tacitus “vose vanosimbisa uchokwadi hwaJesu namaidi makuru oupenyu hwake.”
Kupfuura Munhuwo Zvake Here?
Jesu aivapo—asi sechiiko? Vamwe vanhu vanotaura kuti iye akanga achingova munhuwo zvake, kunyange zvazvo ivo vachibvuma kuti iye anofanira kuva aiva munhu akachenjera zvikuru, aitaura zvokwadi. Kunyange vavengi vake vomuzana rokutanga ramakore vakabvuma zvakafanana, vachiti: “Mudzidzisi, tinoziva . . . hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi.”—Marko 12:13, 14.
Vamwe, zvisinei, vanorangarira kuti Jesu anofanira kuva aiva anopfuura munhuwo zvake. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti, kutanga, iye aigona kuita zvinhu vanhuwo zvavo vasingagoni kuita. Somuenzaniso, iwe wati wambosangana nomunhu upi noupi anokwanisa kufamba pamvura, kushandura mvura kuva waini, kudyisa vanhu vanenge 5 000 nehove mbiri duku nezvingwa zvishanu zvebhari, kuporesa mapofu, kana kuti kumutsa vakafa here?—Mateo 14:25, 26; Marko 8:22-25; Johane 2:1-11; 6:1-13; 11:30-44.
Jesu aigonawo kuziva zvinhu vanhuwo zvavo vasingagoni. Apo mumwe mukadzi akamuudza kuti akanga asina murume, Jesu akapindura, achiti: “Wareva zvakanaka, zvawati: ‘Handina murume.’ Nokuti watova navarume vashanu; uyo, waunaye zvino, haazi murume wako.” Ashamiswa, mukadzi akagumisa, kuti: “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita.” (Johane 4:16-19) Somuenzaniso wokudeya kuona kunoshamisa kwaJesu pamusoro pokurambwa kwake naPetro, ona Ruka 22:31-34, 54-62.
Jesu aiva nechiremera chechienzi. Vanhu “vakashamiswa nenzira yake yokudzidzisa, nokuti ipapo akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, ndizvo kwete savanyori.” (Marko 1:22, NW) Uyezve, Jesu akakwanisa kupa “vadzidzi vake gumi navaviri . . . chiremera pamusoro pemidzimu isina kuchena, kuti vadzinge iyoyi nokurapa rudzi rwuri rwose rwehosha norudzi rwuri rwose rwoutera.”—Mateo 10:1, NW.
Tinogona Here Kudavira Mishumo Yacho?
‘Asi imbomira,’ ungadaro. ‘Hakungagoni kuva kwakadaro here kuti udzame hunoreva pamusoro peizvo Jesu akaita hwakakatutsirwa?’ Kwete mukuwirirana naF. F. Bruce, purofesa akarega basa weBiblical Criticism and Exegesis paUniversity yeManchester, uyo anonyora, kuti: “Hakusati kuchiwanzova kunobvira kuratidzira nezvibvumikiso zvenhau zvokwadi youdzame huri hwose mumanyoro akare, mungave mukati kana kuti kunze kweBhaibheri. Kwakakwana kuva nechivimbo chine mufungo mukuvimbika kwose kwomunyori; kana ikoko kukasimbiswa, pane kubvira pahwaro ihwohwo kwokuti udzame hwake ndohwechokwadi. . . . Testamende Itsva haibviri zvishoma kuva inovimbika mune zvenhau nemhaka yokuti maKristu anoigamuchira sebhuku ‘rinoyera.’”
Chinhu chiri chose chinotsigira kuvimbika kwavanyori veEvhangeri. Kunyange zvazvo ivo vachisiana padzimwe nguva mukupa kwavo udzame, ivo havapokanidzani, kunyange sezvo zvapupu zviviri kutsaona yemotokari zvisingapokanidzani apo mumwe anotaura kuti motokari tsvuku yaibva kuruboshwe yakarova motokari yegirini yaibva kurudyi, nepo mumwe achitaura kuti Mercedes yaienda kumaodzanyemba yakarova Renault yaienda kuchamhembe. Idi rokuti Evhangeri dzinosiana muudzame huduku rinoratidzira zvakasimba kuti idzo ndedzechokwadi. Kudai vanyori vadzo vakada kunyengera vanhu kupinda mukudavira rungano, ivo zvamazvirokwazvo vangadai vakasanobatanidza nhau dzavo zvikuru.
Kunyange vavengi vaJesu vakatsigira mishumo pamusoro pake sechokwadi. Tinorava, kuti: “Vakauya kwaari nomunhu akanga ari mbeveve waiva nomweya wakaipa. Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura. . . . Asi vaFarise vakati: ‘Unobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.’” (Mateo 9:32-34) Cherechedza kuti vaFarise havana kuramba kuti Jesu akanga aita nenji. Ivo vakangoramba zvavo kupa mbiri simba rake rokuita saizvozvo kukushanda kwomudzimu mutsvene waMwari.
Humwe hufakazi hwokuti zvinyorwa pamusoro paJesu ndezvechokwadi iidi rokuti kana nheyo dzinobatanidzwa mudzidziso dzake dzikateverwa, dzinoshanda chaizvoizvo. Dzinoguma nokurarama kunobudirira nokunofadza. Mukuwedzera, uporofita hwakawanda hunosvika kure hwakataurwa naJesu, kufanana nouhwo hwakanyorwa muna Mateo ganhuro 24, Marko ganhuro 13, uye Ruka ganhuro 21, hwakazadzika muzuva redu.
Ko Jesu—ndi“Jehovha weTestamende Yekare” Here?
Sezvinooneka, Jesu akanga asiri munhuwo zvake. Iye akanga ari wechienzi nemhaka yokuti, sezvatinoudzwa neBhaibheri, akafarikanya upenyu mudenga asati auya kupasi. (Johane 6:38, 62) Iye nokudaro aiva nezivo namano zvinopfuura zvavanhuwo zvavo. Ikoku kunobetsera kutsanangura manenji ake nouchenjeri hwake hwakatanhamara.
Asi ko kuvapo kwaJesu asati ava munhu kunoreva kuti iye akanga ari Mwari here? Bhuku romudzidzisi rinotaura izvozvo, richiti: “Panguva ipi neipi apo Jesu anonongedzera kwaari Amene sa‘Ndini’ . . . , Iye akazvizivisa Amene saJehovha weTestamende Yekare.” Ikoku ichokwadi here?
Mukuwirirana nokushandura kweKing James Version Eksodho 3:13, 14, Mosesi akabvunza, kuti: “Pandinosvika kuvana vaIsraeri, uye ndikati kwavari, Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri; uye vakati kwandiri, Ko zita rake ndiani? ndichatii kwavari? Uye Mwari akati kuna Mosesi, NDINI WANDIRI: uye iye akati, Ndozvauchataura kuvana vaIsraeri, NDINI andituma kwamuri.” Pamusoro porugwaro urwu, The Pentateuch and Haftorahs (Rugwaro rwechiHebheru rune shanduro yechiNgezi netsananguro, rwakarongwa naDr. J. H. Hertz) inotaura kuti muchitsama chamashoko chinoti “Ndini wandiri . . . simbiso iri paratidzirwo yokushingaira yokuvapo kwoUmwari.” Kushandiswa kwacho sezita rokuremekedza kana kuti zita raMwari naizvozvo kwakafanira nemhaka yokuti kupfurikidza nokuvanunura muubatwa hweEgipita, Mwari akanga odokuratidzira kuvapo kwake nokuda kwavanhu vake nenzira yakatanhamara. Hertz anotaura kuti “vazvino uno zvikuru vanotevera Rashi [mutsinhiri akakurumbira wechiFrench weMiddle Ages weBhaibheri neTalmud] mukushandura ‘Ndichava wandichava.’” Ikoku kunobvumirana nokushandura kweNew World Translation, uko kunorava, kuti: “NDICHABVUMIKISA KUVA WANDICHABVUMIKISA KUVA.”
Pana Johane 8:58, zvakare King James Version ina Jesu anoshandisa kutaura kwokuti “Ini” pamusoro pake amene, achiti, “Abrahama asati avapo, ini ndaivapo.” Asi pano kutaura kwacho kwakasiana chose nokuye kunoshandiswa pana Eksodho 3:14. Jesu haana kukushandisa sezita kana kuti zita rokuremekedza asi somutoowo zvawo wokutsanangura kuvapo kwake asati ava munhu. Nokudaro, mukuwirirana neNew World Translation, kushandurwa kwakarurama zvikuru kwaJohane 8:58 ndokuku: “Abrahama asati avapo, ini ndaivapo.”
Nenzira yakajeka, hapana hwaro hwapaMagwaro huripo hwokutaura kuti Jesu ndiye mumwe cheteyo naJehovha waMagwaro echiHebheru. Kunyange bhuku romudzidzisi ranokorwa mashoko kare rinobvuma, kuti: “Kuti Kristu akavapo pamberi pokuberekwa Kwake muBhetrehema hakusati makuri kumene kuchibvumikisa kuti Iye akanga ari Mwari (Iye aigona kuva akavapo sengirozi).” Kutaura idi, izvi ndizvo zvinodzidzisa Bhaibheri. Mukuvapo kwake asati ava munhu, Jesu akanga ari “kamwari,” kana kuti woumwari, asi kwete iye Mwari, Mwari Wamasimba ose Jehovha.—Johane 1:1-3; 1 VaTesaronika 4:16.
Sezvo asiri Mwari, Jesu ndiani chaizvo?
[Mifananidzo iri papeji 5]
Manenji aJesu akabvumikisa kuti akanga achipfuura munhuwo zvake