Ganhuro 9
Ndianiko Anotungamirira Kukununurwa?
1. (a) Kuti tigonunurwa tichipfuura zvakakotsekana nomu“dambudziko guru” tinofanira kuzviisa pasi pechii? (b) Ko ikoku kwakaenzanisirwa sei nenzira iyo Mwari akashandisa nayo Mosesi?
TINGAGONA kuva vanoponeswa munyika ino yakaipa ndokuchengetwa tiri vapenyu nomu“dambudziko guru” kana bedzi tikabvuma kutungamirira kwaJesu Kristu ndokupa hufakazi hwokupwiswa kuti tinomuteerera zvomenemene uye tinofamba mumakwara ake. (Mabasa 4:12) Ikoku kwakasanoenzanisirwa mune zvinoitika zvakapoteredza kununurwa kwavaIsraeri vokunyama muEgipita muna 1513 P.N.V. Nomutoo unoshamisa Jehovha akapinza Israeri mukotsekano mukupfuura Gungwa Dzvuku ndokuparadza uto ravaEgipita rinoronda. Muna ikoku kose, Mwari akashandisa Mosesi kutungamirira vanhu vake.—Joshua 24:5-7; Eksodho 3:10.
2. (a) Ndivanaani vaiva “boka guru rakavhengana” vakasiya Egipita naIsraeri? (b) Mukusapanikira chii chakayevedza vazhinji vavo? (c) Nokukurumidza ko ivo vakaedzwa pamsoro penhaui?
2 Apo vaIsraeri vakabuda muEgipita vaine kariro yokupinda muNyika Yakapikirwa, vamwe vakavakumbanira. Sokunyora kwakaita Mosesi gare gare: “Boka guru rakavhengana rakabuda pamwe chete navo.” (Eksodho 12:38) Vaiva vanaaniko ivava? Vaiva vaEgipita kana kuti vamwe vokumwe vakakumbanira Israeri. Vakanga vaona madambudziko anotyisa zvikuru ayo Jehovha akanga aunza parudzi runodzvinyirira rweEgipita kuenzanisira kuti iye akanga ari Mwari wechokwadi bedzi uye kuti vamwari vavaEgipita vaiva venhema uye vakanga vasingagoni kununura avo vanovanamata. Mukusapanikirawo, izvo ivo vakanzwa kuna vaIsraeri pamsoro pekariro youpenyu mu“nyika inoyerera mukaka nouchi” zvakanzwika kuva zvakanaka kwavari. (Eksodho 3:7, 8; 12:12) Asika ivo vakazivawo zvizere Mosesi somumwe akamutswa naMwari kuva mubati ushe nomununuri wavanhu Vake here? Nokukurumidza ivo vakaedzwa.—Mabasa 7:34, 35.
3. (a) Neiko kwakanga kuchikosha kutevera miraidzo yaMosesi? (b) Chii chakanga chiri revo yo‘rubhapatidzo muna Mosesi’? (c) Neiko ikoko kuchikosha kuvaIsraeri vomudzimu?
3 Israeri, pamwe chete ne“boka guru rakavhengana,” zva akasvika mhenderekedzo dzeGungwa Dzvuku, mambo weEgipita namauto ake ehondo akavaronda kundovadzosera shure muutapwa. Kuti vagonunurwa, ivo vaifanira kugara pamwe chete ndokutevera mirairidzo yaMosesi, nokuti Jehovha akanga achishandisa Mosesi kuvatungamirira. Kupfurikidza negore rinopfuura simba rohunhu Jehovha akadzivirira muvengi apo iye akanga achikamuranisa mvura dzegungwa ndokuomesa pasi pegungwa. Mukusiana zvikuru nezvakaitika kuna vaEgipita gare gare, Israeri wose ne“boka guru rakavhengana” vakapukunyuka pamwe chete naMosesi vachiyambuka pasi pakaoma ipapo pegungwa. (Eksodho 14:9, 19-31) Zvavakafamba, rusvingo rwemvura rwuri kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo negore rokuvapo kwaMwari riri pamusoro pavo, chimwe chinhu chinokosha chakaitika. Bhaibheri rinotaura nezvako sorubhapatidzo—kwete rubhapatidzo chairwoirwo rwomumvura, asi rwuya rwomufananidziro muna Mosesi somuporofita waJehovha, uyo akatumwa naMwari kuzova Mununuri wavo. (1 VaKorinte 10:1, 2) Nenzira imwe cheteyo, vaIsraeri vose vomudzimu vachapukunyuka kuparadzwa kwenyika ino yakaipa vanofanira kuva norubhapatidzo rumwe cheterwo muna Kristu somununuri ndokupa hufakazi hunopwisa hwokuti vanosanoomerera pahutungamiriri hwake. “Boka rakavhengana” romuzuva razvino rinofanira kuva pamwe chete navo.
4. Ko chiremera icho Jehovha akapa kuna Kristu chakakura zvakadini?
4 Jehovha akaisa chiremera chikuru paMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kupfurikidza naye Mwari akaita kuti kutibvirire kuva vano‘nunurwa mutsika yezvinhu iripoyi yakaipa,’ kuti tigorega kudikanirwa kugoverana mumugumo wayo unotyisa. (VaGaratia 1:3-5; 1 VaTesaronika 1:9, 10) Kupfurikidza naMosesi, Jehovha akapa Israeri mitemo yaitapura kariro dzapakarepo dzoupenyu dzavanhu. Apo ivo vaiteerera mitemo iyeyo vaibetserekana zvikurukuru. Asi mimwe mitemo yakanga ine chirango chorufu nokuda kwokusateerera. Gare gare, Jesu akava muporofita mukuru zvikuru kupinda Mosesi. Zvaakadzidzisa zvaiva “mashoko oupenyu husingaperi,” uye kukundikana noune kuteerera mashoko iwawa kunoparira rufu urwo rusina nunurwo marwuri. Haiwa kunokosha zvakadini, nokuda kwechikonzero ichecho, kuti tifungisise zvaanotaura!—Johane 6:66-69; 3:36; Mabasa 3:19-23.
5. Chii chinoita kuti kuzviisa pasi paJesu kuve kunofadza zvikuru?
5 Kuna vamwe vanhu, mufungo wokuzviisa pasi pomutungamiriri unoratidzika kuva usingashuviwi. Vakaona kunyanyoshandiswa zvisino kufanira zvikuru kwechiremera. Asi mashoko aJesu amene anoratidzira mudzimu unosimbisira. Iye anotikoka noushamwari, achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munotambudzika nokuremedzwa, ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mugova vanodzidza kwandiri, nokuti ini ndino mwoyo munyoro naanozvininipisa mumwoyo, uye muchawana kuzorodzwa kwemweya yenyu. Nokuti joko rangu inyoro nomutoro wangu wakareruka.” (Mateo 11:28-30) Haiwa ikariro inofadza sei! Avo vanotetekera kokero youshamwari iyeyo, vachivimba zvizere naye, havazati vachizoodzwa mwoyo. (VaRoma 10:11) Vachawana chengeteko yakadai seyeyo yamakwai ari muboka romufudzi anorudo.
MUFUDZI CHAIYEIYE AKAISVONAKA
6. (a) Ko rudzi rwaIsraeri rwakanga rwakafanana sei namakwai ari mudanga ramakwai? (b) Ko Jehovha akaita chipikirwai pamsoro pomufudzi wa“makwai” iwawa, uye chakazadzika sei?
6 Rudzi rwaIsraeri rwakanga rwakafanana neboka ramakwai raJehovha. Iye akagovera sungano yoMutemo, iyo yakabatira samasvingo anotaviridzira echirugu chamakwai, ichivadzivirira pamararamire amarudzi aVamarudzi asino umwari. Yakatungamirirawo vanodavidza kuna Mesia. (VaEfeso 2:14-16; VaGaratia 3:24) Pamsoro paMambo iyeyo ari Mufudzi woUmesia, Jehovha akadeya kutaura, kuti: “Ini ndichamutsa mufudzi mumwe pa[makwai angu], uye iye anofanira kuadyisa, kunyange muranda wangu Dhavhidhi.” (Ezekieri 34:23, 31) Ikoko hakuna kureva kuti Dhavhidhi, uyo akanga afa panguva iyeyo, iye amene aizobatazve ushe samambo pavanhu vaMwari. Kupfuurezvo, mumutsara woumambo waDhavhidhi Jehovha aizomutsa mambo ari mufudzi uyo Mwari aizogovera kupfurikidza naye chengeteko. (Jeremia 23:5, 6) Panguva dzakasiana-siana vanhu vaikambira nomutoo wenhema kuva mununuri woUmesia, asi mugore ra 29 N.V., Jehovha akashandisa Johane Mubhapatidzi kusuma Jesu Kristu ku“makwai” aIsraeri kuva mumwe akatumwa zvomenemene naMwari, Mesia ane hufakazi hwechokwadi. Iye akanga ari Mwanakomana wokudenga waMwari, ane upenyu hwakanga hwatamisirwa mumimba yomusikana wechiJudha kuti agoberekerwa mumutsara woumambo waDhavhidhi. Zita rokuti Dhavhidhi rinoreva kuti “anodikanwa,” naizvozvo, nomutoo wakakodzera, pashure porubhapatidzo rwaJesu mumvura, Jehovha akazivisa nomutoo unonzwika ari kudenga, kuti: “Iwe uri Mwanakomana wangu, anodikanwa; ini ndakutendera.”—Marko 1:11.
7. (a) So “mufudzi akaisvonaka,” ko Jesu akaenzanisira sei udzame hwokuitira hanya kwake kworudo “makwai”? (b) Ko ikoku kwakasiana sei nomufambiro wavanamesia vapakutangatanga, venhema?
7 Mwedzi isingapfuuri mina pamberi pokufa kwake, Jesu akati: “Ini ndiri mufudzi akaisvonaka; mufudzi akaisvonaka anopa mweya wake nokuda kwamakwai.” (Johane 10:11) Iye akasianisa basa rake nerero ravanamesia venhema vakanga vasvika pakutanga-tanga, achiti: “Iye usingapindi mudanga ramakwai napamukova asi achikwira napane imwe nzvimbo, iyeyo imbavha nomupambi. Asi iye unopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. Muchengeti womukova anozarurira iyeyu, uye makwai anoteerera inzwi rake, uye iye anodana makwai ake amene namazita achiatungamirira kubuda kunze. Kana iye abudisa kunze ake ose amene, anoatungamirira, uye makwai anomutevera, nokuti iwo anoziva inzwi rake. Zvamazvirokwazvo iwo haateveri mweni asi achamutiza, nokuti iwo haazivi inzwi ravaeni.”—Johane 10:1-5, 8.
8. (a) Ko Jesu akapinza vaJudha vakamutevera mu“danga”i idzva? (b) Ko iye akapinza mangani mune iri danga?
8 Avo vaiva mudanga ramakwai rechiJudha vakadavidza kukutungamirira kwesungano yoMutemo vakagamuchira Jesu saMesia apo Johane Mubhapatidzi so“muchengeti womukova” akamusuma. Vakabvumikisa kuva “makwai amene” aJesu, uye akaatungamirira kudanga idzva ramakwai rokufananidzira, kana kuti chirugu, chaJehovha. Iri danga rakamirira ukama hwakatenderwa naJehovha pahwaro hwesungano itsva, iyo yakaitwa naIsraeri womudzimu uye yakasimbiswa neropa raJesu amene. Kupfurikidza nesungano iyi kwakavabvirira kuwana upenyu hwokudenga pamwe chete naKristu se“mbeu” yaAbrahama iyo zvikomborero zvaizouya kuvanhu vamarudzi ose kupfurikidza nayo. (VaHebheru 8:6; 9:24; 10:19-22; Genesi 22:18) Jesu Kristu, uyo Mwari akamutsa muna vakafa ndokumudzorera kuupenyu hwokudenga, ndiye “mukova” weiri danga ramakwai resungano itsva. Mukutsinhirana nedonzo raBaba vake, iye akapinza mune iri danga chiverengero chakaganhurirwa bedzi—chavane 144 000 bedzi—vokutanga vakabva pakati pavaJudha, uye gare gare vakabva pakati pavaSamaria naVamarudzi. SoMufudzi Akaisvonaka, Jesu anoziva rimwe nerimwe ramakwai ake nezita uye unoatarisira nokuangwarira norudo serimwe nerimwe.—Johane 10:7, 9; Zvakazarurwa 14:1-3.
9. Ko “mamwe makwai” ayo Jesu anotaura nezvawo ndivanaani, uye iwo anounganidzwa riini?
9 Zvisinei, Jesu haasati achiganhurira kufudza kwake kune iri “boka duku” rinowana Umambo hwokudenga. (Ruka 12:32) Iye akatiwo: “Ini ndina mamwe makwai, asati ari eiri danga; iwowo ini ndinofanira kuatungamirira, uye iwo achateerera inzwi rangu, uye iwo achava boka rimwe, mufudzi mumwe.” (Johane 10:16) Ko ava ndivanaani? Ivo vanhu vasati vari musungano itsva, ivo havazati vari vaIsraeri vomudzimu. Ivo vanhu vanounganidzirwa mugadziriro yaJehovha nokuda kwoupenyu husingagumi pasi pano pahwaro hwokutenda kwavo ukoshi hwechibairo cheropa raJesu. Vazhinji vavo vari kupinda mukusanosonganirana nemitezo yaIsraeri womudzimu zvino apo ivava vachiri pasi pano, uye pamwe chete navo, vanovimba naKristu soMufudzi Akaisvonaka. Avo va“mamwe makwai” vachiri vapenyu pasi pano uye avo vanozviratidzira ivo vamene vanoumba “boka guru” raZvakazarurwa 7:9, 10, 14, avo vane kariro yokupukunyuka dambudziko guru rinouya.
10. Kuva mumwe wa“mamwe makwai” iwawo, chii chinodikanwa?
10 Kukodzera kurondedzera kweBhaibheri “mamwe makwai” akadaro anotaviridzirwa ndokuchengetwa noMufudzi Akaisvonaka, munhu anofanira ku“teerera” inzwi Rake ndokupa hufakazi hwokuva zvomenemene rutivi rwe“boka rimwe” iro rinobatananidza vadyi venhaka chaivoivo voUmambo hwokudenga. Ko iwe uri kuita ikoko here? Ko unosanoteerera zvakadini inzwi rake?
11. Chii chichafakazira kuti tino“teerera” zvomenemene izvo Jesu akataura pana Johane 15:12?
11 Mukusapanikira iwe unoziva kuti Jesu akati: “Uyu ndiwo murairo wangu, kuti imi mudanane sezvo ini ndakakudai.” (Johane 15:12) Ko murairo iwowo uri kutapura sei upenyu hwako? Ko rudo rwaunoratidzira ndirwo rudzi rwakaenzanisirwa naJesu here? Nderwokuzvipira zvomenemene sechibairo here? Ko zviito nemirangariro yako zvinopa ufakazi hworudo rwakadaro kuna vose vari muungano yechiKristu nokune mitezo yeimba yako umene here?
12. (a) Kana tichi‘dzidziswa zvomenemene naJesu,’ kuchinja kwakadini kwakuchaita matiri? (b) Naizvozvo, tinofanira kuva tichiitei nezvinhu zvatinodzidza muBhaibheri?
12 Muapostora Pauro anotaura kuti kana isu tika‘nzwa’ zvomenemene Jesu uye tichi“dzidziswa kupfurikidza naye,” hunhu hwedu hwose huchachinja. Tichapfekenura hunhu hunowirirana neaichimbova mararamire edu uye tichapfeka “hunhu hutsva,” hunoratidzira mavara akaisvonaka aJehovha. (VaEfeso 4:17-24; VaKorose 3:8-14) Zvaunofunda Bhaibheri, uri kufungisisa pamsoro pezvinhu zvaunodikanirwa iwe pachako kuita gadziridzo madziri nokuda kwokufadza Mwari here? Ko iwe mukutungamirirwa nehana uri kuita kuchinja kwakadaro here? Uri kucherekedza basa rinokosha iro Jesu akaraira nokuda kwezuva redu here—kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa hwaMwari—uye uri kutsvaka nzira dzokupinda mariri here? Ko kuonga tsitsi dzakakomba dzaMwari dzinouya kwauri kunonyandura mauri chishuvo chapamwoyo chokuita kudaro here?—Mateo 24:14.
13. (a) Kana tisingangwariri, mwoyo yedu ingatitsausa sei? (b) Ko zvino, tinofanira kutevera munhanho dzaKristu kusvikira kutambanukoi?
13 Tinotofanira kungwarira kusarega mwoyo yedu ichititsausa. Mamirioni avanhu anokambira kudavira Jesu Kristu, uye zvimwe vangatonokora mashoko zvimwe zvezvinhu zvaakadzidzisa, asi vanongoshandisa bedzi zvavanowana kuva zvakakodzera. Vamwe vangadzivisa kupinda mumufambiro wavanorangarira havo kuva wakaipa zvikurusa. Kariro youpenyu paParadhiso yapasi muUmambo hwaMwari inganzwika kuva yakanaka kwavari, uye vangafarikanya kusonganirana zvino naavo vanotamburira zvapachokwadi kushandisa mirairo yechiKristu muupenyu hwavo. Asika kana tichida kuva pakati paavo vanopukunyuka ndokupinda “mupasi idzva,” tinotofanira kusanoteerera chinhu chiri chose chinotaurwa naJesu. Kunokosha kunzwisisa kuti isu hatingagoni kutungamirira nomutoo unobudirira nhanho dzedu timene. Tinotofanira kuteerera Mwanakomana waMwari, uyo akatumwa naJehovha soMununuri wavanhu Vake, ndokusanofamba munhanho dzake.—Jeremia 10:23; Mateo 7:21-27; 1 Petro 2:21.