-
“Awa Yake Yakanga Isati Yasvika”Nharireyomurindi—2000 | September 15
-
-
17. (a) Jesu anogamuchira mashokoi okukurumidzira achiparidza muPeriya? (b) Chii chinoratidza kuti Jesu ari kuziva chinangwa chezvaachafanira kuita uye nguva ichaitika zvinhu?
17 Mashoko okukurumidzira acho anobva kuna Marita naMariya, hanzvadzi dzaRazaro, vanogara muBhetani yeJudhiya. “Ishe, onai! uyo wamunoda kwazvo ari kurwara,” nhume yacho inorondedzera. “Kurwara uku hakuna vavariro yokuuraya,” anopindura kudaro Jesu,“asi ndekwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari apiwe mbiri nakwo.” Kuti aite chinangwa ichi, Jesu anoramba ari kwaari kwemazuva maviri achizviita achida hake. Ipapo anoti kuvadzidzi vake: “Ngatiendeizve kuJudhiya.” Vasingadi, vanopindura kuti: “Rabhi, nguva ichangobva kupfuura vaJudha vakanga vachitsvaka kukutakai nematombo, zvino moenda ikoko zvakare?” Asi Jesu anoziva kuti nguva yasara ye“maawa . . . echiedza chemasikati,” kana kuti nguva iyo Mwari akatara nokuda kwoushumiri hwake hwapasi, ipfupi. Anonyatsoziva zvaanofanira kuita uye kuti nei.—Johani 11:1-10.
-
-
“Awa Yake Yakanga Isati Yasvika”Nharireyomurindi—2000 | September 15
-
-
21. Chishamiso chokumutswa kwaRazaro chinoshanda sokutanga kwechii?
21 Saka nokunonoka kwake kusvika muBhetani, Jesu anogona kuita chishamiso chisina angachiramba. Apiwa simba naMwari, Jesu anomutsa murume ave akafa kwemazuva mana. Kunyange Sanihedrini yakakwirira inomanikidzirwa kuzviona ndokupa mutongo worufu kuMuiti weChishamiso! Saka chishamiso chacho chinoshanda sepokutangira penguva yokuchinja kukuru inokosha muushumiri hwaJesu—kuchinja kubva panguva iyo “awa yake yakanga isati yasvika” kupinda munguva apo “awa yasvika.”
-