CHIDZIDZO 29
Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
Wakambofirwa here? Paunenge uchirwadziwa unogona kuzvibvunza kuti: ‘Chii chinoitika kwatiri patinofa? Pane tariro here yekuti tichazomboona hama neshamwari dzedu dzakafa?’ Muchidzidzo chino tichaona mhinduro dzinonyaradza dziri muBhaibheri dzemibvunzo iyi.
1. Chii chinoitika kwatiri patinofa?
Jesu akafananidza rufu nekurara. Munhu anenge akafa nehope anenge asingambozivi zvinenge zvichiitika. Rufu rwakafanana papi nekurara? Kana munhu afa anenge asisarwadziwe. Kunyange kana aida hama dzake neshamwari zvakadii, haatombonzwi kusurukirwa. “Vakafa havana kana chavanoziva,” rinodaro Bhaibheri.—Verengai Muparidzi 9:5.
2. Kuziva chokwadi nezverufu kunotibatsira sei?
Vanhu vakawanda vanotya rufu, uye vamwe vanototyawo kunyange vanhu vakafa! Asi zvinotaurwa neBhaibheri nezverufu zvinogona kukunyaradza. Jesu akati: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Bhaibheri haridzidzisi kuti munhu ane mweya unosara uri mupenyu kana afa, sezvinodzidziswa nezvimwe zvitendero. Kureva kuti hakuna munhu anotambura kana afa. Saka kana vakafa vasina chavanoziva, hapana zvavanokwanisa kutiita. Hapana chikonzero chekuedza kuvafadza, kuvanamata kana kuvanyengeterera.
Vamwe vanhu vanoti vanogona kutaura nevakafa. Asi izvozvo hazviiti. Sezvatatodzidza, “vakafa havana kana chavanoziva.” Vaya vanofunga kuti vari kutaura nehama dzavo dzakafa vanogona kunge vachitotaura nemadhimoni ayo anonyepedzera kuva vanhu vakafa. Saka kuziva chokwadi nezverufu kunotidzivirira kumadhimoni. Jehovha anotiyambira kuti tisaedza kutaura nevakafa nekuti anoziva kuti madhimoni anogona kutikuvadza.—Verengai Dheuteronomi 18:10-12.
WEDZERA KUONGORORA
Ona zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri nezverufu, uye simbisa kutenda kwako muna Mwari ane rudo uye asingatambudze vakafa.
3. Dzidza zvinonyatsoitika kana munhu afa
Pasi rese, vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvezvinoitika kana munhu afa. Asi hazviiti kuti titi zvese zvavanotaura ichokwadi.
Kwaunogara vanhu vanowanzoti chii chinoitika kana munhu afa?
Kuti tione zvinodzidziswa neBhaibheri, ngationei VHIDHIYO.
Verengai Muparidzi 3:20, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Maererano nevhesi iyi, chii chinoitika kumunhu paanofa?
Pane chinosara chichirarama here kana munhu afa?
Bhaibheri rinotiudza nezvekufa kwaRazaro, shamwari yepedyo yaJesu. Verengai Johani 11:11-14 muone kuti Jesu akafananidza kufa kwaRazaro nechii, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Jesu akafananidza rufu nechii?
Fananidzo yakashandiswa naJesu inoratidzei nezvemunhu kana afa?
Unobvumirana here netsanangudzo yeBhaibheri yezvinoitika kumunhu paanofa?
4. Kuziva chokwadi nezverufu kunotibatsira
Kuziva chokwadi nezverufu kunotisunungura pakutya vakafa. Verengai Muparidzi 9:10, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Vakafa vane zvavanokwanisa kutiita here?
Chokwadi chiri muBhaibheri chinotidzivirira panhema dzekuti tinofanira kufadza vakafa kana kuvanamata. Verengai Isaya 8:19 uye Zvakazarurwa 4:11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei paanoona mumwe munhu achinamata kana kuti achiedza kutsvaga rubatsiro kuvanhu vakafa?
5. Kuziva chokwadi pamusoro perufu kunonyaradza
Vanhu vakawanda vakadzidziswa kuti kana vafa, vachanotambudzwa nekuda kwezvitadzo zvavakaita. Asi zvinonyaradza kuziva kuti hapana munhu anotambura kana afa, kunyange vaya vakaita zvinhu zvakaipisisa. Verengai VaRoma 6:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Kana rufu ruchisunungura munhu pachivi sezvataverenga muBhaibheri, unofunga kuti pane munhu akafa ari kutambudzwa nekuda kwezvitadzo zvaakaita here?
Patinowedzera kuziva kuti Jehovha ndiMwari werudzii, zvinobva zvatiitira nyore kuziva kuti haambotambudzi vanhu vakafa. Verengai Dheuteronomi 32:4 uye 1 Johani 4:8, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Mwari ari kutsanangurwa mumavhesi aya angatambudza vakafa here?
Kuziva kwawaita chokwadi nezverufu kwakunyaradza here? Nei uchidaro?
VAMWE VANOTI: “Ndiri kutya kuzotambudzwa kana ndafa.”
Mavhesi api emuBhaibheri aungashandisa kunyaradza munhu akadaro?
PFUPISO
Kana munhu afa, upenyu hwake hunenge hwaguma. Vakafa havatambure, uye havana zvavanokwanisa kutiita.
Kudzokorora
Chii chinoitika kwatiri patinofa?
Kuziva chokwadi nezverufu kunotibatsira sei?
Kuziva chokwadi nezverufu kunotinyaradza sei?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Ona zvinorehwa neshoko rekuti “mweya” muBhaibheri.
Ona kuti Mwari anopisa vanhu vakaipa achivaranga here.
Tinofanira kutya vakafa here?
Verenga unzwe kuti mumwe murume akanyaradzwa zvakadii paakaziva chokwadi nezvezvinoitika kumunhu paanofa.