-
Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
3. Dzidza zvinonyatsoitika kana munhu afa
Pasi rese, vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvezvinoitika kana munhu afa. Asi hazviiti kuti titi zvese zvavanotaura ichokwadi.
Kwaunogara vanhu vanowanzoti chii chinoitika kana munhu afa?
Kuti tione zvinodzidziswa neBhaibheri, ngationei VHIDHIYO.
Verengai Muparidzi 3:20, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Maererano nevhesi iyi, chii chinoitika kumunhu paanofa?
Pane chinosara chichirarama here kana munhu afa?
Bhaibheri rinotiudza nezvekufa kwaRazaro, shamwari yepedyo yaJesu. Verengai Johani 11:11-14 muone kuti Jesu akafananidza kufa kwaRazaro nechii, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Jesu akafananidza rufu nechii?
Fananidzo yakashandiswa naJesu inoratidzei nezvemunhu kana afa?
Unobvumirana here netsanangudzo yeBhaibheri yezvinoitika kumunhu paanofa?
-
-
Hama Neshamwari Dzako Dzakafa Dzinogona Kuraramazve!Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
4. Jesu akaratidza kuti anogona kumutsa vakafa
Nyatsoongorora zvakaitwa naJesu achiitira shamwari yake Razaro. Verengai Johani 11:14, 38-44, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Tinoziva sei kuti Razaro ainge afa zvechokwadi?—Ona vhesi 39.
Kudai Razaro akanga aenda kudenga, unofunga kuti zvakanga zvakanaka here kuti Jesu amudzose panyika?
-