-
‘Tinoziva Kuti Ivo Vachamuka Murumuko’Nharireyomurindi—1989 | June 15
-
-
‘Asi zvakadiniko nezvaavo vakafa, vakadai savadiwa vangu?’ ungasanobvunza kudaro. Jesu amene akaudza Marta kuti vamwe, ‘kunyange zvazvo vakafa, vachava vapenyu.’ (Johane 11:25) Ikoku kuchava murumuko rwapasi. Mukati mokutonga kwaKristu namadzimambo navaprista biyake vane 144 000 mumatenga, mamirioni mazhinji avakafa avo Mwari anoyeuka zvakanaka achamutswa uye achava nebasa rakazara rokudzidza kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha. Kana vakatendeka, ivo vachawana tuso youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi rose. Ikoku kuchava mukati me“zuva rokupedzisira” iro Marta akanongedzera kwariri sezvo akanga achibvumirana naJesu kuti hanzvadzi yake Razaro yaizomuka zvakare kuupenyu.—Johane 5:28, 29; 11:24; Ruka 23:43.
-
-
‘Tinoziva Kuti Ivo Vachamuka Murumuko’Nharireyomurindi—1989 | June 15
-
-
Hungu, rumuko rwaJesu chivimbiso chikurusa chakasimba chokunaka kwetariro yorumuko. Naizvozvo isuwo tine hwaro hwakasimba hwokuvimba chose chose musimba nomurudo zvaJehovha Mwari. Isuwo tinogona kuratidzira kupwiswa uko Marta aiva nako: ‘Isu tinoziva kuti vakafa vachamuka murumuko pazuva rokupedzisira!’
-