Ganhuro 32
“Kupfurikidza Naizvozvi Vose Vachaziva Kuti Muri Vadzidzi Vangu”
AKANGA ari Nisani 14, 33 C.E., usiku hwokupedzisira hwoupenyu hwapasi hwaJesu. Iye aiziva kuti rufu rwake rwava pedyo, asi akanga asiri kufunga nezvake amene. Panzvimbo pezvo, akashandisa uyu mukana kukurudzira vadzidzi vake.
Jesu aiziva kuti kwaisazovaitira nyore pashure pokuenda kwake. Vaizova “vanyajambwa vokuvengwa namarudzi ose” nokuda kwezita rake. (Mat. 24:9, NW) Satani aizoedza kuvakamura nokuvashatisa. (Ruka 22:31) Somugumisiro wokuramba kutenda, vaKristu vokuedzesera vaizovako. (Mat. 13:24-30, 36-43) Uye ‘nemhaka yokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwevazhinji zvikuru rwaizotonhora.’ (Mat. 24:12) Mukutarisana naikoku kwose, chii chaizobatanidza vadzidzi vake vechokwadi pamwe chete? Kupfuura zvose, kuda kwavo Jehovha kwaizobatira sechisungo chinobatanidza nokuda kwavo. (Mat. 22:37, 38) Asi vaizofanirawo kudanana ndokuita saizvozvo munzira yaizovasiyanisa nenyika yose. (VaK. 3:14; 1 Joh. 4:20) Rudzii rworudo urwo Jesu akati rwaizozivisa nenzira yakajeka vateveri vake vechokwadi?
Madekwana okupedzisira iwayo, Jesu akaisa uyu murayiro pavari: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sezvo ndakakudai, kuti imi mudananewo. Kupfurikidza naizvozvi vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.” (Joh. 13:34, 35, NW) Jesu akataura nezvorudo kanopfuura ka20 usiku ihwohwo. Uye katatu akataura murayiro wokuti va“dane.” (Joh. 15:12, 17) Nenzira yakajeka, Jesu airangarira kwete vaaposotora vake vakatendeka 11 chete avo vakanga vanaye madekwana iwayo asi vamwe vose avo pakupedzisira vaizogamuchira chiKristu chechokwadi. (Enzanisa naJohane 17:20, 21.) Murayiro wokudanana waizova unosunga pavaKristu vechokwadi “mazuva ose kutozosvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.”—Mat. 28:20, NW.
Asi Jesu aireva kuti munhu upi noupi zvake ari munzvimbo ipi neipi munyika airatidza mutsa norudo kumunhu biyake kupfurikidza nomutoo iwoyo aizozivikanwa somumwe wavadzidzi vapachokwadi vaJesu here?
“Muve Norudo Pakati Penyu Mumene”
Pamadekwana mamwe chetewo, Jesu akanga anewo zvakawanda zvokutaura pamusoro pechinzwano. “Garai mandiri,” iye akaudza vadzidzi vake kudaro. (Joh. 15:4) Iye akanyengetera kuti vateveri vake “vose [vagova] vamwe,” uye akawedzera kuti, “semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri.” (Joh. 17:21) Muaya mashoko akapoteredza iye akavarayira, kuti: “Muve norudo pakati penyu mumene.” (Joh. 13:35, NW) Naizvozvo rudo rwavo rwaizoratidzirwa kwete bedzi kushamwari shomanene dzapedyo kana kuti mukati meungano imwe. Achidzokorora murayiro waJesu, muapostora Petro akanyora gare gare, kuti: “Idai boka rose rehama [kana kuti, ‘uhama’].” (1 Pet. 2:17, Kingdom Interlinear; enzanisa na1 Petro 5:9.) Naizvozvo dzaizova hama dzakasanobatanidzwa, dzemunyika yose. Rudo chairwo rwaizofanira vose mukati memhuri yenyika yose yavatendi nemhaka yokuti vaizorangarirwa sehama nehanzvadzi.
Rudo rwakadaro rwaizooneka sei? Chii chaizova chinotsauranisa kwazvo, chakasiyana kwazvo, pamusoro pokudanana kwavo icho vamwe vaizoona machiri ufakazi hwakajeka hwechiKristu chechokwadi?
“Sezvo Ndakakudai”
“Unofanira kuda mumwe wako sewe umene,” wakadaro Mutemo waMwari kuna Israeri makore anopfuura 1 500 Jesu asati ararama pasi pano. (Revh. 19:18, NW) Kuda muvakidzani kwakadaro, kunyange zvakadaro, kwakanga kusati kuri rudzi rwokuda uko kwaizosiyanisa vateveri vaJesu. Jesu airangarira rudo urwo rwaizopfuura zvikuru kuda vamwe sewe umene.
Murayiro wokudanana wakanga uri, sokutaura kwakaita Jesu, “murayiro mutsva.” Mutsva, kwete nemhaka yokuti wakanga uri wazvino zvikuru kupfuura Mutemo waMosesi, asi mutsva muukuru hwaizofanira kuitwa rudo. Dananai “sezvo ndakakudai,” akatsanangura kudaro Jesu. (Joh. 13:34, NW) Kuda kwake vadzidzi vake kwakanga kwakasimba, kuri kwenguva dzose. Rwakanga rwuri rudo rwokurega zvimwe zvinhu. Akaruratidzira kupfurikidza nokuvaitira anopfuura mabasa akanaka mashomanene chete. Akavadyisa mumudzimu uye, apo kwakanga kuri madikanwa, aitarisira zvinodikanwa zvavo zvomumuviri. (Mat. 15:32-38; Marko 6:30-34) Uye muchibvumikiso chikuru chorudo rwake, akapa upenyu hwake nokuda kwavo.—Joh. 15:13.
Rwakadaro ndirwo rudzi rwakatanhamara rworudo urwo “murayiro mutsva” unoda, rudo urwo vateveri vechokwadi vaJesu vaizova narwo nokuda kwomumwe nomumwe. (1 Joh. 3:16) Ndivanaani nhasi vanopa chibvumikiso chakajeka chokuteerera “murayiro mutsva”? Ufakazi hwakapiwa pakuvamba zvikuru muchinyorwa chino hunonongedzera zvakajeka kusangano rimwe romunyika yose ravaKristu.
Vanozivikanwa, kwete nechimiro chechienzi chomupfekero kana kuti tsika dzakati dzechienzi, asi nebatano yakasimba neyoushamwari yavanayo kune mumwe nomumwe. Vane mukurumbira wokuratidzira rudo rwunopfuura misiyano yedzinza uye miganhu yenyika. Vanozivikanwa nokuda kwokuramba kurwisana kunyange apo marudzi avanogara maari anoenda kuhondo. Vamwe vakaororwa nenzira yavanobetserana nayo munguva dzenhamo, zvakadai seapo ngwavaira dzomusikirwo dzinorova kana kuti apo mitezo yakati yesangano ravo inotambudzwa nokuda kwokuchengeta perero kuna Mwari. Vakagadzirira kutsungirira nhamo kana kuti kunangana nenjodzi kuti vabetsere hama dzavo nehanzvadzi idzo Kristu akafira. Uye, hungu, vanodisa kufirana. Rudo rwavanoratidzira ndorwechienzi munyika youdyire hunowedzera. Ivo Zvapupu zvaJehovha.a
Muenzaniso wokushanda kworudo rwakadaro wakaoneka pashure peHurricane Andrew, iyo yakarova mhenderekedzo yegungwa yeFlorida, U.S.A., mumaawa apakuvamba amangwanani oMuvhuro, August 24, 1992. Pashure payo vanhu 250 000 vakasiyiwa vasina misha. Pakati pavanyajambwa pakanga pane zviuru zveZvapupu zvaJehovha. Panodokuva pakarepo Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakaita chiito kupfurikidza nokugadza dare rokuyamura nokuronga kuita kuti mari yokuyamura iwanike. Vatariri vechiKristu munharaunda yakarohwa vakakurumidza kuonana neZvapupu zvimwe nezvimwe kuti vawane zvinodikanwa zvazvo ndokupa rubatsiro. Nechekare paMuvhuro mangwanani, zuva redutu, Zvapupu muSouth Carolina, kure namazana amakiromita, zvakatumira kunharaunda yengwavaira rori yakatakura magwenya amagetsi, saha dzine cheni, uye mvura yokunwa. PaChipiri, pamwe chete nemimwe migove yakanga yapiwa, mazana avazvipiri vokunze kwetaundi akasvika kuti abatsire hama dzomunzvimbomo mukugadzira Horo dzoUmambo nemisha yavanhu. Pamusoro penhamburiko dzokuyamura, mumwe mukadzi asiri Chapupu aigara pedyo neHoro yoUmambo akatsinhira, kuti: “Urwu zvirokwazvo rwunofanira kuva rudo rwechiKristu urwo Bhaibheri rinotaura nezvarwo.”
Rudo rwakadaro rwaizoderera pashure pechiito chimwe kana kuti zviviri zvomutsa here? Rwaizonangidzirwa bedzi kuvanhu vedzinza rimwe chetero kana kuti rudzi here? Nyangwe! Somugumisiro wemamirire ezvinhu asina kuterama ezvamatongerwe enyika neeupfumi muZaire, mukati ma1992 Zvapupu zvinopfuura 1 200 ikoko zvakarasikirwa nemisha yazvo nezvinhu zvazvo zvose. Zvimwe Zvapupu muZaire zvakakurumidza kuzviyamura. Kunyange zvazvo zvakanga zvakaomerwa izvo zvimene, zvakagoveranawo navapoteri vakapinda muZaire vachibva kuSudan. Nokukurumidza, migove yokuyamura yakasvika ichibva South Africa neFrance; iyoyi yaibatanidza upfu, bakayau, uye mishonga—zvinhu zvavaigona kushandisa chaizvoizvo. Nguva nenguva, betsero yaigoverwa, seizvo mamirire ezvinhu aida. Uye apo ikoku kwakanga kuchipfuurira, betsero yakafanana yakanga ichigoverwa mudzimwe nyika dzakawanda.
Bva, kuva kwazvo norudo rwakadaro hakusati kuchiita kuti Zvapupu zvaJehovha zvive zvinogutswa. Zvinoziva kuti, savateveri vaJesu Kristu, zvinofanira kupfuurira kuramba zvakarinda.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Ganhuro 19, “Kukura Pamwe Chete Murudo.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 710]
Rudzii rworudo urwo Jesu akati rwaizozivisa nenzira yakajeka vateveri vake vechokwadi?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 711]
Dzaizova hama dzakasanoba- tanidzwa, dzemunyika yose
[Bhokisi riri papeji 712]
“Zvapupu Zvinotarisira Vazvo Zvimene—Uye Vamwe”
Pasi pomusoro iwoyo, “The Miami Herald” yakashuma pamusoro penhamburiko dzokuyamura dzeZvapupu zvaJehovha muSouth Florida pashure pekuparadza kwakaparirwa neHurricane Andrew muna August 1992. Nyaya yacho yakati: “Hapana munhu ari muHomestead ari kuroverera suo Zvapupu zvaJehovha vhiki ino—kunyange kana vachine masuo okurovera. Vazvipiri vari Zvapupu vanenge 3 000 vakabva mumativi ose enyika vakaungana panharaunda yengwavaira, kutanga kuti vabetsere vavo vamene, ipapo kuti vabetsere vamwe. . . . Matani anenge 150 ezvokudya nemigove akapfuura nepanzvimbo yokuronga paHoro yeGungano kumadokero kweBroward County achienda kuHoro dzoUmambo mbiri dziri munharaunda yeHomestead. Achibva muhoro dzacho, mapoka anopararira mangwanani mamwe namamwe achienda kundogadzira misha yakaparadzwa yehama dziri Zvapupu. . . . Imba yokubikira yechinguvana inokurumidza kugadzira zvokudya zvavanhu vanosvika 1 500, katatu pazuva. Uye haasati ari ma“hot dog” chete nemadhonanzi. Vazvipiri vanogoverwa chingwa chinobhekerwa pamusha, “lasagna” inobikirwa pamusha, saradhi, sichuu, ma“flapjack” ne“French toast”—zvose zvakaitwa nezvokubikisa zvakapiwa.”—August 31, 1992, peji 15A.