Nyaradzo Yechokwadi Ingawanikwa Kupi?
“Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu . . . anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VAKORINDE 1:3, 4.
1. Mamiriroi ezvinhu angaita kuti vanhu vanzwe vachida kunyaradzwa zvikuru?
CHIRWERE chinoremadza chingaita kuti munhu afunge kuti upenyu hwake hwaparara. Kudengenyeka kwepasi, madutu, uye nzara zvinosiya vanhu vava kutambura. Hondo ingaguma nokufa kwenhengo dzemhuri, ingaparadza misha, kana kuti ingamanikidza vanasadzimba kusiya zvinhu zvavo. Kusaruramisira kungaita kuti vanhu vafunge kuti hakuna nzvimbo kwavanganunurwa. Vaya vari kutambudzwa nenhamo dzakadaro vari kuda chaizvo kunyaradzwa. Ndokupi kwavanganyaradzwa?
2. Nei kunyaradza kunoitwa naJehovha kwakasiyana nokumwe kwose?
2 Vamwe vanhu nemasangano vanoedza kupa nyaradzo. Vanhu vanofarira mashoko omutsa. Mabasa okuyamura nezvinhu anobatsira kugovera zvinenge zvichidiwa kwenguva pfupi. Asi Jehovha bedzi, Mwari wechokwadi, ndiye anogona kugadzirisa zvinenge zvakanganisika opa rubatsiro runodiwa kuitira kuti matambudziko akadaro asazomboitika zvakare. Nezvake, Bhaibheri rinoti: “Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti tikwanise kunyaradza vari pakutambudzika kworudzi rupi norupi nokunyaradza kwatiri kunyaradzwa nako naMwari.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Jehovha anotinyaradza sei?
Kusvika Panotangira Zvinetso
3. Kunyaradza kunopiwa naMwari kunosvika sei panotangira zvinetso zvevanhu?
3 Mhuri yose yevanhu yakagara nhaka kusakwana pamusana pechivi chaAdhamu, uye izvozvo zvinoita kuti pave nezvinetso zvisingaperi zvinozotungamirira kurufu. (VaRoma 5:12) Zvinhu zvinobva zvaomeswa nokuti Satani Dhiyabhorosi ndiye “mutongi wenyika ino.” (Johani 12:31; 1 Johani 5:19) Jehovha haana kungosiririswa nemamiriro ezvinhu anosuruvarisa anonangana nevanhu. Akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi sorudzikinuro kuti anunure vanhu, uye Akatiudza kuti tinogona kusunungurwa pamigumisiro yechivi chaAdhamu kana tikatenda muMwanakomana Wake. (Johani 3:16; 1 Johani 4:10) Mwari akafanotaurawo kuti Jesu Kristu, uyo akapiwa simba rose kudenga nepasi, achaparadza Satani nenyika yake yose yakaipa.—Mateu 28:18; 1 Johani 3:8; Zvakazarurwa 6:2; 20:10.
4. (a) Jehovha akagovera chii kuti asimbise chivimbo chedu muzvipikirwa zvake zvokutinunura? (b) Jehovha anotibatsira sei kuziva pachauya kununurwa kwacho?
4 Kuti asimbise chivimbo chedu muzvipikirwa zvake, Mwari akachengetedza uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti chero chaanofanotaura chinoitika. (Joshua 23:14) Akanyorawo muBhaibheri zvaakaita kuti anunure vashumiri vake vatarisana nemamiriro ezvinhu asingabviri mukuona kwevanhu. (Eksodho 14:4-31; 2 Madzimambo 18:13–19:37) Uye kuburikidza naJesu Kristu, Jehovha akaratidza kuti chinangwa chake chinosanganisira kurapa vanhu “undonda hworudzi rwose,” kunyange kumutsa vakafa. (Mateu 9:35; 11:3-6) Zvose izvi zvichaitika rini? Richipindura, Bhaibheri rine rondedzero yemazuva okupedzisira enyika ino yekare, anotangira matenga matsva nenyika itsva zvaMwari. Zvakarondedzerwa naJesu zvinoenderana nenguva yatiri kurarama mairi.—Mateu 24:3-14; 2 Timoti 3:1-5.
Nyaradzo Kuvanhu Vari Kutambura
5. Paainyaradza vaIsraeri vekare, Jehovha akaita kuti vafunge nezvechii?
5 Kubva munzira iyo Jehovha akabatana nayo nevaIsraeri vekare, tinodzidza nzira yaakavanyaradza nayo munguva dzokutambura. Akavayeuchidza kuti ndiMwari worudzii. Izvi zvakasimbisa chivimbo chavo muzvipikirwa zvake. Jehovha akaita kuti vaprofita vake varatidze kusiyana kuri pachena kuripo pakati pake iye saMwari wechokwadi uye mupenyu nezvidhori, zvaisambogona kuzvibatsira kana kubatsira vanamati vazvo. (Isaya 41:10; 46:1; Jeremia 10:2-15) Paaiudza Isaya kuti, ‘Nyaradza, nyaradza vanhu vangu,’ Jehovha akaita kuti muprofita wake ashandise mifananidzo nerondedzero dzemabasa Ake okusika kuitira kuti asimbise ukuru hwaJehovha saMwari wechokwadi bedzi.’—Isaya 40:1-31.
6. Zviratidzoi izvo Jehovha dzimwe nguva aipa maererano nokuti kununurwa kwaizoitika rini?
6 Pane dzimwe nguva, Jehovha aipa nyaradzo nokutaura nguva chaiyo, iri pedyo kana kuti iri kure, apo vanhu vake vaizonunurwa. Kununurwa muIjipiti zvakwakanga kwava kuswedera pedyo, akaudza vaIsraeri vaidzvinyirirwa kuti: “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro pe[Ijipiti], ipapo uchakutenderai kubva pano.” (Eksodho 11:1) Apo marudzi matatu akabatana akapinda muJudha nechisimba mumazuva aMambo Jehoshafati, Jehovha akavaudza kuti aizopindira achivarwira “mangwana.” (2 Makoronike 20:1-4, 14-17) Ukuwo, kununurwa kwavo muBhabhironi kwakanyorwa naIsaya kuchine makore anoda kusvika 200, uye mamwezve mashoko akapiwa naJeremia makore anoda kusvika 100 kununurwa kwacho kusati kwaitwa. Uprofita ihwohwo hwaikurudzira kwazvo kuvashumiri vaJehovha apo nguva yokununurwa yakaswedera pedyo!—Isaya 44:26–45:3; Jeremia 25:11-14.
7. Chii chaiwanzosanganisirwa muzvipikirwa zvokununurwa, uye izvi zvakachinja sei vanhu vakanga vakatendeka muIsraeri?
7 Zvinokosha kucherechedza kuti zvipikirwa zvainyaradza vanhu vaMwari zvaiwanzosanganisira mashoko maererano naMesiya. (Isaya 53:1-12) Izvi zvakapa tariro kuzvizvarwa nezvizvarwa zvevanhu vakatendeka sezvavaitarisana nemiedzo yakawanda. Pana Ruka 2:25, tinoverenga kuti: “Tarira! muJerusarema makanga mune murume ainzi Simiyoni, uye murume uyu akanga akarurama uye aitya Mwari, aimirira kunyaradzwa kwaIsraeri [chaizvoizvo, kuuya kwaMesiya], uye mudzimu mutsvene wakanga uri paari.” Simiyoni aiziva nezvetariro yaMesiya yaitaurwa muMagwaro, uye kutarisira kuzadzika kwayo kwakaumba upenyu hwake. Akanga asinganzwisisi kuti zvaizofamba sei, uye iye pachake akanga asisiri mupenyu apo kuponeswa kwakafanotaurwa kwakazoitika, asi akafara paakaziva Uyo aizova ‘mutoo waMwari wokuponesa nawo.’—Ruka 2:30.
Nyaradzo Yakapiwa Kuburikidza naKristu
8. Rubatsiro rwakapiwa naJesu rwakanga rwakasiyana sei norwaifungwa nevanhu kuti vaida?
8 Sezvo Jesu Kristu aiita ushumiri hwake hwepasi pano, akanga asingagari achipa rubatsiro urwo vanhu vaifunga kuti vaida. Vamwe vaida Mesiya aizovasunungura pajoko reRoma ravaivenga. Asi Jesu haana kutsigira kuchinjwa kwehurumende; akavaudza kuti ‘vadzorere zvinhu zvaKesari kuna Kesari.’ (Mateu 22:21) Chinangwa chaMwari chaisanganisira zvakawanda kwazvo kupfuura kununura vanhu pakudzvinyirirwa noutongi hwakati hwezvematongerwe enyika. Vanhu vaida kuita Jesu mambo, asi akati aizo“pa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28; Johani 6:15) Yakanga isati yava nguva yokuti ave mambo, uye simba rokuti atonge akanga achizoripiwa naJehovha, kwete nevanhu vanomukira.
9. (a) Nderipi rakanga riri shoko renyaradzo rakaziviswa naJesu? (b) Jesu akaratidza sei kushanda kweshoko racho kumamiriro ezvinhu ayo vanhu vakanga vachitarisana nawo somunhu mumwe nomumwe? (c) Ushumiri hwaJesu hwakaisa hwaro hwei?
9 Nyaradzo yakaunzwa naJesu yaiva mu“mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” Iri ndiro shoko raiziviswa naJesu kwose kwaakaenda. (Ruka 4:43) Akasimbisa kushanda kweshoko iroro kuzvinetso zvevanhu zvemazuva ose nokuratidza izvo iye soMutongi Mesiya aizoitira vanhu. Akapa vanhu vaitambura chikonzero chitsva chokurarama nokuita kuti vaone, uye vataure (Mateu 12:22; Mako 10:51, 52), achirapa maoko kana makumbo akaremara (Mako 2:3-12), achirapa hama dzake dzechiIsraeri zvirwere zvaisemesa (Ruka 5:12, 13) uye kuvasunungura pahumwe urwere hwaitambudza. (Mako 5:25-29) Akaita kuti nhengo dzemhuri dzifare kwazvo nokumutsa vana vavo kubva kuvakafa. (Ruka 7:11-15; 8:49-56) Akaratidza kukwanisa kwake kudzora madutu ane ngozi uye kugutsa nzara yezvokudya yemapoka akakura. (Mako 4:37-41; 8:2-9) Uyezve, Jesu akavadzidzisa zvinhu zvinodiwa pakurarama zvaigona kuvabatsira kubata nezvinetso zvaivapo nenzira inobudirira uye zvaizoita kuti mwoyo yavo izare netariro yokutonga kwakarurama pasi paMesiya. Saka, sezvo Jesu aiita ushumiri hwake, haana kungonyaradza chete vaya vaiteerera nokutenda asi akaisawo hwaro hwokukurudzira vanhu kwezviuru zvemakore zvaizouya.
10. Chibayiro chaJesu chinoita kuti chii chibvire?
10 Makore anopfuura 60 pashure pokunge Jesu apa upenyu hwake hwomunhu sechibayiro uye amutsirwa kuupenyu hwokudenga, muapostora Johani akafuridzirwa kunyora kuti: “Vana vangu vaduku, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kuita chivi. Asi, kana munhu akaita chivi, tine mubetseri ari kuna Baba, Jesu Kristu, akarurama. Uye iye chibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu, asi kwete wezvedu bedzi asi wezvenyika yosewo.” (1 Johani 2:1, 2) Pamusana pokubatsira kwechibayiro chaJesu choupenyu hwomunhu akakwana, tinonyaradzwa zvikuru. Tinoziva kuti tinogona kukanganwirwa zvivi, kuva nehana yakachena, kuva noukama hunotenderwa naMwari, uye tariro youpenyu husingaperi.—Johani 14:6; VaRoma 6:23; VaHebheru 9:24-28; 1 Petro 3:21.
Mudzimu Mutsvene Somunyaradzi
11. Humwe urongwa hupi hwokunyaradza uhwo Jesu akavimbisa asati afa?
11 Paaiva nevaapostora vake usiku hwokupedzisira asati afa rufu rwake rwokuzvibayira, Jesu akataura nezvohumwe urongwa zvakare hwakanga hwaitwa naBaba vake vokudenga kuti avanyaradze. Jesu akati: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubetseri [munyaradzi; chiGiriki, pa·raʹkle·tos] kuti ave nemi nokusingaperi, mudzimu wechokwadi.” Jesu akavavimbisa kuti: “Mubetseri, mudzimu mutsvene, . . . uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukurangaridzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” (Johani 14:16, 17, 26) Mudzimu mutsvene wakavanyaradza sei chaizvo?
12. Basa romudzimu mutsvene somubatsiri wendangariro dzevadzidzi vaJesu rakabatsira sei kunyaradza vakawanda?
12 Vaapostora vakanga vadzidziswa zvakasimba naJesu. Chokwadi vaisazombofa vakazvikanganwa, asi vaizorangarira here zvaakataura chaizvo? Mirayiridzo inokosha yaizorasika nemhaka yendangariro dzavo dzakanga dzisina kukwana here? Jesu akavavimbisa kuti mudzimu mutsvene waizo‘varangaridza zvinhu zvose zvaakanga avaudza.’ Nokudaro, anenge makore masere pashure pokufa kwaJesu, Mateu akakwanisa kunyora Evhangeri yokutanga, umo akanyora nezveMharidzo Yepagomo yaJesu inokurudzira, mienzaniso yake yakawanda ine chokuita noUmambo, uye hurukuro yake yakadzama yechiratidzo chokuvapo kwake. Makore anopfuura 50 gare gare, muapostora Johani akakwanisa kunyora nhoroondo yakavimbika izere mashoko ane chokuita nemazuva mashomanana okupedzisira oupenyu hwaJesu hwepasi pano. Mashoko aya akafuridzirwa ave achikurudzira sei kusvikira kuzuva redu chairo!
13. Mudzimu mutsvene wakashanda sei somudzidzisi kuvaKristu vokutanga?
13 Pane kungovarangaridza mashoko, mudzimu mutsvene wakadzidzisa vadzidzi uye wakavatungamirira kuti vanzwisise zvizere chinangwa chaMwari. Apo Jesu akanga achine vadzidzi vake, akavaudza zvinhu zvavakanga vasinganyatsonzwisisi panguva iyoyo. Zvisinei, gare gare, vakurudzirwa nomudzimu mutsvene, Johani, Petro, Jakobho, Judha, uye Pauro vakanyora tsanangudzo dzezvimwe zvaiitika maererano nechinangwa chaMwari. Saka mudzimu mutsvene wakashanda somudzidzisi, uchipa vimbiso inokosha yokutungamirira kwaMwari.
14. Mudzimu mutsvene wakabatsira sei vanhu vaJehovha?
14 Zvipo zvinoshamisa zvomudzimu zvakabatsirawo kujekesa kuti Mwari akanga abvisa nyasha dzake pana Israeri wenyama achidziisa paungano yechiKristu. (VaHebheru 2:4) Zvibereko zvomudzimu iwoyo muupenyu hwevanhu zvaivawo chinhu chinokosha pakuzivisa vakanga vari vadzidzi vaJesu vechokwadi. (Johani 13:35; VaGaratiya 5:22-24) Uye mudzimu wacho wakasimbisa nhengo dzeungano iyoyo kuti dzive zvapupu zvakashinga uye zvisingatyi.—Mabasa 4:31.
Kubatsirwa Paunenge Wakaomerwa Zvikuru
15. (a) Kuomerwai kwave kuchiitwa nevaKristu kare uye iye zvino? (b) Nei vaya vanokurudzira vamwe dzimwe nguva vangava vachidawo kukurudzirwa?
15 Vose vakazvipira kuna Jehovha uye vakavimbika kwaari vanombotambudzwa munzira yakati. (2 Timoti 3:12) Zvisinei, vaKristu vakawanda vakaomerwa zvakaipisisa. Munguva dzazvino, vamwe vakafuruswa nemhomho dzevanhu vakakandirwa mumisasa yevasungwa, mumajeri, uye mumisasa yechibharo mumamiriro ezvinhu asingakodzeri kugarwa nevanhu. Hurumende ndidzo dzava kuita basa rokutambudza vanhu, kana kuti dzakabvumira mapoka asingateereri mutemo kuita zvinhu zvakaipisisa asingarangwi. Uyezve, vaKristu vakasangana nezvinetso zvakakomba zvoutano kana kuti matambudziko akakomba omumhuri. MuKristu akakura mumudzimu uyo anobatsira vaanonamata navo mumwe pashure pomumwe kubata nemamiriro ezvinhu akaoma, angaomerwawo. Muzviitiko zvakadaro, uya anokurudzira vamwe angavawo achida kukurudzirwa.
16. Dhavhidhi paakanga aomerwa kwazvo, akabatsirwa sei?
16 Apo Mambo Sauro aivhima Dhavhidhi kuti amuuraye, Dhavhidhi akataura naMwari soMubatsiri wake achikumbira kuti: “Inzwai munyengetero wangu, Mwari. . . Ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu.” (Pisarema 54:2, 4; 57:1) Dhavhidhi akabatsirwa here? Hungu, akabatsirwa. Munguva iyoyo, Jehovha akashandisa Gadhi muprofita naAbhiatari mupristi kuudza Dhavhidhi zvokuita, uye Akashandisa Jonatani mwanakomana waSauro kusimbisa jaya iri. (1 Samueri 22:1, 5; 23:9-13, 16-18) Jehovha akabvumirawo vaFiristiya kuuya kuzopamba zvinhu munyika yacho, nokudaro achiita kuti Sauro ambosiya zvokuvhima Dhavhidhi.—1 Samueri 23:27, 28.
17. Aomerwa kwazvo, Jesu akatendeukira kupi kuti abatsirwe?
17 Jesu pachake akanga aomerwa kwazvo mugumo woupenyu hwake hwepasi pano sezvawakanga wava kuswedera pedyo. Ainyatsoziva kuti zvaaizoita zvaizoita sei pazita raBaba vake vokudenga uye zvazvaigona kureva pane remangwana revanhu vose. Akanyengetera zvinobva pamwoyo, uye akato“rwadziwa.” Mwari akaona kuti Jesu atsigirwa sezvaaifanira kuitwa panguva yakanga yakaoma iyoyo.—Ruka 22:41-44.
18. Inyaradzoi iyo Mwari akapa vaKristu vokutanga vakanga vachitambudzwa zvakaipisisa?
18 VaKristu vakatambudzwa zvinotyisa kwazvo pashure pokuumbwa kweungano yomuzana remakore rokutanga zvokuti vose kunze kwevaapostora vakaparadzirwa kubva muJerusarema. Varume nevakadzi vakazvuzvurudzwa kubva mudzimba dzavo. Inyaradzoi yavakapiwa naMwari? Vimbiso inobva muShoko rake yokuti vaiva ne“zvinhu zviri nani uye zvinogara,” nhaka isingakundikani mudenga naKristu. (VaHebheru 10:34; VaEfeso 1:18-20) Sezvavakaramba vachiparidza, vakaona uchapupu hwokuti Mwari aiva navo, uye zvakaitika kwavari zvakavapa chimwe chikonzero chokufara.—Mateu 5:11, 12; Mabasa 8:1-40.
19. Kunyange Pauro akatambudzwa zvakaipa kwazvo, akanzwa sei nenyaradzo iyo Mwari anopa?
19 Nokufamba kwenguva, Sauro (Pauro), uyo pachake aiva mutambudzi, akatambudzwa nokuti akanga ava muKristu. Pachitsuwa cheKupro, paiva nen’anga yakaedza kuvhiringidza ushumiri hwaPauro nokushandisa kubiridzira uye kumonyanisa zvinhu. MuGaratiya, Pauro akatemwa nematombo akasiyiwa achinzi afa. (Mabasa 13:8-10; 14:19) MuMakedhoniya akarohwa neshamhu. (Mabasa 16:22, 23) Pashure pemhirizhonga yemhomho muEfeso, akanyora kuti: “Taiva takamanikidzika zvikuru kupfuura simba redu, zvokuti takanga tisisina chokwadi zvikuru kunyange noupenyu hwedu. Chaizvoizvo, takafunga mumwoyo medu kuti takanga tatongerwa rufu.” (2 VaKorinde 1:8, 9) Mutsamba iyoyo zvakare, Pauro akanyora mashoko aya anonyaradza adzokororwa mundima 2 yenyaya ino.—2 VaKorinde 1:3, 4.
20. Tichakurukurei munyaya inotevera?
20 Ungabatanidzwawo sei mukupa nyaradzo yakadaro? Kune vakawanda muzuva redu vanoida pavanenge vachitarisana nenhamo, zvimwe nokuda kwenjodzi inowira zviuru zvakawanda zvevanhu kana kuti nedambudziko rinongovanetsa ivo. Munyaya inotevera, tichakurukura mapiro atingaita nyaradzo mumamiriro ezvinhu aya ose ari maviri.
Unoyeuka Here?
• Nei nyaradzo inobva kuna Mwari ichikosha kupfuura dzose?
• Inyaradzoi inopiwa kuburikidza naKristu?
• Mudzimu mutsvene wakaratidza sei kuti munyaradzi?
• Ipa mienzaniso yokunyaradza kwakaitwa naMwari apo vashumiri vake vakanga vaomerwa zvikuru.
[Mifananidzo iri papeji 15]
Bhaibheri rinotiratidza kuti Jehovha akaunza nyaradzo nokununura vanhu vake
[Mifananidzo iri papeji 16]
Jesu akapa nyaradzo nokudzidzisa, nokuporesa, uye nokumutsa vakafa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Jesu akagamuchira rubatsiro runobva kudenga