Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kufarikanya Ukama Hwapedyo
PASHURE pechidyo chechirangaridzo, Jesu ave achikurudzira vaapostora vake nokutaura kwoushamwari. Kungava kwapfuura pakati pousiku. Naizvozvo Jesu anokurudzira, kuti: “Simukai, ngatibvei pano.” Zvisinei, vasati vabva, Jesu, achisundwa norudo rwake nokuda kwavo, anopfuurira kutaura, achigovera muenzanisiro unosunda.
“Ndini muzambiringa wazvokwadi, Baba vangu murimi,” iye anovamba kudaro. Murimi Mukuru, Jehovha Mwari, akasima uyu muzambiringa wokufananidzira apo akazodza Jesu nomudzimu mutsvene parubhapatidzo rwake mukupera kwa 29 N.V. Asi Jesu anopfuurira kuratidza kuti muzambiringa unofananidzira anopfuura iye chete, achiti:
“Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki zvibereko, vanoribvisa; rimwe nerimwe rinobereka zvibereko vanorinatsa, kuti riwedzere zvibereko. . . . Sedavi risingagoni kubereka zvibereko roga, kana risingagari mumuzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri. Ini ndiri muzambiringa, imi muri matavi.”
PaPentekosta, mazuva 51 gare gare, vaapostora navamwe vanova matavi omuzambiringa apo mudzimu mutsvene unodururirwa pavari. Pakupedzisira, vanhu vane 144 000 vanova matavi omuzambiringa wokufananidzira. Pamwe chete nehunde yomuzambiringa, Jesu Kristu, ivava vanoumba muzambiringa wokufananidzira uyo unobereka zvibereko zvoUmambo hwaMwari.
Jesu anotsanangura chinhu chikuru kukubereka zvibereko, achiti: “Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka zvibereko zvakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.” Kana, zvisinei, mumwe munhu achikundikana kubereka zvibereko, Jesu anoti, “unorashwa kunze sedavi, ndokuoma; vanoaunganidza ndokuakandira mumwoto, atsve.” Pane rumwe rutivi, Jesu anopikira, kuti: “Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa.”
Jesu anopfuurira kuratidza vaapostora vake chinorumbidza Baba, ndiko kuti, “kuti mubereke zvibereko zvakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.” Chibereko Mwari anoshuva mumatavi kuratidzira kwavo mavara akafanana naaKristu, zvikurukuru rudo. Uyezve, sezvo Kristu akanga ari muzivisi woUmambo hwaMwari, chibereko chinoshuviwa chinobatanidzawo mubato wavo wokuita vadzidzi sezvaakaita.
“Garai murudo rwangu,” Jesu zvino anokurudzira kudaro. Bva, vaapostora vake vanogona sei kuita saizvozvo? “Kana muchichengeta mirairo yangu,” iye anodaro, “muchagara murudo rwangu.” Achipfuurira, Jesu anotsanangura, kuti: “Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane; seni ndakakudai imi. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu arashire hama dzake upenyu hwake.”
Mumaawa mashomanene, Jesu acharatidzira rudo urwu rukuru kupfurikidza nokupa upenyu hwake nokuda kwavaapostora vake, pamwe chete navamwe vose vachashandisa kutenda maari. Muenzaniso wake unofanira kusunda vateveri vake kuva norudo rumwe cheterwo rwokuzvibaira nokuda kwomumwe nomumwe. Rudo urwu ruchavazivisa, sezvo Jesu akataura pamberi pezvi, kuti: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.”—NW.
Achizivisa shamwari dzake, Jesu anoti: “Imi muri [shamwari, NW] dzangu, kana muchiita zvandinokurairai ini. Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai [shamwari, NW]; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.”
Ukama hunokosha zvakadini hwokuva nahwo—kuva shamwari dzapedyo dzaJesu! Asi kuti vapfuurire kufarikanya ukama ihwohwo, vateveri vake vanofanira “kuramba vachibereka zvibereko.” Kana vakadaro, Jesu anoti, “kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna Baba muzita rangu, [vachakupai] icho.” Zvirokwazvo, ituso yakaisvonaka yokubereka chibereko choUmambo!
Pashure pokukurudzira zvakare vaapostora ku“danana,” Jesu anotsanangura kuti nyika ichavavenga. Bva, iye anovanyaradza, achiti: “Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi.” Jesu anotevera kuzivisa chikonzero nei nyika ichivenga vateveri vake, achiti: “Nemhaka yokuti hamusati muri rutivi rwenyika asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kwaikoku nyika inokuvengai.”—NW.
Achitsanangurazve chikonzero choruvengo rwenyika, Jesu anopfuurira, achiti: “Izvozvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi [Jehovha Mwari] akandituma.” Mabasa enenji aJesu, chaizvoizvo, anopa mhaka avo vanomuvenga, sezvaanoti: “Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakaona, nokundivenga ini naBaba vangu.” Nokudaro, sezvinotaura Jesu, rugwaro runozadzikwa: “Vakandivenga ndisine mhosva.”
Sezvaakaita pamberi pezvi, Jesu anovanyaradza zvakare kupfurikidza nokupikira kutumira mubetseri, mudzimu mutsvene, riri simba rinobate basa raMwari. “Iwoyo uchandipupurira; uye imiwo, munofanira kupupurira.”—NW. Johane 14:31–15:27; 13:3, 35; VaGaratia 6:16; Pisarema 35:19; 69:4.
▪ Jehovha akasima rini muzambiringa wokufananidzira, uye vamwe vanova rutivi rwomuzambiringa rini uye sei?
▪ Pakupedzisira, mapazi mangani anova nomuzambiringa wokufananidzira?
▪ Chiberekoi icho Mwari anoshuva mumapazi?
▪ Tinogona sei kuva shamwari dzaJesu?
▪ Neiko nyika ichivenga vateveri vaJesu?