-
“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Zvakafanana Neizvi”Nharireyomurindi—2002 | September 1
-
-
6. Ipa muenzaniso wemashoko ari nyore akataurwa naJesu asi achireva zvakadzama.
6 Achiwanzoshandisa mashoko mapfupi akajeka, Jesu aitaura zvinhu zviri nyore asi zvichireva zvakadzama. Panguva iyo mabhuku akadhindwa akanga asati avapo, iye akanyora mashoko ake zvisingadzimiki papfungwa nemwoyo zvevateereri vake. Ona mimwe mienzaniso: “Hapana munhu anogona kushandira vatenzi vaviri; . . . hamungagoni kushandira Mwari uye Pfuma.” “Musatonga kuti murege kutongwa.” “Muchaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.” “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.” “Vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”c (Mateu 6:24; 7:1, 20; 9:12; 26:52; Mako 12:17; Mabasa 20:35) Nanhasi, makore anoda kusvika 2000 pashure pokunge ataurwa naJesu, mashoko iwayo ane simba ari nyore kuyeuka.
-
-
“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Zvakafanana Neizvi”Nharireyomurindi—2002 | September 1
-
-
c Mashoko aya apedzisira kutaurwa, ayo anowanikwa pana Mabasa 20:35, anongodzokororwa nomuapostora Pauro chete, kunyange pfungwa yemashoko aya ichiwanikwa muEvhangeri. Pauro angave akaita zvokutaurirwa mashoko iwayo (pamwe nomudzidzi akanzwa Jesu achiataura kana kuti kubva kuna Jesu akanga amutswa) kana kuti akaazarurirwa naMwari.—Mabasa 22:6-15; 1 VaKorinde 15:6, 8.
-