-
“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
1-4. Pauro ari kuenderei kuJerusarema, uye achanosangana nei ikoko?
PAURO akaonekana nevakuru kuMireto ichingova misodzi yega yega. Zvinofanira kunge zviri kuomera Pauro naRuka kuti vaparadzane nevakuru vekuEfeso vavakanga vava pedyo navo zvikuru! Mamishinari maviri aya anokwira chikepe, omira nechepamusoro. Mikwende yavo ine zvinhu zvavari kuda kuzoshandisa parwendo rwavo. Chimwe chavainacho imari yakaunganidzwa yekubatsira vaKristu vanoshayiwa kuJudhiya uye vari kuda kuva nechokwadi chekuti vaisvitsa.
2 Kamhepo kanotanga kuzadza maseiri kachivhuvhuta zvinyoronyoro uye chikepe chacho chinobva chasimuka chichisiya kumashure ruzha rwepachiteshi. Varume vacho vaviri, nevamwe vanomwe vavari kufamba navo, vanotarisa zviso zvehama dzavo dziri pamahombekombe dzisiri kufara nekuenda kwavo. (Mab. 20:4, 14, 15) Vanoramba vachisimudzira shamwari dzavo maoko kusvikira vasisaonani.
-
-
“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
5. Pauro nevamwe vake vakafamba sei kuenda kuTire?
5 Chikepe chakakwira Pauro nevamwe vake ‘chakananga’ kuKosi chakati twasu nekuti mhepo yakanga yakanaka. Vakasvika kuKosi musi iwoyo chaiwo. (Mab. 21:1) Kunenge kuti chikepe chakambomira chikarara ipapo chisati chapfuurira kuRodzi uye kuPatara. KuPatara, kumhenderekedzo yekumaodzanyemba yeAsia Minor, hama dzacho dzakakwira chikepe chihombe chinotakura zvinhu, chakabva changodziendesa kuTire, kuFinikiya. Vari munzira, vakapfuura “chitsuwa cheSaipurasi . . . chiri kuruboshwe” kwechiteshi chacho. (Mab. 21:3) Ruka, munyori waMabasa, akataurirei nezvenyaya yekupfuura chitsuwa cheSaipurasi chiri kuruboshwe?
-