CHITSAUKO 22
“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”
Pauro aida kuenda kuJerusarema chero zvodini, nekuti aida kuita kuda kwaMwari
1-4. Pauro ari kuenderei kuJerusarema, uye achanosangana nei ikoko?
PAURO akaonekana nevakuru kuMireto ichingova misodzi yega yega. Zvinofanira kunge zviri kuomera Pauro naRuka kuti vaparadzane nevakuru vekuEfeso vavakanga vava pedyo navo zvikuru! Mamishinari maviri aya anokwira chikepe, omira nechepamusoro. Mikwende yavo ine zvinhu zvavari kuda kuzoshandisa parwendo rwavo. Chimwe chavainacho imari yakaunganidzwa yekubatsira vaKristu vanoshayiwa kuJudhiya uye vari kuda kuva nechokwadi chekuti vaisvitsa.
2 Kamhepo kanotanga kuzadza maseiri kachivhuvhuta zvinyoronyoro uye chikepe chacho chinobva chasimuka chichisiya kumashure ruzha rwepachiteshi. Varume vacho vaviri, nevamwe vanomwe vavari kufamba navo, vanotarisa zviso zvehama dzavo dziri pamahombekombe dzisiri kufara nekuenda kwavo. (Mab. 20:4, 14, 15) Vanoramba vachisimudzira shamwari dzavo maoko kusvikira vasisaonani.
3 Pauro akashanda nevakuru vekuEfeso kwemakore angasvika matatu. Asi iye zvino audzwa nemweya mutsvene kuti aende kuJerusarema. Ari kuti zivei kuti kumberi hakuna kumira zvakanaka. Akanga atombotaurira vakuru ivavo kuti: “Ndiri kuenda kuJerusarema ndichitungamirirwa nemweya kuti ndidaro, kunyange zvazvo ndisingazivi zvichaitika kwandiri ikoko, kunze kwezvandiri kuramba ndichipupurirwa nemweya mutsvene muguta neguta, uchiti jeri nematambudziko zvakandimirira.” (Mab. 20:22, 23) Pasinei naizvozvo, Pauro anonzwa ‘achitungamirirwa nemweya kuti adaro,’ izvo zvinoreva kuti ari kuona achifanira kuita zviri kutaurwa nemweya mutsvene uye kuti iye wacho ari kuda kuzviita. Anokoshesa upenyu hwake, asi kuita kuda kwaMwari ndicho chinhu chinonyanya kukosha kwaari.
4 Iwe ndizvo zvaunoitawo here? Patinozvitsaurira kuna Jehovha, tinovimbisa nemwoyo wese kuti tichaita kuti kuda kwake kuve chinhu chinokosha kupfuura zvese muupenyu hwedu. Tinogona kubatsirwa nekuongorora kutendeka kwakanga kwakaita muapostora Pauro.
Kupfuura “Chitsuwa cheSaipurasi” (Mabasa 21:1-3)
5. Pauro nevamwe vake vakafamba sei kuenda kuTire?
5 Chikepe chakakwira Pauro nevamwe vake ‘chakananga’ kuKosi chakati twasu nekuti mhepo yakanga yakanaka. Vakasvika kuKosi musi iwoyo chaiwo. (Mab. 21:1) Kunenge kuti chikepe chakambomira chikarara ipapo chisati chapfuurira kuRodzi uye kuPatara. KuPatara, kumhenderekedzo yekumaodzanyemba yeAsia Minor, hama dzacho dzakakwira chikepe chihombe chinotakura zvinhu, chakabva changodziendesa kuTire, kuFinikiya. Vari munzira, vakapfuura “chitsuwa cheSaipurasi . . . chiri kuruboshwe” kwechiteshi chacho. (Mab. 21:3) Ruka, munyori waMabasa, akataurirei nezvenyaya yekupfuura chitsuwa cheSaipurasi chiri kuruboshwe?
6. (a) Nei Pauro angangodaro akakurudzirwa paakaona chitsuwa cheSaipurasi? (b) Kufungisisa nezvekukomborerwa uye kubatsirwa kwawakaitwa naJehovha kunogona kukubatsira sei?
6 Pamwe Pauro akatombonongedzera chitsuwa ichocho achitaura zvakamboitika kwaari paakanga ari ikoko. Paaiva parwendo rwake rwekutanga anenge makore 9 akanga apfuura, Pauro naBhanabhasi naJohani Mako vakanga vasangana neimwe n’anga yainzi Erimasi, iyo yaipikisa kuparidza kwavaiita. (Mab. 13:4-12) Pauro anofanira kunge akasimbiswa paaifungisisa zvakaitika pachitsuwa ichi achifunga nezvezvaaizosangana nazvo kwaaienda. Nesuwo tinogona kusimbiswa patinofungisisa kuti Mwari akatikomborera sei uye kuti akatibatsira sei kutsungirira miedzo. Kufungisisa kwakadaro kunogona kutibatsira kuti tive nechivimbo chaiva naDhavhidhi paakanyora kuti: “Matambudziko emunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ese.”—Pis. 34:19.
“Takatsvaga Vadzidzi Tikavawana” (Mabasa 21:4-9)
7. Pauro nevamwe vake vakaita sei pavakangosvika kuTire?
7 Pauro ainzwisisa kuti kuva nevamwe vaKristu kunokosha, saka aiva nechido chekusangana nehama dzake. Ruka anoti patakasvika kuTire, “takatsvaga vadzidzi tikavawana.” (Mab. 21:4) Pauro nevamwe vake vaiziva kuti muTire mune vamwe vaKristu, saka vakavatsvaga vakavawana uye pamwe vakatombogara navo. Chimwe chikomborero chikuru chekuva muchokwadi ndechekuti kwese kwaunoenda, unogona kuwana hama dzechiKristu dzinokugamuchira. Vanhu vanoda Mwari uye vanomunamata pachokwadi vane shamwari pasi rese.
8. Tinofanira kunzwisisa sei mashoko ari pana Mabasa 21:4?
8 Paaitsanangura nezvemazuva manomwe avakagara muTire, Ruka anonyora nezvechimwe chinhu chinoita sechinovhiringidza patinotanga kuchinzwa. Anoti vaKristu vekuTire “vakaramba vachiudza Pauro zvavaiudzwa nemweya kuti arege kumbotsika muJerusarema.” (Mab. 21:4) Jehovha akanga achinja here zvaakanga ambotaura pakutanga? Akanga ava kuda kuti Pauro arege kuenda kuJerusarema here? Kwete. Mweya wakanga usina kuudza Pauro kuti asaenda kuJerusarema, asi wakati aizonobatwa zvisina kunaka kana asvika ikoko. Kunenge kuti hama dzekuTire dzakaratidzwa nemweya mutsvene ndokuona kuti Pauro aizonosangana nematambudziko kuJerusarema. Saka sezvo vaiva nehanya naye, vaimukurudzira kuti asaenda ikoko. Chido chavaiva nacho chekuti vadzivirire Pauro chinonzwisisika. Kunyange zvakadaro, Pauro akaenda kuJerusarema nekuti aida kuita kuda kwaMwari kunyange zvodini.—Mab. 21:12.
9, 10. (a) Pauro angave akayeukei paakanzwa hama dzekuTire dzichiratidza kuti dzaimutyira? (b) Vanhu vakawanda mazuva ano vanoona sei nyaya dzechitendero, uye zvakasiyana papi nezvakadzidziswa naJesu?
9 Paakanzwa hama dzake dzichiratidza kuti dzaimutyira, Pauro anofanira kunge akayeuka zvakamboitika kuna Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti aizoenda kuJerusarema onotambudzwa uye ourayiwa. Petro akanga aratidza kunzwira Jesu tsitsi akati kwaari: “Musabva mazvidaro Ishe; izvi hazvingamboitiki kwamuri.” Jesu akapindura kuti: “Siyana neni Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nekuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zvinofungwa nevanhu.” (Mat. 16:21-23) Jesu aida kuita kuda kwaMwari kunyange zvodini uye kupa upenyu hwake sechibayiro. Ndizvo zvaiitawo Pauro. Hama dzekuTire dzakanga dzakangofanana naPetro pakuti dzakanga dziine chinangwa chakanaka, asi dzakanga dzisiri kunzwisisa kuda kwaMwari.
10 Vakawanda vanoona upenyu hwekuzvirerutsira kana hwekutsvaga zviri nyore huchinakidza. Vanhu vanowanzotsvaga chitendero chisingavaomeseri uye chisingade zvakawanda kuvanhu vacho. Asi Jesu akatokurudzira zvakasiyana naizvozvo nekure. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa, arambe achinditevera.” (Mat. 16:24) Kutevera Jesu ndiyo nzira yekuchenjera, yakarurama, asi haisi nyore.
11. Vadzidzi vekuTire vakaratidza sei kuti vaida Pauro zvikuru uye kuti vaimutsigira?
11 Nguva yekuti Pauro nevamwe vake vachisimudzira nerwendo rwavo yakazosvika. Zvakaitika pavakanga vava kusimuka zvinobudisa misodzi. Zvinonyatsoratidza kuti hama dzekuTire dzaida Pauro uye kuti dzaitsigira ushumiri hwake. Varume, vakadzi nevana vakaperekedza Pauro nevaaiva navo kumahombekombe. Vakazopfugama ndokunyengetera pamwe chete, ndokuzoparadzana. Pauro, Ruka, nevamwe vavo vakabva vasimudzira nerwendo rwavo ndokuenda kuToremai, kwavakasangana nedzimwe hama ndokugara nadzo kwezuva rimwe chete.—Mab. 21:5-7.
12, 13. (a) Ndezvipi zvakaitwa naFiripi zvinoratidza kuti akashumira Jehovha akatendeka kwenguva yakareba? (b) Vanababa vechiKristu vangatevedzera sei Firipi?
12 Ruka anoti Pauro nevaaifamba navo vakabva kuToremai ndokunanga kuKesariya. Vachingosvika ikoko, vakaenda “kumba kwaFiripi, muevhangeri.”a (Mab. 21:8) Vanofanira kunge vakafara kuona Firipi. Makore 20 akanga apfuura paaiva kuJerusarema, akanga agadzwa nevaapostora kuti abatsire pakugovera zvekudya ungano yakanga ichangotangwa. Firipi akanga ava nemakore akawanda ari muparidzi anoshingaira. Yeuka kuti pakatanga kupararira vaKristu nekuda kwekutambudzwa, Firipi akaenda kuSamariya akatanga kuparidza ikoko. Akazoparidzira mukuru mukuru wekuItiopiya ndokumubhabhatidza. (Mab. 6:2-6; 8:4-13, 26-38) Murume uyu akashumira Jehovha kwemakore akawanda zvechokwadi!
13 Firipi akanga achiri kushingaira. Iye zvino akanga ava kugara kuKesariya uye akanga achiri kushingaira mubasa rekuparidza, sezvatiri kuona achidaidzwa naRuka kuti “muevhangeri.” Ari kunziwo akanga ava nevanasikana vana vaiprofita, izvo zvinonyatsoratidza kuti vaitevera makatsika nababa vavo.b (Mab. 21:9) Saka Firipi anofanira kunge akashanda nesimba kuti mhuri yake isimbe pakunamata. Vanababa vechiKristu mazuva ano vanofanirawo kumutevedzera, vachitungamirira muushumiri uye kubatsira vana vavo kuti vade basa rekuparidza.
14. Kushanyira vamwe vaKristu kwakaitwa naPauro kunofanira kunge kwakabatsira sei, uye mikana ipi yatiinayo mazuva ano yekubatsirwa saizvozvo?
14 Pese paaipfuura napo, Pauro aitsvaga vamwe vaKristu uye aimboti garei navo. Hama dzinofanira kunge dzaifara kugamuchira Pauro nevamwe vake mudzimba dzavo. Izvi zvinofanira kunge zvaiita kuti pave nemikana yakawanda ‘yekukurudzirana.’ (VaR. 1:11, 12) Mikana yakadaro iripo nhasi. Pane makomborero akawanda amunowana pamunoita kuti mutariri wedunhu nemudzimai wake vagare pamba penyu, kunyange pangasava pemaoresa.—VaR. 12:13.
‘Ndakagadzirira Kufa’ (Mabasa 21:10-14)
15, 16. Agabhasi akaprofita kutii, uye vamwe pavakazvinzwa vakaita sei?
15 Paari kugara kumba kwaFiripi, Pauro anoshanyirwa nemumwe muenzi anoremekedzwa, Agabhasi. Vanhu vakanga vakaungana pamba paFiripi vaiziva kuti Agabhasi aiva muprofita; ndiye akanga aprofita nezvenzara huru panguva yaitonga Kraudhiyo. (Mab. 11:27, 28) Pamwe vakatombozvibvunza kuti: ‘Ko Agabhasi avingei? Ari kuda kutiudza kutii?’ Vakamutarisa achitora bhandi raPauro, jira refu raigona kuiswa mari uye raisungirirwa muchiuno. Agabhasi akazvisunga naro makumbo nemaoko. Akabva atanga kutaura. Mashoko aari kutaura haasi ekutamba nawo. Anoti: “Izvi ndizvo zvinotaurwa nemweya mutsvene, ‘Muridzi webhandi iri achasungwa seizvi nevaJudha kuJerusarema, uye vachamuisa mumaoko evanhu vemamwe marudzi.’”—Mab. 21:11.
16 Uprofita hwacho hwakaratidza kuti Pauro aizoenda kuJerusarema. Hwakaratidzawo kuti vaJudha vaikoko vaizopedzisira vaita kuti aiswe “mumaoko evanhu vemamwe marudzi.” Uprofita ihwohwo hwakazunguza vakawanda vaivepo. Ruka anoti: “Patakanzwa izvi, isu nevaya vakanga varipo takatanga kumuteterera kuti arege kukwidza kuJerusarema. Pauro akabva apindura kuti: ‘Muri kudarireiko nhai, kuchema muchindipedza simba? Handina kungogadzirira kusungwa chete, asiwo kutofira zita raShe Jesu kuJerusarema.’”—Mab. 21:12, 13.
17, 18. Pauro akaratidza sei kuti aida kuita kuda kwaMwari chero zvodini, uye hama dzakaita sei nazvo?
17 Fungidzira zviri kuitika. Ruka nedzimwe hama, vari kuteterera Pauro kuti asaende. Vamwe vari kuchema. Rudo rwavainarwo runomubata-bata; Pauro anovatsiura zvakanakanaka kuti vari ‘kumupedza simba,’ kana kuti semashanduriro akaita dzimwe shanduro chiGiriki chacho, vari “kurwadzisa mwoyo” wake. Sezvaakambotaurira hama dzekuTire, haasi kuzosiya vanhu vachimunyengetedza, kunyange nemisodzi nemisodzi, kuti atadziswe kuita kuda kwaMwari. Anobva avatsanangurira kuti nei achifanira kuenderera mberi nerwendo rwake. Murume uyu akanga akashinga zvechokwadi! Akangoita sezvakaitwa naJesu, kuramba achienda kuJerusarema asingadzokeri shure. (VaH. 12:2) Hakusi kuti Pauro aitsvaga kuti afe, asi aiti kana zvikaitika aizozvitora sekukudzwa kuti afa semuteveri waKristu Jesu.
18 Hama dzakaita sei paakataura izvozvo? Dzakaremekedza zvaakanga asarudza. Tinoverenga kuti: “Paakaramba kunyengetedzwa kuti asaenda, takabva tanyarara tikati: ‘Kuda kwaJehovha ngakuitike.’” (Mab. 21:14) Hama dzainyengetedza Pauro kuti asaende kuJerusarema hadzina kuramba dzichiomesa musoro. Vakateerera zvaitaurwa naPauro ndobva vazvibvuma, vachiziva kuti ndiko kuda kwaJehovha, kunyange zvazvo zvakanga zvakavaomera. Pauro akanga asarudza kupinda munzira yaizotungamirira kurufu rwake. Kuedza kunyengetedza Pauro kuti asaende kwaitozoita kuti zviwedzere kusava nyore kwaari.
19. Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pane zvakaitika kuna Pauro?
19 Chidzidzo chinokosha chatinowana pane zvakaitika kuna Pauro ndechekuti, hatidi kuedza kunyengetedza vamwe kuti vasazvipire pakushumira Mwari. Tinogona kushandisa chidzidzo ichocho pazvinhu zvakawanda kwete zvinogona kuita kuti vasvike pakufa chete. Zvinoshandawo pavabereki vechiKristu; kunyange zvazvo zvakaoma kuona vana vachibva pamba kuti vanoshumira Jehovha vari kure, havadi zvachose kuvaodza mwoyo. Imwe hanzvadzi yekuEngland, inonzi Phyllis, inoyeuka kuti yakanzwa sei pakaenda mwanasikana wayo, anova ndiye ega, kuAfrica kunoshanda semumishinari. Phyllis anoti: “Zvakanga zvakandiomera. Zvaindirwadza pandaifunga kuti aizogara kure neni zvakadaro. Ndaiti uku zvichindisuwisa uku ndichidada naye. Ndakanyengetera kakawanda nezvazvo. Asi ndizvo zvaakanga asarudza saka handina kuedza kumurambidza. Handiti ndini ndaigara ndichimudzidzisa kuisa Umambo pakutanga! Ava kupfuura makore 30 achishumira kune dzimwe nyika, uye ndinotenda Jehovha zuva nezuva kuti amubatsira kuramba akatendeka.” Zvechokwadi kukurudzira vatinonamata navo vanozvipira chinhu chakanaka!
“Hama Dzakatitambira Nemufaro” (Mabasa 21:15-17)
20, 21. Chii chinoratidza kuti Pauro aifarira kuwadzana nehama, uye nei aifarira kuita izvozvo?
20 Pauro nevamwe vake vakagadzirira ndokupinda munzira uye dzimwe hama dzakabatana navo, zvichiratidza kuti dzaimutsigira nemwoyo wese. Pese pavaimbomira vachienda kuJerusarema, Pauro nevamwe vake vaitombowadzana nehama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu. KuTire, vakaita mazuva 7 vaine vadzidzi. KuToremai, vakakwazisana nehama nehanzvadzi, vakaswera variko. KuKesariya, vakanga vagara kwemazuva anoverengeka pamba paFiripi. Iye zvino vamwe vadzidzi vakabva kuKesariya vakaperekedza Pauro nevamwe vake kuJerusarema, vakambotambirwa kumba kwaMinasoni, mumwe wevanhu vakatanga kuva vadzidzi. Ruka anoti pavakazosvika kuJerusarema, “hama dzakatitambira nemufaro.”—Mab. 21:17.
21 Zviri pachena kuti Pauro aifarira kuwadzana nevamwe vaKristu. Muapostora wacho aikurudzirwa nehama nehanzvadzi sezvatinongoitawo mazuva ano. Kukurudzirwa kwaakaitwa kwakamusimbisa kuti azotarisana nevanhu vaimupikisa zvakasimba vachida kumuuraya.
a Ona bhokisi rakanzi “Kesariya, Guta Guru reJudhiya Payaitongwa neRoma”.
b Ona bhokisi rakanzi “Vakadzi Vaigadzwa Kuti Vave Vashumiri Muungano Here?”