-
VaKristu Vokutanga Nomutemo waMosesiNharireyomurindi—2003 | March 15
-
-
Zvakadini nevaKristu vechiJudha?
12. Mubvunzo upi wakasiyiwa usina kupindurwa?
12 Dare rinodzora rakanga raratidza zvakajeka kuti vaKristu veMamwe Marudzi vaisafanira kudzingiswa. Asi zvakadini nevaKristu vechiJudha? Chisarudzo chedare rinodzora chakanga chisina kutaura zvakananga nezvomubvunzo wakadaro.
13. Nei chakanga chiri chikanganiso kutaura kuti kuchengetwa kwoMutemo waMosesi kwaidiwa kuti munhu aponeswe?
13 Vamwe vaKristu vechiJudha vai“shingairira Mutemo” vakaramba vachidzingisa vana vavo nokuchengeta zvimwe zvaidiwa noMutemo. (Mabasa 21:20) Vamwe vakatoita zvinopfuura apa, vachitoita nharo dzokuti vaKristu vechiJudha vaifanira kuchengeta Mutemo kuti vaponeswe. Apa vakanga vakarasika zvikuru. Somuenzaniso, muKristu upi noupi aigona sei kupa chibayiro chemhuka kuti akanganwirwe zvivi? Chibayiro chaKristu chakanga chaita kuti zvinopiwa zvakadaro zvichirega kushanda. Zvakadini nezvaidiwa noMutemo zvokuti vaJudha vasashamwaridzane neveMamwe Marudzi? Zvaizova zvakaomera kwazvo vaparidzi vechiKristu vaishingaira kuteerera zvirambidzo izvozvo asi vachingoita basa rokudzidzisa veMamwe Marudzi zvinhu zvose zvakanga zvadzidziswa naJesu. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 1:8; 10:28)a Hapana chinoratidza kuti nyaya iyi yakajekeswa pamusangano wedare rinodzora. Kunyange zvakadaro, ungano haina kusiyiwa isina kubatsirwa.
-
-
VaKristu Vokutanga Nomutemo waMosesiNharireyomurindi—2003 | March 15
-
-
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]
Pauro Anotarisana Nomuedzo Nokuzvininipisa
Pashure porwendo rwoumishinari runobudirira, Pauro akasvika muJerusarema muna 56 C.E. Ikoko akanga akamirirwa nomuedzo. Mashoko okuti akanga achidzidzisa kuti Mutemo wakanga waiswa parutivi akanga asvika kuungano. Varume vakuru vaitya kuti vaKristu vechiJudha vakanga vachangobva kutendeuka vaizogumburwa norusununguko rwokutaura rwaPauro panyaya yoMutemo uye kuti vaigona kuzofunga kuti chiKristu chakanga chisingaremekedzi zvirongwa zvaJehovha. Muungano, maiva nevaKristu vechiJudha vana vakanga vaita mhiko, zvichida mhiko youNaziri. Vaifanira kuenda kutemberi kuti vanopedzisa zvaidiwa nemhiko iyoyo.
Varume vakuru vacho vakakumbira Pauro kuti aperekedze varume vana ava kutemberi iye achizovabhadharira mari. Pauro akanga anyora tsamba mbiri kana kupfuura umo akataura kuti kuchengetwa kwoMutemo kwakanga kusingadiwi nokuda kworuponeso. Zvisinei, akafunga nezvehana dzevamwe. Akanga ambonyora kuti: “Kune vari pasi pomutemo ndakava seari pasi pomutemo . . . kuti ndiwane vari pasi pomutemo.” (1 VaKorinde 9:20-23) Nepo akanga asingambochinji apo nheyo dzemitemo yeMagwaro dzaibatanidzwa, Pauro akafunga kuti aigona kuita maererano nezvakanga zvataurwa nevarume vakuru. (Mabasa 21:15-26) Zvakanga zvisina kushata kuti adaro. Hapana chakanga chisiri paMagwaro maererano nourongwa hwemhiko, uye temberi yakanga yashandiswa nokuda kwokunamata kwakachena, kwete kunamata zvidhori. Saka, nechinangwa chokuti asagumbura vamwe, Pauro akaita sezvakanga zvakumbirwa. (1 VaKorinde 8:13) Pasina mubvunzo izvi zvaida kuti Pauro azvininipise zvikuru, chokwadi chinoita kuti timuonge zvakadzama.
-