-
“Usatya!”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
6. Zano rekuuraya Pauro rakafumurwa sei, uye vechidiki vangatevedzera sei jaya riri kutaurwa munyaya iyi?
6 Zvakazoitika ndezvekuti muzukuru waPauro akanzwa nezvazvo achibva audza Pauro. Pauro akabva aita kuti mukomana wacho audze mutungamiriri weuto reRoma Kraudhiyo Risiyasi. (Mab. 23:16-22) Jehovha anofanira kunge achifadzwa chaizvo nevechidiki vakaita semuzukuru waPauro, uyo asina kutaurwa nezita, vanoratidza ushingi pakudzivirira vanhu vaMwari vachitozviisa pangozi, uye vanoita zvese zvavanogona kuti vatsigire basa reUmambo.
-