RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Ndinokwirira Kuna Kesari!”
    Nharireyomurindi—2001 | December 15
    • Mupristi Mukuru Ananiyasi, varume vakuru vechiJudha, uye Teturo vakapomera Pauro zviri pamutemo pamberi paFerikisi vachiti aiva ‘munhu anonetsa anonyandura kumukira pakati pevaJudha.’ Vakati ndiye aive makonya “wekapoka kevekuNazareta” uye kuti akaedza kusvibisa temberi.—Mabasa 24:1-6.

      Vakatanga kurwisa Pauro pakutanga vaive vafunga kuti ndiye akanga apinza mumwe weMarudzi ainzi Tirofimo muchivanze chainzi ndechevaJudha chete.a (Mabasa 21:28, 29) Kutaura zvazviri, aive nemhosva yokupinda paasingabvumirwi ndiTirofimo. Asi dai vaJudha vaizoturikira zvainzi zvakaitwa naPauro zvokubatsira munhu kuti apinde paasingabvumirwi, izvozvowo zvaigona kunzi imhosva inotongerwa munhu rufu. Uye zvinoita sokuti Roma yakanga yabvumirana nepfungwa yokuti mhosva iyoyi itongerwe munhu rufu. Saka dai Pauro akanga asungwa nemapurisa etemberi panzvimbo paRisiyasi, Sanihedirini ingadai yakamutonga ndokumupa mutongo pasina chinetso.

  • “Ndinokwirira Kuna Kesari!”
    Nharireyomurindi—2001 | December 15
    • a Chidziro chedombo rakazonaka, chakakwirira makubhiti matatu, chaikamuranisa Chivanze cheveMarudzi nechivanze chomukati. Panzvimbo nenzvimbo pachidziro ichi paive nemashoko okunyevera, mamwe muchiGiriki, mamwe muchiLatin: “Ngaparege kuva nomutorwa anopinda mukati mechidziro noruzhowa rwakatenderedza nzvimbo tsvene. Ani zvake anenge abatwa ndiye anenge azviurayisa.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe