Ganhuro 4
Rudzi Rwoupenyu Rwunomirira Vapukunyuki
1. Neiko “zuva raJehovha” rinouya risati richizosiya pasi riri dongo risine chinhu? (Isaya 45:18)
KUNYANGE ZVAZVO “zuva raJehovha” rinouya richava rinotyisa zvikuru, harizati richizosia pasi raparadzwa zvokusagona kugarwa. Miuyo yaro haisati ichizova yakafanana neyeyo yokuparadzanya kwenyukireya, uko kunotyirwa kuti kunganyonganisa wirirano yezvipenyu ndokuparira vapukunyuki kutambura miuyo inotyisa inobva mumwaranzi inochetura. Panzvimbo pokushatsa kwake pasi zvokuti haringagoni kugarwa navanhu, Musiki acha“paradza avo vanoparadza pasi.”—Joere 2:30, 31; Zvakazarurwa 11:18.
2. Chii chinotipa chivimbo chokuti Jehovha achanunura vakatendeka vachipfuura nomudambudziko guru?
2 Mundangariro yavabatiri vakatendeka vaJehovha hamutongorina panikiro yokuti Mwari anogona kuvanunura pasinei zvapo namasimba anoparadza aachasunungura panguva iyeyo munzvimbo yakavapoteredza. Vanoziva kuti apo Sodhoma neGomora akashata mutsika akaparadzwa ne‘surferi nomwoto zvakabva kudenga,’ ngirozi dzaJehovha dzakanunura Roti navanasikana vake vaviri. (Genesi 19:15-17, 24-26) Vanozivawo kuti apo matangwe eEgipita yose akaparadzwa mumazuva aMosesi, ngirozi yaJehovha yokuparadza yakadarika misha yavaIsraeri, misha iya yakatarwa neropa regwaiana rePaseka. (Eksodho 12:21-29) Naizvozvowo, apo masimba masimba anoparadza edambudziko guru anogundika, Jehovha achanunura avo vakamuita utiziro.—Pisarema 91:1, 2, 14-16; Isaya 26:20.
3. Neiko chiverengero chikurusa chezvitunha chisati chichizoparira ngozi kuutano hwavapukunyuki?
3 Chokwadi, somuuyo wokuparadza kukuru, pasi richave rakati mwarara naavo vanourawa naJehovha. Asika hakuna munhu anoziva zviri nani zvikuru kupinda Mwari chinodikanwa kuitwa kutaviridzira utano hwavapukunyuki. Iye anotiudza kuti achakoka shiri dzokudenga nezvikara zvomusango ku“chidyo chamadekwana chikuru” chake uye kuti izvo zvichaguta namativi enyama yaavo vakaurawa. (Zvakazarurwa 19:17, 18; Ezekieri 39:17-20) Izvo zvazvisati zvichizopedza iye anogona kuzvipedza kupfurikidza nemimwe mitoo. Donzo raMwari nokuda kwapasi sezvakarondedzerwa muEdheni panguva iyeyo richafambira mberi kusvikira kukuzadzika kwaro.
CHINOZIVISWA NEDONZO RAPAKUVAMBA RAMWARI
4. Ko Jehovha akapa vanhu vaviri vokutanga rudzii rwamavambo, uye neiko ikoko kuchitifadza zvikurukuru?
4 Kuratidzirwa kweicho nguva yemberi yakachengetera vapukunyuki vedambudziko guru kunowanwa murudzi rwamavambo ayo Jehovha akapa mhuri yokutanga yavanhu muEdheni. Mukugadzirira pasi nokuda kwokuti rigarwe navanhu, Musiki akaita zvinomera zvakawanda zvapasi, uyewo hove, shiri nemhuka dzapanyika mumhatsa inofadza. “Jehovha Mwari akasima bindu muEdheni, nechokumabvazuva, uye imomo akaisa munhu waakanga aumba.” (Genesi 2:8) Asika Mwari haana kuita pasi rose paradhiso dzokonokei orichengeta somunhanga nokuda kwomunhu. Panzvimbo pako, Jehovha akapa vaviri vohunhu vokutanga mavambo akaisvonaka, akaisa chikomborero chake pavari ndokuvapa mugove webasa. Akagadza pamberi pavo mabasa aizovagonesa kushandisa zvizere mano avo uye kuwana gutsikano muzviitwa zvavo. Ikoku kwaizozadza upenyu hwavo nerevo. Haiwa ivo vakanga vanomugove unoyevedza sei—kurera vana nokuratidzira mavara oumwari, kufutunura Paradhiso kusvikira kumigumo yapasi nokuritarisira pamwe nezvisikwa zvaro zvizhinji zhinji! Kudai Adhama naEvha vakapfuurira kuremekedza uchangamire hwaJehovha, ivo vaizodai vasina kutongofa. Vaizofarikanya upenyu hwakakwana pasi pano nokusingaperi.—Genesi 1:26-28; 2:16, 17.
5. Naizvozvo, ikariroi dzichava pamberi pavapukunyuki vedambudziko guru?
5 Chokwadika, migariro pasi pano nokukurumidza pashure pedambudziko guru haizati ichizotongova yakafanana neyeyo yomuEdheni. Asi donzo rapakuvamba raMwari nokuda kwapasi rino navanhu richaramba risina kuchinjwa. Paradhiso ichamonzvera mburumbwa yose, vanhu vachava vatarisiri varo, uye ivo vose vachava vakabatana mukunamata Mwari wechokwadi. Pamberi pavo pachava nebanza rokurarama nokusingaperi, vachifarikanya rusununguko rwune mbiri rwavanakomana vaMwari.—Ruka 23:42, 43; Zvakazarurwa 21:3, 4; VaRoma 8:20, 21.
6. (a) Chii chichaitika kuzvombo zvipi nezvipi zvehondo? (b) Neiko kusino munhu achazombosungirwa kunzwazve nzara?
6 Pakutanga, matongo etsika yekare mukusapanikira achadikanirwa kuchenurwa. Zvombo zvehondo zvinosara zvichashandurirwa kukushandiswa kworugare. (Ezekieri 39:8-10, enzanisa Mika 4:3.) Zvirimwa zvichiri muminda mukusapanikira zvichava zvinokohwiwa kuti zvigotsigira vapukunyuki. Ipapo mbeu zvainokushwa uye zviyo zvitsva zvichikohwiwa, chipikirwa chichazadzika, chinoti: “Pasi iro rimene richapa zvamazvirokwazvo zvibereko zvaro; Mwari, Mwari wedu, achatikomborera.” (Pisarema 67:6; enzanisa Dheuteronomio 28:8.) Kana vanhu voudyire navanokamuranisa vetsika yekare vaparara, hakuna munhu upi noupi anotozongosungirwa kuenda kundorara aine nzara usiku.—Pisarema 72:16.
7. Ko kusarudza kwaJehovha Mambo mutsva wapasi kunoratidzira sei uchenjeri norudo zvaMwari amene?
7 Iyi ichava nyika inoumbwa navanhu vanonzwisisa kukosha kwokuva nenhungamiro nechikomborero zvaJehovha. Uye izvozvi zvichagoverwa nomutoo unoratidzira uchenjeri norudo zvaMwari amene. Uyo Mwari akagovera saMambo mutsva wapasi ndiye Mwanakomana wake amene, Jesu Kristu. Bhaibheri rinowadzanyura kuti kupfurikidza naye Mwari akasika pasi namarudzi ose akasiana-siana oupenyu pariri. (VaKorose 1:15-17) Mwanakomana waMwari anosanonzwisisa kwazvo izvo kupfuuridzirwa kwoupenyu pasi pano kunoda uye anoda chaizvoizvo zvinhu zvine chokuita navanhu.—Zvirevo 8:30, 31.
8. Ko Kristu achabetsera vadzorwi vake vapasi kukudziridza kuitai kuuchangamire hwaJehovha?
8 Kupfuura zvose, Mwanakomana nomutoo wokuvimbika anotsigira uchangamire hwaJehovha. Kwakadeya kuziviswa pamsoro paJesu, kuti: “Mudzimu waJehovha unofanira kugara paari, mudzimu wouchenjeri nowokunzwisisa, mudzimu wezano nowesimba, mudzimu wokuziva nowokutya Jehovha; uye pachava nokufarikanya kunoitwa naye mukutya Jehovha.” (Isaya 11:2, 3) Iye achabetsera vadzorwi vake vapasi kuwana kufarikanya kumwe chetekwo mukuwiriranisa upenyu hwavo nenzira dzaJehovha. Muumambo hwake, vapukunyuki vedambudziko guru vachadzorerwa kurudzi rwoupenyu urwo Mwari akaita donzo nokuda kwavanhu apo vabereki vedu vokutanga vakapiwa Edheni somusha wavo.
CHINOZIVISWA NOHUSHUMIRI HWAJESU
9. (a) Ndimimwei miuyo inosuruvarisa yechivi chakagarwa nhaka? (b) Ko zvishamiso zvaJesu zvinoratidzira tariroi?
9 Kufarikanya rudzi irworwo rwoupenyu, zvisinei, tinodikanirwa kusununguka mumiuyo inorwadza yechivi. Isu tose takagara nhaka chivi kuna Adhama, uyo akarashikirwa nokukwana kwake apo iye akaratidzira ruzvidzo rwokusateerera uchangamire hwaJehovha. Miuyo yechivi inoratidzirwa munzira dzakasiana-siana. Chinogona kuparira kurwara, urema hwokunyama, uyewo murangariro wokufunga nokutaura uye kuita zvinhu nokuda kwevavariro dzisino kururama. Pakupedzisira chinoparira rufu. (VaRoma 5:12; 6:23) Mukati mohushumiri hwake hwapasi, Jesu akaita zvishamiso zvizhinji izvo zvakaratidzira zvaachaita mukuvigira rusununguko kuna avo vari vadzorwi voUmambo hwaMwari.
10. Neiko kusati kuri kusina mufungo kuti Jesu aigona kuita zvishamiso zvisingagoni kuitwazve navezvesayenzi?
10 Asi apo vamwe vanhu vanorava nhauro dzinofadza dzeBhaibheri pamsoro pezvishamiso zvaJesu, vanoratidzira panikiro. Neiko? Nemhaka yokuti tinorarama munyika umo kutsoropodza kwazova kwakakurumbira. Vatsoropodzi vangarangarira havo kuti, kuti zvishamiso zvigodavirwa, vezvesayenzi nhasi vanofanira kuva vanokwanisa kuzvidzokorora kana kuti kuzvitsanangura. Asika neiko vezvesayenzi vachipfuurira kupira huwandu hukuru hwenguva nemari kukunzvera? Nemhaka yokuti kune zvizhinji zvavasati vachinzwisisa. Chinoda kugadzikiswa zvomenemene muchimiro chedu chendangariro kuushumiri hwaJesu ndiko kudisisa kubvuma kupindira kwoumwari muzvinhu zvavanhu.
11. Pana Mabasa 2:22, kutaurai kunoshandiswa kurondedzera zvishamiso zvaJesu, uye izvozvi zvinoratidzirei?
11 Kuboka raiva muJerusarema muna 33 N.V., muapostora Petro akataura nezvaJesu so“murume akaratidzwa pamhene naMwari kwamuri kupfurikidza namabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo izvo Mwari akaita kupfurikidza naye.” (Mabasa 2:22) Zvishamisozvo zvaiva, sokuratidzira kwakaita Petro pano, “mabasa esimba,” asati ari mabasa ayo vamwe vanhu vaigona kuitawo kana kuti kutsanangura, asi hufakazi hwokuti simba raMwari rakanga richishanda kupfurikidza naJesu. Zvaiva “zviratidzo” zvokuti iye zvomenemene akanga ari Mesia, Mwanakomana waMwari amene. Zvavawo “zvishamiso,” zvinoitika zvairatidzira zvinoitika zvomunguva yemberi zvinofadza.
12. (a) Neiko uchiwana nhauro pamsoro pokucheneswa kwavanhu vakanga vana maperembudzi kuva dzinokurudzira? (b) Chii chakanga chiri chechienzi zvikurukuru pamsoro pokuporesa kwaJesu wakanga akaoma mitezo?
12 Rava nhauro dzeEvhangeri muBhaibheri, uye sezvaunoita kudaro, rangarira kuti zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinodeya kuratidzira zvaachaitira vanhu vachagara pasi pano muUmambo hwaMesia hwaMwari. Iyeyo ichava nguva apo vanhu vane hosha dzinoremadza dzakadai samaperembudzi vachachenurwa—sokuchenura kwakaita Jesu varume gumi vana maperembudzi paakanga achienda Jerusarema mugore ra 33 N.V. Iye akaratidzira kuti anogona kubetsera vanhu vakadaro uye kuti iye anoda zvomenemene kuita kudaro. (Ruka 17:11-19; Marko 1:40-42) Vazhinji vave vachiva vane mitezo yakaoma. Kwavariwo, kuporeswa kuchave kuchiwanikwa—sezvakwakanga kuchiwanikwa kunowakaoma mitezo akanga asingagoni kumuka pahuvato uyo Jesu akaporesa, achibatanidza ikoku nokukanganwirwa kwezvivi zvomunhuyo.—Marko 2:1-12.
13. Taura pamsoro pechimwe chezvishamiso zvaJesu chinoratidzira tariro nokuda kwa (a) mapofu, (b) avo vari matsi kana kuti mbeveve, (c) vanhu vakarapwa navanachiremba vasingawani sununguko. (d) Ko iwe unoziva sei kuti Jesu achave achikwanisa kurapa marudzi ose ehosha nohurema?
13 Meso asingaoni achaitwa kuti aone, nzeve dzisinganzwi dzichadziurwa uye avo vari mbeveve vachasunungurirwa marurimi avo—sezvo Jesu akaitira zvinhu izvi vanhu vomuGarirea nomuDhekapori muzana rokutanga ramakore. (Mateo 9:27-30; Marko 7:31-37) Kuvanhu vazhinji nhasi, vana chiremba havagoni kugovera kuporesa. Iwowo ndiwo wakanga uri mugariro womumwe mukadzi womuKarpenaume uyo “akanga arwadziswa kazhinji navanachiremba vazhinji uye akanga apedza pfuma yake yose asi akanga asina kubetserekana.” Asika Jesu akamuporesa, uye iye achaita zvimwe chetezvo kuna vamwe vazhinji kuna vakafanana naye. (Marko 5:25-29) Gomarara, hosha yomwoyo, musarara, chipfunga—hapana dzichava dzakanyanyooma zvokusagona kurapwa, sezvaakaratidzira apo iye akaporesa “rudzi rwuri rwose rwehosha norudzi rwuri rwose rwohurema” mukati mohushumiri hwake muGarirea.—Mateo 9:35.
14. Ko nhauro pamsoro pokumutsa kwaJesu vakafa inoratidzira chii chicharehwa norumuko kuvapukunyuki?
14 Iyeyo ichavawo nguva apo kuchava nebanza nokuda kwavakafa—kwete avo vanoparadzwa naMwari mudambudziko guru, asinokuda kwamabhirioni avamwe vakafa mukati mamazana amakore—rokuraramazve, uye vaine kariro dzavakanga vasingatongogoni kurangarira nakare kose. Ko ikoko kucharevei kuna vapukunyuki? Pedyo nomusha weNaini, Jesu akaomesa misodzi yokusuruvara yomumwe mai ari chirikadzi kupfurikidza nokudzorera mwanakomana wake mumwe bedzi kuupenyu. MuKarpenaume iye akaunzira mufaro mukurusa kuvabereki vomwanasikana muduku kupfurikidza nokumutsa mwana wavo muna vakafa. (Ruka 7:11-16; Marko 5:35-42) Ungada kuvapo here apo vadikanwi vako vanodzoka muna vakafa? Ichocho chichava chinoitika chinofadza chavapukunyuki ndokupinda mu“pasi idzva.”
15. (a) Ko dzidziso dzaJesu dzinoratidzira sei rudzi rwavanhu ruchararama pasi pano panguva iyeyo? (b) Ko isu tinogona kuva nokudeya kuravidza rudzi irworwo rwoupenyu zvino munzirai?
15 Upenyu panguva iyeyo hahuzati huchizova kudzokororwa kwokurwadzwa nokusuruvara izvo zvinowanzotambudza zvikuru vanhu zvino. Ikoko kunoratidzirwa nokusati bedzi kuri nezvishamiso zvaJesu asiwo nedzidziso dzake, nokuti avo bedzi vari zvomenemene vadzidzi vake vachapukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva.” (Johane 3:36) Iye akadzidzisa vateveri vake kuisa mipimo yomudzimu pamberi pezvinorondwa zvokunyama, kuvimba naJehovha, kutarira kwaAri nokuda kwenhungamiro uye kuva vanoonga zvikomborero Zvake. Kupfurikidza neshoko nomuenzaniso, Jesu akasimbisa kukosha kworudo nokuzvininipisa, kuitira hanya zvikurusa vamwe vanhu nokuzvipa kwako umene nokuda kwavamwe. Nechakare, avo vanova vadzidzi vake Kristu naavo vanoshandisa mirairo iyi vanowana kunyevenutswa kukuru nokuda kwemweya yavo uye ivo, vanovigirawo vamwe kunyevenutswa. (Mateo 11:28, 29; Johane 13:34, 35) Ikoku kunongova bedzi kudeya kuravidza rudzi rwoupenyu rwuchafarikanywa naavo vachiri vapenyu apo nyika iripoyi isina rudo inenge yaparara. Kana iwe ukaita nouchenjeri zvino, upenyu ihwohwo hunogona kuva hwako.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 33]
DONZO RAPAKUVAMBA RAMWARI NOKUDA KWAVANHU
Kuzadza pasi navanhu vanoratidzira mavara oumwari
Kufutunura Paradhiso yapasi zvakafara nokuitarisira pamwe chete nemhuka dzayo
Kufarikanya upenyu pasi pano nokusingaperi