-
“Ndinokwirira Kuna Kesari!”Nharireyomurindi—2001 | December 15
-
-
Pauro akazvidzivirira kubva papomero imwe achienda pane imwe. ‘Handina kumbokonzera nyonganyonga. Ichokwadi kuti ndiri mukavanoti “kapoka,” asi izvi zvinongoreva kuchengeta mitemo yechiJudha. Vamwe vaJudha vokuAsia ndivo vatanga bongozozo racho. Kana vachiramba, vanofanira kuva pano kuti vataure.’ Nokutaura uku Pauro akaita kuti zvaipomerwa zvive nharo dzechitendero pakati pevaJudha, idzo dzaaiziva kuti vaRoma vaisagona kunyatsogadzirisa. Achingwarira kusatsamwisa vaJudha vakanga vatogara vachinetsa kudzora, Ferikisi akamisa dare racho kusvikira kunguva isingazivikanwi, zvichibva zvamanikidza kuti pasava nezvimwe zvaizoitwa panyaya yacho. Pauro haana kuiswa kuvaJudha, vaizviti vanoziva mitemo yavo, kana kuti kutongwa nomutemo wevaRoma, kana kusunungurwa. Ferikisi aisagona kumanikidzwa kutara mutongo, uye pamusoro pokuda kufadza vaJudha, aive zvakare nechimwe chinangwa chokunonoka—aitarisira kuti Pauro aizomupa chiokomuhomwe.—Mabasa 24:10-19, 26.b
-
-
“Ndinokwirira Kuna Kesari!”Nharireyomurindi—2001 | December 15
-
-
b Zviri pachena kuti izvi zvakanga zvisiri pamutemo. Mamwe mashoko anoti: “Pasi pomutemo wokuranda vamwe, wainzi Lex Repetundarum, ani zvake aiva nechinzvimbo kana kuti aitungamirira airambidzwa kuti atsvake kana kuti abvume chiokomuhomwe chokuti aroverere kana kuti asunungure munhu, kuti ape mutongo kana kuti asapa kana kuti abudise musungwa.”
-