-
“Panjodzi Mugungwa”Nharireyomurindi—1999 | March 15
-
-
Vasina zvokushandisa—kunyange kambasi—vatungamiriri venzira dzezvikepe vemuzana ramakore rokutanga vaishanda zvakaoma nekungotarira chete. Naizvozvo, rwendo rwakanga rwakachengeteka chaizvo kana uchiona zvakanaka—kazhinji kazhinji kubva pakupera kwaMay kusvika pakati paSeptember. Mumwedzi miviri inotangira uye inouya pashure penguva iyi, vatengesi vaigona kuva nemukana wokufamba. Asi munguva yechando, mhute nemakore zvaigarodzikatidza zviratidzo zvenyika uye masikati zvaidzikatidza zuva uye nyeredzi usiku. Kufamba nezvikepe kwainzi hakuitwi (Latin, mare clausum) kubva musi wa11 November kusvikira 10 March, kunze kwekunge pane zvinodikanwa chaizvo kana zvokukurumidzira. Avo vaifamba mwaka wava kunopera vaigona kusangana nenjodzi yokupedzera chando mune zvimwe zviteshi.—Mabasa 27:12; 28:11.
-
-
“Panjodzi Mugungwa”Nharireyomurindi—1999 | March 15
-
-
Sezviri pachena Pauro aiziva nezvengozi dzokufamba mugungwa mumwaka usiriwo. Akatopa zano rokusafamba September opera kana kutanga kwaOctober, achiti: “Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurashikirwa kukuru, zvisa[ti] zviri zvomutoro nechikepe bedzi asi nokwoupenyu hweduwo.” (Mabasa 27:9, 10) Zvisinei, mukuru weuto aitungamirira haana kuteerera mashoko aya, uye izvi zvakaguma nokuputsika kwechikepe paMerita.
-