Murangariro weBhaibheri
Rudo Runobatanidza
MUNA 1978 dutu guru muNorth Atlantic rakarovanya ngarava youmbozha inonzi Queen Elizabeth 2. Masaisai akareba zvakaenzana nechivako chenhurikidzwa gumi akarovera pangarava yacho, achiita kuti inyudzwe-nyudzwe sechituba. Fenicha navatakurwi zvakakandwa-kandwa sezvo ngarava yakanyura nokunyura zvisingadzoreki. Nenzira inoshamisa, kukuvara kuduku bedzi kwakaitika pakati pavatakurwi vane 1 200. Kugadzirwa kwakanaka kweinjini, zvokugadzirisa zvakanaka, uye kuvakwa kwakanaka kwakadzivisa ngarava yacho kutsemuka.
Mazana amakore apfuura kwakanga kune imwe ngarava yakabatwa nedutu guru. Muapostora Pauro nevamwe 275 vakanga vakatakurwa. Vachitya kuti ngarava yaizopwanywa kuva zvidimbu noukuru hwedutu racho, vakwasvi sezviri pachena vakatora “zvibatsiro”—cheni kana kuti ropu—pasi pengarava kubva kune rumwe rutivi kuenda kune rumwe kuti vabatanidze pamwe mapuranga akanga akagadziriswa kunze kweiyi ngarava yavashambadzi. Vatakurwi vose vakanga vakatakurwa vakaponeswa, kunyange zvazvo ngarava isina.—Mabasa, ganhuro 27.
Miedzo muupenyu hwedu padzimwe nguva ingatiita kuti tinzwe setiri mungarava iri mumakungwa asina kugadzikana. Masaisai efunganyo, kukangaidzwa, uye kuora mwoyo zvinogona kupfuura napatiri, zvichiedza rudo rwedu zvikuru. Kuti tigonane nemadutu akadaro ndokudzivisa kuputsika, isuwo tinoda betsero.
Apo Madutu Anomuka
Kutenda nokutsungirira zvomuapostora Pauro zvakanyatsorongwa muBhaibheri. Iye akashandira ungano dzechiKristu dzapakuvamba. (2 VaKorinte 11:24-28) Zvaakapedza mubasa raShe zvinopa chipupuriro chakajeka kurudo rwake rukuru nokuda kwevavakidzani vake uye ukama hwake hwakasimba naMwari. Bva, upenyu hwaPauro hwakanga husiri nyore nguva dzose. Nenzira dzose dziri mbiri chaiyoiyo uye nenzira yokufananidzira, muapostora akapukunyuka madutu akawanda.
Muzuva raPauro, apo ngarava yakasangana nedutu guru, kupukunyuka kwevatakurwi nengarava kwakatsamira paunyanzvi hwevakwasvi asiwo pakuti ngarava yacho yakaramba yakabatana sei. Kwakanga kwakadarowo mupfungwa yokufananidzira apo muapostora akasangana nemadutu okufananidzira. Kunyange zvazvo Pauro akanga apukunyuka kushaya zvokunyama, kuiswa mutorongo, uye kurwadziswa, madutu akakomba zvikurusa akadenha umudzimu hwake uye dzikamo yendangariro uye kugona kwake kupfuurira kuda kwakabva mukati meungano yechiKristu.
Somuenzaniso, Pauro akashanda asinganeti kwegore nehafu kuti avambe ungano muguta reKorinte. Zvakaitika zvake nevaKorinte zvakamuparira kutanga kunzwa chidakadaka nokuda kweboka. Pauro akatotaura nezvake amene sababa kwavari. (1 VaKorinte 4:15) Bva, pasinei zvapo nechinyorwa chake cherudo nebasa rakaoma nokuda kweungano, vamwe muKorinte vakataura zvakaipa nezvaPauro. (2 VaKorinte 10:10) Nemhaka yeizvo akanga aita munzira yokuzvinyima, iko kunofanira kuva kunoda mwoyo zvakadini!
Avo vakanga vagamuchira rudo rwapachena rwaPauro vaigona sei kuita utsinye zvakadaro uye vanoderedza? Pauro anofanira kuva akanzwa seakanga achiputsanywa, sengarava iri kuvheyeswa nemhepo huru. Kwaizova kuri nyore zvikuru sei kwaari kurega, kunzwa kuti nhamburiko dzake dzomunguva yakapfuura dzakanga dzisina maturo, kana kuti kuva ane pfundepfunde! Chii chakadzikamisa Pauro? Chii chakamudzivisa kuti asaputsanywe nekuora mwoyo?
Rudo Runotibatanidza Pamwe Chete
Pauro haana kusiya panikiro mundangariro dzavaravi vake pamusoro pemanyuko ezvose zviri zviviri simba rake uye kurudziro yake. Iye akanyora, kuti: “Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza.” (2 VaKorinte 5:14) Pauro akanongedzera kumanyuko akatanhamara esimba uye kurudziro. Simba rinogombedzera “rudo rwaKristu.” Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakatsinhira zvinotevera pamusoro porugwaro urwu: “Pauro haatauri kuti kuda kwedu Kristu kunotiita kuti tirambire muushumiri hwedu . . . Ikoko kungave kuri kumira pachiteshi chapakati. Rudo rwedu nokuda kwaKristu runomutswa nokudyiswa nguva dzose nerudo nokutida kwake.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.
Rudo urwo Kristu akaratidzira kupfurikidza nokuzviisa amene kurufu runorwadza padanda rokutambudzira—nenzira iyoyo achipa upenyu hwake hwomunhu hwakakwana sechibayiro chorudzikinuro kuti aponese rudzi rwose rwomunhu runotenda—rwakakurudzira, rwakagombedzera, uye rwakamanikidza Pauro kupfuurira kubatira mufariro dzaKristu uye uhama. Nokudaro, rudo rwaKristu rwakadzora Pauro, ruchimudzivisa kuva noudyire, ndokuganhurira vavariro dzake kubasa raMwari uye ravanhu biyake.
Zvirokwazvo, manyuko ekurudziro iri seri kweupenyu hwokutendeka hwomuKristu rudo rwaKristu. Apo tinotarisana nemiedzo inogona kuva netapuro inonetesa patiri munyama, mundangariro, uye mumudzimu, simba rinogombedzera rerudo rwaKristu runotigonesa kupfuura nhambo iyo mumwe munhu ane kurudziro shoma anorega. Runotipa simba rokutsungirira.
Hatingagoni kutsamira pamirangariro yedu isina kukwana kuti titsigire nokutikurudzira. Ikoku kwakadaro zvikurukuru apo miedzo inouya somugumisiro wekuora mwoyo kana kuti funganyo. Kune rumwe rutivi, rudo rwaKristu rune simba rokutiita kuti tirambe tiri muushumiri hwedu, kutitsigira uye kutikurudzira, pasinei zvapo nemuedzo wedu womunhu oga. Rudo rwaKristu runogonesa muKristu kutsungirira kwete bedzi zvinopfuura kariro dzavamwe asi zvichida kunyange kupfuura kariro dzake amene.
Kupfuurirazve, sezvo rudo rwaKristu ruchigara nokusingaperi, tapuro dzacho hadzitongogumi. Isimba rinogombedzera risingazununguki kana kuti kupera. “Rudo harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:8) Runotigonesa kuramba tichimutevera nokutendeka, pasinei zvapo nechingaitika.
Miedzo yendangariro inopa simba rinogona kutiparadzanisa. Kunokosha sei, naizvozvo, kuti tifungisise nezverudo urwo Kristu akatiratidzira. Rudo rwaKristu ruchatibatanidza pamwe chete. Rudo rwake runotigonesa kudzivisa kuparadzwa kwokutenda kwedu. (1 Timotio 1:14-19) Uyezve, rudo rwaKristu runotigombedzera kuita zvose zvatinogona kurumbidza uyo akaita kuti kuratidzirwa kworudo rwaKristu kubvire, Jehovha Mwari.—VaRoma 5:6-8.