RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Migwagwa yeRoma Mienzaniso Youinjiniya Hwekare
    Nharireyomurindi—2006 | October 15
    • Anenge makore 900 mugwagwa weAppian Way wagadzirwa, mumwe munyori wenhau dzakaitika kare wokuguta reByzantine anonzi Procopius akauti “wakanaka chaizvo.” Nezvematombo aiiswa pamusoro pawo, akanyora kuti: “Pasinei nokuti yave ichifambwa kwenguva yakareba zvikuru nengoro dzakawanda zuva nezuva, haina kumbokanganisika, ichakanaka.”

  • Migwagwa yeRoma Mienzaniso Youinjiniya Hwekare
    Nharireyomurindi—2006 | October 15
    • Kunyange zvakadaro, vaevhangeri vechiKristu vaironga uye vaifamba nzendo dzakawanda dzemadaro akareba. Sezvaingoita vamwe vakararama munguva yake, muapostora Pauro aiwanzofamba nomugungwa paaienda kumabvazuva nezvikepe zvaishandisa mhepo yomugungwa. (Mabasa 14:25, 26; 20:3; 21:1-3) Mugungwa reMediterranean, mhepo inovhuvhuta ichibva kumadokero mumwaka wechirimo. Zvisinei, Pauro paaifamba achienda kumadokero, aiwanzofamba nepanyika yakaoma, achishandisa migwagwa yeRoma. Nenzira iyi, Pauro akaronga rwendo rwake rwoumishinari rwechipiri norwechitatu. (Mabasa 15:36-41; 16:6-8; 17:1, 10; 18:22, 23; 19:1)a Munenge muna 59 C.E., Pauro akafamba nomugwagwa unonzi Appian Way achienda kuRoma uye akasangana nevamwe vake vaainamata navo paAppii Forum, kana kuti paMusika weApiyo, waiva makiromita 74 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweRoma. Vamwe vakanga vakamumirira makiromita 14 pedyo neRoma panzvimbo yokuzororera yainzi Hotera Nhatu. (Mabasa 28:13-15) Munenge muna 60 C.E., Pauro akataura kuti mashoko akanaka akanga aparidzwa “munyika yose” yaizivikanwa panguva iyoyo. (VaKorose 1:6, 23) Migwagwa yaivapo yakabatsira kuti zvidaro.

  • Migwagwa yeRoma Mienzaniso Youinjiniya Hwekare
    Nharireyomurindi—2006 | October 15
    • [Mufananidzo uri papeji 17]

      Pauro akasangana nevamwe vake vaainamata navo pamusika waiitwa zvizhinji weAppii Forum, kana kuti Musika weApiyo

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe