Munhu Ane Makore Anopfuura Zana Ane Chinangwa Muupenyu
ELIN mumwe wevanhu 60 vari muSweden vakanzi munguva ichangopfuura iyi vane makore 105 kana kuti anopfuura. Iye pachake ane makore 105. Kunyange zvazvo achigara mumusha waasingagoni kubva unochengeterwa vakwegura, utano hwake hunomugonesa kuramba achishumira seChapupu chaJehovha chinoshingaira, upenyu hwaakasarudza makore anodarika 60 apfuura.
Paanoparidzira vamwe, Elin anotevedzera muenzaniso waPauro paainge asingabvumirwi kubva pamba paaigara. Pauro aiparidzira vose vaimushanyira. (Mabasa 28:16, 30, 31) Saizvozvowo, Elin anoshandisa mukana wose kutaura nevanochenesa, vanachiremba vemazino nevezvimwewo, vanogadzira bvudzi, vanamukoti, nevamwe vaanosangana navo pamusha uyu achivaudza mashoko akanaka anobva muBhaibheri. Nguva nenguva, vanonamata naElin vari muungano make vanokumbira vavanodzidza navo Bhaibheri kuti vaende vose kuna Elin kuti vanobatsirwa noruzivo rwake.
Nhengo dzeungano yaElin dzinoyemura unhu hwake hwokufara uye kuda kuziva. Chimwe Chapupu chinoti: “Zvinoshamisa kuti ane mano okufambirana nezvinenge zvichiitika muungano. Anoyeuka mazita evana vose uye evatsva vachangotamira muungano.” Elin anozivikanwawo nokuva nomutsa, kufara, uye kuva nechivimbo muupenyu.
Chii chinobatsira Elin kuti arambe achifara uye kuramba achiziva chinangwa chake muupenyu? Anoverenga ndima yoRugwaro zuva nezuva kubva mukabhuku keKunzvera Magwaro Zuva Nezuva, kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Achibatsirwa negirazi rinokudza mabhii, anoverenga chikamu chemashoko omuBhaibheri mazuva ose. Elin anogadzirira misangano yose yevhiki nevhiki yeZvapupu zvaJehovha, uye kunyange asingakwanisi kunopinda misangano yacho, anoteerera misangano yose yakarekodhwa. Kugara tichiverenga Bhaibheri nemabhuku anotaura nezveBhaibheri uye kuramba tichipinda misangano zvinogona kutibatsira kuti tirarame upenyu hunogutsa uye hune chinangwa pasinei zvapo nezera redu.—Pisarema 1:2; VaHebheru 10:24, 25.