-
Kupa “Uchapupu Hwakasimba”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
‘Kuparidza Umambo hwaMwari’ (Mabasa 28:30, 31)
19. Pauro akashandisa sei zvakanaka nguva yake yaakanga ari muusungwa?
19 Ruka anopedzisa nyaya yake nemashoko anokurudzira ekuti: “[Pauro] akagara ipapo kwemakore maviri akazara ari mumba yake ega yaibhadharwa, uye aigamuchira zvakanaka vese vaimushanyira, achivaparidzira Umambo hwaMwari uye achivadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu, achitaura akasununguka, pasina anomurambidza.” (Mab. 28:30, 31) Tinodzidza zvakawanda pakushingaira kwake, kutenda kwake uye kutambira vanhu zvakanaka!
20, 21. Ndivanaani vamwe vakabatsirwa neushumiri hwaPauro ari muRoma?
20 Mumwe wevanhu vakatambirwa zvakanaka naPauro ndiOnisimo, aibva kuKorose, ari muranda aitiza tenzi wake. Pauro akabatsira Onisimo kuva muKristu, Onisimo wachowo akazova ‘hama yaPauro yakatendeka uye inodiwa.’ Pauro akatotaura nezvake achimuti “mwana wangu wandakava baba vake.” (VaK. 4:9; Fir. 10-12) Onisimo anofanira kunge aiva munhu aikurudzira Pauro zvikuru!a
21 Pane vamwewo vakabatsirwa nezvaiitwa naPauro. Akanyorera vaFiripi kuti: “Zviri kuitika kwandiri zvatozoita kuti mashoko akanaka afambire mberi, zvekuti kusungwa kwangu nekuda kwaKristu kwava kuzivikanwa neVarindi veMuzinda waMambo vese nevamwe vanhu vese. Hama dzakawanda munaShe dzava nechivimbo pamusana pekusungwa kwandakaitwa, uye dzava kutonyanya kuratidza ushingi pakutaura shoko raMwari dzisingatyi.”—VaF. 1:12-14.
-
-
Kupa “Uchapupu Hwakasimba”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
25, 26. Pauro akaona uprofita hupi hunoshamisa huchizadziswa pasati patombosvika makore 30, uye izvi zvakafanana papi nezviri kuitika mazuva ano?
25 Zvinofadza sei kuti bhuku raMabasa rinopedzisa richitaura nezvemuapostora waKristu ari kugara mumba semusungwa ‘achiparidzira Umambo hwaMwari’ kuvanhu vese vaimushanyira! Muchitsauko chekutanga, takaverenga nezvemashoko aJesu achipa vateveri vake basa achiti: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Iye zvino pasati papera makore 30, mashoko eUmambo akanga “aparidzirwa zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.”d (VaK. 1:23) Mweya mutsvene une simba zvechokwadi!—Zek. 4:6.
-