-
Kupa Vakawanda Zvokudya Pachishandiswa VashomaNharireyomurindi—2013 | July 15
-
-
8. Vatendi vatsva vaiva paPendekosti vakaratidza sei kuti vakanyatsoona nzira yaishandiswa naKristu?
8 Kubva paPendekosti ya33 C.E., Kristu akanga amutswa akashandisa vaapostora vake kupa zvokudya vamwe vadzidzi vake vose vakazodzwa. (Verenga Mabasa 2:41, 42.) VaJudha nevamwe vainge vatendeukira kuchiJudha ndokuva vaKristu vakazodzwa nemudzimu pazuva iroro, vakanyatsoona kuti iyi ndiyo nzira yaaishandisa. Vasingazezi, “vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora.” Maererano neimwe nyanzvi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vakaramba vachizvipira” rinogona kureva “kuva akavimbika uye kutsigira zvakasimba chinhu chimwe chete.” Vatendi vatsva ava vaiva nenzara yakasimba yezvokudya zvokunamata uye vainyatsoziva kwokuzviwana. Vaivimba zvakasimba nevaapostora kuti vavatsanangurire mashoko nemabasa aJesu uye kuti vavajekesere zvairehwa nemagwaro aitaura nezvake.c—Mab. 2:22-36.
-
-
Kupa Vakawanda Zvokudya Pachishandiswa VashomaNharireyomurindi—2013 | July 15
-
-
c Ndima 8: Mashoko okuti vatendi vatsva “vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora” anoratidza kuti vaapostora vaigara vachiita basa rokudzidzisa. Zvimwe zvaidzidziswa nevaapostora zvakanyorwa mumabhuku akafuridzirwa ayo ava chikamu cheMagwaro echiKristu echiGiriki.
-