-
Simba Rekudzorera Zvinhu Zvese—Ari “Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
3. Itariro ipi inonyaradza inotaurwa pana Mabasa 3:21, uye Jehovha achashandisa chii kuti aizadzise?
3 Saka zvinotinyaradza zvikuru kudzidza nezvesimba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaiva! Muchitsauko chino, tichaona kuti zvinhu zvichadzorerwa naMwari kuvana vake pasi pano zvakawanda zvinoshamisa. Bhaibheri rinotoratidza kuti Jehovha ane chinangwa chekudzorera “zvinhu zvese.” (Mabasa 3:21) Kuti aite izvozvo, Jehovha achashandisa Umambo hwaMesiya, hunotongwa neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Pane uchapupu hunoratidza kuti Umambo uhwu hwakatanga kutonga kudenga muna 1914.a (Mateu 24:3-14) Zvinhu zvipi zvichadzorerwa pazvaiva neUmambo hwaMwari? Ngatimbotaura nezvezvimwe zvinhu zvikuru zvinoratidza simba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaiva. Chimwe chezvinhu izvi tava kutochiona uye tiri kutobatsirwa nacho. Zvimwe zvacho zvichaitika mune ramangwana.
-
-
Simba Rekudzorera Zvinhu Zvese—Ari “Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
a “Nguva ichadzorerwa zvinhu zvese” yakatanga pakagadzwa Umambo hwaMesiya uyo akagara nhaka yamambo akanga akatendeka, Dhavhidhi. Jehovha akanga avimbisa Dhavhidhi kuti munhu aizomugara nhaka aizotonga nekusingaperi. (Pisarema 89:35-37) Asi kubvira pakaparadzwa Jerusarema neumambo hweBhabhironi muna 607 B.C.E., hapana munhu wedzinza raDhavhidhi akazombogara pachigaro chaMwari cheUmambo. Jesu, uyo akaberekerwa mudzinza raDhavhidhi pasi pano, ndiye akazova Mambo weUmambo hwaMwari kudenga sezvakanga zvagara zvavimbiswa.
-