RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Vanhuwo Zvavo, Vasina Kudzidza’
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • 18. Vanhu vemuungano yekuJerusarema vaibatsirana sei?

      18 Ungano yakanga ichangotanga muJerusarema yakawedzera nekukurumidza zvekutosvika vanhu vanopfuura 5 000.d Vadzidzi vakanga “vaine mwoyo nemweya mumwe,” pasinei nekuti vaibva kwakasiyana-siyana. Vakanga vakabatana pamafungiro avo. (Mab. 4:32; 1 VaK. 1:10) Vadzidzi havana kungogumira pakunyengetera kuti Jehovha akomborere basa ravo. Vakatsigirana pakunamata uye pazvinhu zvekurarama nazvo. (1 Joh. 3:16-18) Tinoona izvozvo pane zvakaitwa nemudzidzi Josefa, ainziwo Bhanabhasi nevaapostora; akatengesa munda wake akapa ungano mari yacho yese kuti vaya vakanga vabva kunzvimbo dziri kure neJerusarema vabatsirike pavakanga vachiwedzera kudzidza nezvezvinhu zvavakanga vava kutenda.

  • ‘Vanhuwo Zvavo, Vasina Kudzidza’
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • d Makore iwayo kwaingova nevaFarisi vangasvika 6 000 chete uye vaSadhusi vashomanana. Ichi chinogona kunge chiri chimwe chikonzero chakaita kuti vanzwe godo nedzidziso dzaJesu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe