Jehovha Ndiye Mutongi Wedu!
“Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—MABASA 5:29, “NW.”
1, 2. Inzvimboi yavaapostora iyo Zvapupu zvaJehovha zvinotora apo mirairo yavanhu inorwisana nokuda kwaMwari?
JEHOVHA MWARI akanga abvumira varume 12 kuti vaendeswe pamberi pedare guru. Gore racho rakanga riri 33 N.V., uye dare rakanga riri reSanhedrini yechiJudha. Vakanga vachitongwa vakanga vari vaapostora vaJesu Kristu. Teerera! ‘Takakurairai kuti murege kudzidzisa pamusoro pezita iri,’ anodaro muprista mukuru, ‘asi mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu.’ Panguva iyoyo, Petro navamwe vaapostora vanozivisa, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.” (Mabasa 5:27-29, NW) Chaizvoizvo, ivo vakati: “Jehovha ndiye Mutongi wedu!”
2 Hungu, Jehovha ndiye Mutongi wavateveri vechokwadi vaJesu. Ikoku kunojekeswa mubhuku reBhaibheri raMabasa aVaapostora, rakanyorwa muRoma munenge muna 61 N.V. na“Ruka n’anga inodikanwa.” (VaKorose 4:14) Kufanana navaapostora, vanhu vaJehovha nhasi vanoteerera Mutongi wavo wokudenga apo mirairo yavanhu inorwisana nokuda kwake. Asika chiizve chatinogona kudzidza muna Mabasa? (Mufundo yomunhu oga, tinokarakadza kuti urave zvikamu zvebhuku zvakaratidzwa munongedzero nhema.)
Jesu Anotuma Zvapupu
3. Apo vateveri vaJesu vaka“bhapatidzwa mumudzimu mutsvene,” chii chakanga chiri itiro hanya yavo huru?
3 Vaapostora vaigona kumira zvakasimba nokuda kwaMwari nemhaka yokuti vakanga vasimbiswa mumudzimu. Kristu akafira padanda rokutambudzira, asi vaiziva kuti akanga amutswa. (1:1-5) Jesu “akazviratidza amene ari mupenyu” uye akadzidzisa zvokwadi dzoUmambo ari mumiviri yakapfekwa mumazuva 40 ose. Akaudzawo vadzidzi vake kumira muJerusarema nokuda kworubhapatidzo “mumudzimu mutsvene.” Ipapo kuparidzira kwaizova itiro hanya yavo huru, sezvazvakaita nokuda kweZvapupu zvaJehovha nhasi.—Ruka 24:27, 49; Johane 20:19–21:24.
4. Chii chaizoitika apo mudzimu mutsvene wakasvika pavateveri vaJesu?
4 Vasati vabhapatidzwa mumudzimu mutsvene, vaapostora vakafunga zvisina kururama nezvokutonga kwapasi kugumisa udzori hweRoma apo vakabvunza, kuti: “Ishe modzosera ushe kuna Israeri panguva ino here?” (1:6-8) Chaizvoizvo, Jesu akati kwete, nokuti ‘kwakanga kusiri kwavo kuziva nguva nemwaka.’ ‘Apo mudzimu mutsvene wakasvika pamusoro pavo,’ waizovapa simba rokupupurira pamusoro poUmambo hwaMwari hwokudenga, kwete hwapasi rino. Vaizoparidzira muJerusarema, Judhea, uye Samaria, “nokusvikira kumugumo wenyika.” Nebetsero yomudzimu, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa rakadaro pamwero unopoteredza pasi rose muano mazuva okupedzisira.
5. Jesu aizouya sei munzira imwe cheteyo yaakaenda nayo?
5 Jesu akanga achangobva kupa basa iroro rokuparidzira munyika yose apo akatanga kukwira kudenga. Kukwira ikoko kwakatanga nokufamba achikwira achibva kuvadzidzi vake, uye gare gare Jesu akapinda pamberi poMutongi wake wokudenga uye mubasa munzvimbo yemidzimu. (1:9-11) Pashure pokunge gore ravhara kuona kwavaapostora Jesu, akapfekenura muviri wake wenyama. Ngirozi mbiri dzakaoneka ndokutaura kuti iye ‘aizouya nomutoo mumwe chetewo.’ Uye kwakadaro. Vadzidzi vaJesu bedzi vakamuona achienda, kunyange sezvo Zvapupu zvaJehovha bedzi zvichicherekedza kudzoka kwake kusingaoneki.
Jehovha Anoita Chisarudzo
6. Mutsivi akasarudzwa sei nokuda kwaJudhasi Iskarioti?
6 Nokukurumidza vaapostora vakanga vadzokera muJerusarema. (1:12-26) Mukamuri rapamusoro (zvichida muimba yamai vaMarko, Maria), vaapostora 11 vakavimbika vakapfuurira mumunyengetero navanun’una kuna mai vaJesu, vamwe vadzidzi vake, uye mai vake, Maria. (Marko 6:3; Jakobho 1:1) Asi ndiani aizogamuchira “nzvimbo youtarisiri” yaJudhasi? (Pisarema 109:8) Vanenge vadzidzi 120 vaivapo apo Mwari akasarudza murume kuti atsive mushambadzi waJesu, Judhasi, achidzorera chiverengero chavaapostora ku 12. Chisarudzo chaifanira kuva uyo akanga ari mudzidzi mukati menguva youshumiri hwaJesu nechapupu chorumuko rwake. Chokwadika, murume wacho aifanira kubvumawo Jehovha soMutongi wake. Pashure pomunyengetero, mijenya yakakandwa pamusoro paMatia naJosefa Bharsabha. Mwari akaita kuti mijenya iwire pana Matia.—Zvirevo 16:33.
7. (a) Kwakadaro sei kuti Judhasi “akatengesa munda nomutengo wokusarurama”? (b) Judhasi akafa sei?
7 Judhasi Iskarioti zvamazvirokwazvo akanga asina kubvuma Jehovha soMutongi wake. Chokwadi, akanga ashambadza Mwanakomana waMwari nokuda kwezvidimbu 30 zvesirivha! Judhasi akadzorera mari iyoyo kuvaprista vakuru, asi Petro akataura kuti mushambadzi “wakatenga munda nomutengo wokusarurama.” Seiko? Eya, iye akagovera mari nechikonzero chokutenga “Munda Weropa,” sezvawakadanwa. Wakaziviswa nenzvimbo yakati sandara parutivi rwokumaodzanyemba kwoMupata waHinomi. Ukama hwake noMutongi wokudenga hwaparadzwa chose chose, Judhasi “akazvisungirira.” (Mateo 27:3-10) Zvichida tambo kana kuti gavi rakadimbuka, zvokuti ‘akawira pasi nomusoro, akaparuka napakati noruzha’ apo akaputsikira pamatombo akapinza. Ngaparege kuva nomumwe wedu angava hama yenhema!
Vakazadzwa Nomudzimu Mutsvene
8. Vadzidzi vaJesu vakabhapatidzwa rini mumudzimu mutsvene, uye nomuuyoi?
8 Zvakadiniko norubhapatidzo rwakapikirwa mumudzimu mutsvene? Rwakaitika paPentekosta ya 33 N.V., mazuva gumi pashure pokukwira kwaJesu. (2:1-4) Rubhapatidzo irworwo rwakanga rwuri chinoitika chinofadza zvakadini! Fungidzira chiono chacho. Vadzidzi vanenge 120 vakanga vari mukamuri rapamusoro apo ‘kamwe kamwe kudenga kwakabva kutinhira kwakafanana nokuye kwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakazadza imba.’ Yakanga isiri mhepo, asi kwakanzwika saiyo. Rurimi “rwunenge rwomwoto” rwakamhara pamudzidzi mumwe nomumwe nomuapostora. “Vose vakazadzwa no[mudzimu mutsvene, NW] ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi.” Apo rubhapatidzo irworwo rwakaitika, vakaberekwawo nomudzimu mutsvene, vakazodzwa, uye vakaiswa chisimbiso muchiratidzo chenhaka yomudzimu.—Johane 3:3, 5; 2 VaKorinte 1:21, 22; 1 Johane 2:20.
9. Vadzidzi vakazadzwa nomudzimu vakataura pamusoro pechii?
9 Ichi chinoitika chakatapura vaJudha navaproserite muJerusarema vakabva ‘murudzi rwuri rwose pasi pedenga.’ (2:5-13) Vashamiswa, vakabvunza, kuti: ‘Kunodaro seiko kuti mumwe nomumwe wedu ari kunzwa mumutauro wake?’ Rungava rurimi rwenzvimbo dzakadai seMedhia (kumabvazuva kweJudhea), Firigia (muAsia Minor), uye Roma (muEurope). Sezvo vadzidzi vakataura mumitauro yakasiana-siana “pamusoro pezvinhu zvakaisvonaka zvaMwari,” vateereri vazhinji vakashamiswa, asi vaseki vakakarakadza kuti vakanga vadhakwa.
Petro Anopa Uchapupu Hunonyandura
10. Chinoitika chapaPentekosta ya 33 N.V. chakazadzika uporofitai, uye ihwohwu huchine wirirano yomuzuva razvino uno here?
10 Petro akavamba kupupurira kupfurikidza nokuratidza kuti nguva yepfumbamwe mangwanani kwaiva kukurumidza zvikuru kudhakwa. (2:14-21) Panzvimbo pezvo, ichi chinoitika chakanga chiri zadziko yechipikirwa chaMwari chokudururira mudzimu mutsvene pavanhu vake. Mwari akafuridzira Petro kunongedzera kunguva yedu kupfurikidza nokuwedzera mashoko okuti “mumazuva okupedzisira” uye “vachaporofita.” (Joere 2:28-32) Jehovha aizopa zvinoshamisa mudenga nezviratidzo pasi pano pamberi pezuva rake guru, uye avo bedzi vanodana pazita rake mukutenda vaizoponeswa. Kudururwa kwakafanana kwomudzimu pavakazodzwa nhasi kwakavagonesa “kuporofita” nesimba guru nokusanoita nhasi.
11. Pamusoro paJesu, chii chakaitwa navaJudha uye naMwari?
11 Petro akatevera kuzivisa Mesia. (2:22-28) Mwari akapupurira kuva Mesia kwaJesu kupfurikidza nokumugonesa kuita mabasa esimba, zviratidzo, uye zvinoshamisa. (VaHebheru 2:3, 4) Asi vaJudha vakamuita kuti asungirirwe padanda “noruoko rwavanhu vasingateereri mutemo,” vaRoma vasingateereri mutemo waMwari. Jesu “akapiwa nezano rakasimba nokudeya kuziva kwaMwari,” mukuti ikoku kwakanga kuri kuda kwoumwari. Mwari akamutsa Jesu, zvisinei, uye akarasa muviri wake wohunhu nenzira yakadaro zvokuti hauna kuora.—Pisarema 16:8-11, NW.
12. Dhavhidhi akadeya kuonei, uye ruponeso runotsamira pachii?
12 Uporofita hwoUmesia hwakasimbiswazve sezvo uchapupu hwaPetro hwakapfuurira. (2:29-36) Akataura kuti Dhavhidhi akadeya kuona rumuko rwomwanakomana wake mukurusa, Jesu Mesia. Ari panzvimbo yakakwirira kuruoko rworudyi rwaMwari mudenga, Jesu akanga adurura mudzimu mutsvene wakagamuchirwa uchibva kuna Baba vake. (Pisarema 110:1) Vanzwi vaPetro ‘vakaona uye vakanzwa’ kushanda kwawo mukucherekedza ndimi dzakaita sedzemwoto pamisoro yavadzidzi uye vachinzwa mitauro yechienzi yavaitaura. Akaratidzawo kuti ruponeso runotsamira pakubvuma Jesu saIshe naMesia.—VaRoma 10:9; VaFiripi 2:9-11.
Jehovha Anopa Wedzero
13. (a) Kuti vabhapatidzwe zvakafanira, vaJudha navaproserite vaifanira kubvumei? (b) Vangani vakabhapatidzwa, uye nomuuyoi muJerusarema?
13 Mashoko aPetro akashanda sei! (2:37-42) Vanzwi vake vakabaiwa kusvikira pamwoyo nokuda kwokuva vakabvuma kuurawa kwaMesia. Naizvozvo akakurudzira, kuti: “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa cho[mudzimu mutsvene, NW].” VaJudha navaproserite vaitobvuma Jehovha saMwari nokuda kwavo mudzimu wake. Zvino vaidikanirwa kutendeuka ndokugamuchira Jesu saMesia kuti vagobhapatidzwa muzita (kuziva nzvimbo nokushanda) zvaBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene. (Mateo 28:19, 20) Kupfurikidza nokupupurira kuvaJudha ivavo navaproserite, Petro akashandisa kiyi yomudzimu yokutanga iyo Jesu akamupa kuti azarure suo rezivo nebanza nokuda kwavaJudha vanotenda rokupinda muUmambo hwokudenga. (Mateo 16:19) Pazuva rimwe iroro, vane 3 000 vakabhapatidzwa! Fungidzira zvapupu zvakawanda kudaro zvaJehovha zvichiparidzira mundima duku yeJerusarema!
14. Vatendi vakagoverana “zvinhu zvose” nei uye munzirai?
14 Vazhinji vakabva kunzvimbo dziri kure vakashaiwa mbuva dzokugara kwakareba asi vaishuva kudzidza zvizhinji pamusoro pokutenda kwavo kutsva ndokuparidzira kuna vamwe. Naizvozvo vateveri vapakuvamba vaJesu vakabetserana norudo, kunyange sezvinoita Zvapupu zvaJehovha nhasi. (2:43-47) Vatendi kwechinguvana vakava “nezvinhu zvose.” Vamwe vakatengesa pfuma, uye mari dzakagoverwa kuupi noupi aishaiwa. Ikoku kwakaita kuti ungano ive nokutanga kwakaisvonaka sezvo ‘Jehovha akabatanidza kwavari zuva nezuva avo vaiponeswa.’
Kuporesa Nemiuyo Yako
15. Chii chakaitika sezvo Petro naJohane vakapinda mutembere, uye vanhu vakaita sei?
15 Jehovha akatsigira vateveri vaJesu kupfurikidza ne“zviratidzo.” (3:1-10) Nokudaro, sezvo Petro naJohane vakapinda mutembere pa 3:00 p.m. nokuda kweawa yomunyengetero wakabatanidzwa nechibairo chamadekwana, mumwe murume waikamhina kubva pakuberekwa akanga ari pedyo neSuo Rakanaka achikumbira “zvipo zvengoni.” ‘Sirivha nendarama handina,’ akadaro Petro, ‘asi chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu weNazareta, famba!’ Murume wacho akaporeswa kamwe kamwe! Sezvaakapinda mutembere “akafamba achipembera achirumbidza Mwari,” vanhu ‘vakazadzwa nomufaro.’ Zvichida vamwe vakayeuka mashoko, okuti: “Vanokamhina vachakwakuka senondo.”—Isaya 35:6.
16. Vaapostora vakagona sei kuporesa murume anokamhina?
16 Vanhu vakashamiswa vakaungana pabiravira raSoromoni, berere rakafukidzwa raiva parutivi rwokumabvazuva rwetembere. Ipapo Petro akapa uchapupu. (3:11-18) Akaratidza kuti Mwari akapa simba vaapostora rokurapa murume anokamhina kupfurikidza noMubatiri Wake akapiwa mbiri, Jesu. (Isaya 52:13–53:12) VaJudha vakaramba “uyo mutsvene nowakarurama;” kunyanguvezvo, Jehovha akamumutsa. Kunyange zvazvo vanhu navatongi vavo vasina kuziva kuti vakanga vari kuuraya Mesia, Mwari nokudaro akazadzika mashoko ouporofita okuti “Kristu wake aizotambura.”—Dhanieri 9:26, NW.
17. (a) Chiitoi icho vaJudha vaifanira kuita? (b) Chii chakaitika chibviro cho‘kutumwa kwaKristu’ muzuva redu?
17 Nokuda kwokubata kwavo Mesia, Petro akaratidza vaJudha chavaifanira kuita. (3:19-26) Vaidikanirwa “kutendeuka,” kana kuti kunzwa urombo pamusoro pezvivi zvavo, uye “kutendeuka,” kana kuti kutendeutswa, vachitora nzira yakapesana. Kana vakashandisa kutenda muna Jesu saMesia, vachigamuchira rudzikinuro, zorodzo yaizouya kwavari ichibva kuna Jehovha saavo vakakanganwirwa zvivi. (VaRoma 5:6-11) VaJudha vakayeuchidzwa kuti vakanga vari vanakomana vesungano iyo Mwari akaita namadzisekuru avo, achiudza Abrahama, kuti: “Mumbeu yako mhuri dzose dzapasi dzichakomborerwa.” Naizvozvo Mwari akatanga kutumira Mubatiri Wake woUmesia kuzonunura vaJudha vanopfidza. Nenzira inofadza, chibviro cho‘kutumwa kwaKristu’ ari musimba roUmambo hwokudenga muna 1914, kwave kune kudzorerwa kunozorodza kwezvokwadi nesangano roubati ushe hwoumwari pakati peZvapupu zvaJehovha.—Genesi 12:3; 18:18; 22:18, NW.
Havasati Vaizorega!
18. “Ibwe”i rakarambwa na“vavaki” vechiJudha, uye ndimuna ani bedzi mune ruponeso?
18 Vashatirwa kuti Petro naJohane vakazivisa rumuko rwaJesu, vaprista vakuru, mukuru wetembere, uye vaSadhuse vakavaisa mutorongo. (4:1-12) VaSadhuse vakanga vasingadaviri murumuko, asi vamwe vazhinji vakava vatendi, varume voga vachisvika 5 000. Apo vakabvunzwa pamberi pedare rapamusoro reJerusarema, Petro akataura kuti murume anokamhina akarapwa “muzita raJesu Kristu weNazareta,” akarovererwa navo asi akamutswa naMwari. Iri “ibwe” rakarambwa “navavaki” vechiJudha rakanga rava “musoro wekona.” (Pisarema 118:22) “Uyezve,” akadaro Petro, “hakuna kuponeswa kuno mumwe.”
19. Pavakarairwa kurega kuparidzira, vaapostora vakapindura sei?
19 Kuedza kwakaitwa kumisa hurukuro yakadaro. (4:13-22) Murume akanga arapwa aripo, kwakanga kusingabviri kuramba ichi “chiratidzo chinoonekwa,” asi Petro naJohane vakarairwa kuti ‘varege kutaura munzvimbo ipi neipi kana kuti kudzidzisa pamusoro pezita raJesu.’ Mhinduro yavo? ‘Hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nokunzwa.’ Vakateerera Jehovha soMutongi wavo!
Minyengetero Inopindurwa!
20. Vadzidzi vakanyengetera nokuda kwechii, uye nomuuyoi?
20 Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichinyengetera pamisangano, naizvozvo vadzidzi vakanyengetera apo vaapostora vakasunungurwa vakashuma chakanga chaitika kwavari. (4:23-31) Kwakacherekedzwa kuti vatongi Herodhe Antipasi naPontio Pirato, pamwe chete navaRoma Vamarudzi navanhu vaIsraeri, vakanga vaungana pamwe chete vachirwisana naMesia. (Pisarema 2:1, 2; Ruka 23:1-12) Mumhinduro kumunyengetero, Jehovha akazadza vadzidzi nomudzimu mutsvene, zvokuti vakataura shoko raMwari noushingi. Mutongi wavo haana kukumbirwa kugumisa chitambudzo asi kuvagonesa kuparidzira noushingi pasinei zvapo nacho.
21. Ndiani akanga ari Bharnabhasi, uye mavarai aakanga anawo?
21 Vatendi vakapfuurira kugoverana zvinhu zvose, uye hapana mumwe aishaiwa. (4:32-37) Mumwe mugoveri akanga ari muRevhi Josefa weKupro. Vaapostora vakamupa zita rorudzi rokuti Bharnabhasi, kureva kuti “Mwanakomana Wenyaradzo,” sezvingabvira nemhaka yokuti akanga ari webetsero naane mutsa. Zvamazvirokwazvo, tose zvedu tinoda kuva rudzi irworwo rwomunhu.—Mabasa 11:22-24.
Varevi Venhema Vanofumurwa
22, 23. Chii chakanga chiri chivi chaAnaniasi naSafira, uye tinogona sei kubetserwa nechinoitika chavo?
22 Ananiasi nomudzimai wake, Safira, zvisinei, vanorega kubvuma Jehovha soMutongi wavo. (5:1-11) Vakatengesa munda ndokuchengeta imwe mari vachinyepedzera kupa vaapostora yose. Zivo yakapiwa nomudzimu waMwari yakagonesa Petro kuziva unyengeri hwavo, kuchitungamirira kurufu rwavo. Inyevero yakadini kuavo Satani anoedza kuva vanonyengera!—Zvirevo 3:32; 6:16-19.
23 Pashure peichi chinoitika, hapana munhu aiva nevavariro dzakaipa akanga ane ushingi hwokukumbanira vadzidzi. Vamwe vakava vatendi. (5:12-16) Uyezve, sezvo vanorwara naavo vaitambudzwa nemidzimu isina kuchena vakaisa kutenda musimba raMwari, ‘vose vakarapwa.’
Teerera Mwari Panzvimbo Pavanhu
24, 25. Neiko vatungamiriri vechiJudha vakatambudza vaapostora, asi mupimoi wakagadza vakatendeka ava nokuda kwavabatiri vose vaJehovha?
24 Muprista mukuru navaSadhuse zvino vakaedza kudzivisa ukuru hunoshamisa kupfurikidza nokuisa mutorongo vaapostora vose. (5:17-25) Asi usiku ihwohwo ngirozi yaMwari yakavasunungura. Uye pakubuda kwezuva vakanga vachidzidzisa mutembere! Chitambudzo hachigoni kumisa vabatiri vaJehovha.
25 Bva, dzvinyiriro yakashandiswa apo vaapostora vakaendeswa pamberi paSanhedrini. (5:26-42) Varairwa kurega kudzidzisa, zvisinei, vakataura, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.” Ikoku kwakagadza mupimo nokuda kwavadzidzi vaJesu, uyo unoteverwa neZvapupu zvaJehovha nhasi. Pashure penyevero yakabva kumudzidzisi woMutemo Gamarieri, vatungamiriri vakarova vaapostora, vakavaraira kuti varege kuparidzira, uye vakavasunungura.
26. Ushumiri hwavaapostora hunoenzana sei nouhwo hweZvapupu zvaJehovha nhasi?
26 Vaapostora vakafara kuti vakanga varangarirwa kuva vakafanirwa nokuzvidzwa nokuda kwezita raJesu. “Uye zuva riri rose mutembere napaimba neimba vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka.” Hungu, vakanga vari vashumiri vapaimba neimba. Ndozvakaitawo Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvaMwari, izvo zvakagamuchirawo mudzimu wake nemhaka yokuti zvinomuteerera ndokuti, “Jehovha ndiye Mutongi wedu!”
Ungapindura Sei?
◻ Ibasai rinofanira kuitwa navateveri vaJesu, vomunguva yakapfuura navazvino?
◻ Chii chakaitika pazuva rePentekosta ya 33 N.V.?
◻ Petro akashandisa rini uye sei kiyi yokutanga yomudzimu iyo Jesu akamupa?
◻ Chii chatinogona kudzidza muchinoitika chaAnaniasi naSafira?
◻ Pavakarairwa kurega kuparidzira, mupimoi wakagadza vaapostora nokuda kwavose veZvapupu zvaJehovha?