-
Bharnabhasi—“Mwanakomana Wokunyaradza”Nharireyomurindi—1998 | April 15
-
-
Nokukurumidza pashure pePendekosti ya33 C.E., Bharnabhasi, uyo akanga ari muRevhi aibva kuKupro, akatengesa nokuzvidira imwe nzvimbo ndokupa mari yacho kuvaapostora. Nei akaita izvozvo? Nhoroondo iri muna Mabasa inotiudza kuti pakati pevaKristu vaiva muJerusarema panguva iyoyo, “mumwe nomumwe akagoverwa paakashayiwa napo.” Sezviri pachena Bharnabhasi akaona kuti pakanga pane kushayiwa, uye akaita chimwe chinhu pamusoro pacho nomwoyo unofara. (Mabasa 4:34-37) Angava akanga ari murume akapfuma, asi haana kuzengurira kupa zvingava zvinhu zvake zvokunyama kana kuti kuzvipa iye nokuda kwokufambisira mberi fariro dzoUmambo.b “Kwose kwose uko Bharnabhasi aiwana vanhu kana kuti mamiriro ezvinhu aida kurudziro, aipa kurudziro yose yaaikwanisa,” inodaro nyanzvi F. F. Bruce. Izvi zvinooneka munhoroondo yechipiri maanooneka.
-
-
Bharnabhasi—“Mwanakomana Wokunyaradza”Nharireyomurindi—1998 | April 15
-
-
b Vachirangarira zvakanga zvatangwa noMutemo waMosesi, vamwe vakabvunza kuti Bharnabhasi, muRevhi, akasvika sei pakuva nomunda. (Numeri 18:20) Zvinofanira kucherekedzwa, zvisinei, kuti hazvina kujeka kana munda wacho wakanga uri muParestina kana kuti muKupro. Uyezve, zvinobvira kuti iyi yakanga ichingova nzvimbo yokuviga iyo Bharnabhasi akanga awana munharaunda yeJerusarema. Chipi kana chipi chingava chiitiko chacho, Bharnabhasi akarega munda wake kuti abetsere vamwe.
-