RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 6. Tinoteerera murayiro watakapiwa naMwari wekuti tiparidze

      Makore akatanga chiKristu, vavengi vakaedza kumisa basa rekuparidza raiitwa nevateveri vaJesu. VaKristu vakarwira kodzero yavo yekuparidza “mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.” (VaFiripi 1:7) Ndizvo zvinoitwawo neZvapupu zvaJehovha.a

      Ngationei VHIDHIYO.

      VHIDHIYO: Kurwira Kodzero Yekuparidza Mashoko Akanaka (2:28)

      Verengai Mabasa 5:27-42, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Nei tisingafaniri kumira kuparidza?—Ona vhesi 29, 38, ne39.

  • Kusava Nedivi Ratinotsigira Kunorevei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Kusava Nedivi Ratinotsigira Kunorevei?

      Jesu akadzidzisa kuti vateveri vake vanofanira kunge ‘vasiri venyika.’ (Johani 15:19) Izvi zvinosanganisira kusapindira mune zvematongerwo enyika uye muhondo. Chokwadi ndechekuti hapasi pese pazviri nyore kusava nedivi raunotsigira. Tinogona kutosekwa nevamwe. Tingaita sei kuti tisava nekwatakarerekera toramba takavimbika kuna Jehovha Mwari?

      1. VaKristu vechokwadi vanoona sei hurumende dzevanhu?

      VaKristu vanoremekedza hurumende. Tinoita zvakataurwa naJesu paakati, “dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari.” Izvi zvinoreva kuti tinoteerera mitemo yemunyika dzatinogara, yakadai seiya inotaura kuti tibhadhare mitero. (Mako 12:17) Bhaibheri rinodzidzisa kuti hurumende dzevanhu dzinotonga nekuti Jehovha ndiye akadzibvumira kutonga. (VaRoma 13:1) Saka tinoziva kuti masimba ehurumende ane paanogumira. Tinotenda kuti Mwari ndiye achagadzirisa matambudziko ari panyika achishandisa Umambo hwake hwekudenga.

      2. Tingaratidza sei kuti hatina divi ratakarerekera?

      Jesu akanga asingapindire mune zvematongerwo enyika uye ndiye watinotevedzera. Mumwe musi vanhu pavakaona chishamiso chakanga chaitwa naJesu vakaedza kumuita mambo wavo pasi pano, asi akavatiza. (Johani 6:15) Akazviitirei? Chikonzero chacho ndicho chaakazotaura paakati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Sevadzidzi vaJesu tinoratidza nenzira dzinoverengeka kuti hatina kwatakarerekera. Imwe yacho ndeyekuti hatipindire muhondo. (Verengai Mika 4:3.) Tinoremekedza micherechedzo yenyika yakadai semireza, asi hatiisarute nekuti hazvina kumbosiyana nekuinamata. (1 Johani 5:21) Hatitsigiri kana kupikisa rimwe bato rezvematongerwo enyika kana kuti munhu anenge achida kuvhoterwa. Patinoita seizvi, tinoratidza kuti takavimbika zvakazara kuUmambo hwaMwari, inova ndiyo hurumende yake.

      WEDZERA KUONGORORA

      Ongorora mamiriro ezvinhu anogona kutipinza pamuedzo panyaya yekusava nekwatakarerekera, uye ona kuti ungasarudza sei zvinofadza Jehovha.

      Murume ari kuratidza kuti haana kwaakarerekera. Haasi kuteerera zviri kutaurwa nevari kukwikwidza musarudzo.

      3. VaKristu vechokwadi havana divi ravakarerekera panyaya dzezvematongerwo enyika

      Jesu nevateveri vake vakaita zvatinofanira kutevedzera. Verengai VaRoma 13:1, 5-7 uye 1 Petro 2:13, 14. Kana mapedza, onai VHIDHIYO, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: VaKristu Vechokwadi Havapindire Mune Zvematongerwo Enyika—Chikamu 1 (4:28)

      • Nei tichifanira kuremekedza hurumende dzevanhu?

      • Ndedzipi dzimwe nzira dzatinoratidza nadzo kuti tinozviisa pasi pehurumende?

      Kana iri nguva yehondo, dzimwe nyika dzinogona kutaura kuti hadzina divi radzinotsigira, asi dzinenge dzichibatsira mativi acho ese ari kurwisana. Chii chinonyatsonzi kusava nekwatakarerekera? Verengai Johani 17:16. Kana mapedza, onai VHIDHIYO mobva makurukura mubvunzo unotevera:

      VHIDHIYO: VaKristu Vechokwadi Havapindire Mune Zvematongerwo Enyika—Chikamu 2 (3:11)

      • Kusava nekwatakarerekera kunorevei?

      Ko kana hurumende dzevanhu dzikatiudza kuti tiite chimwe chinhu chinopesana nemutemo waMwari? Verengai Mabasa 5:28, 29. Kana mapedza, onai VHIDHIYO mobva makurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: VaKristu Vechokwadi Havapindire Mune Zvematongerwo Enyika—Chikamu 3 (1:18)

      • Kana mutemo wakagadzwa nevanhu ukapesana nemutemo waMwari isu tinofanira kuteerera ani?

      • Pane mamwe mamiriro ezvinhu aungafunga nezvawo here ekuti muKristu angasarudza kusateerera hurumende dzevanhu?

      4. Usava nekwawakarerekera mupfungwa dzako uye pane zvaunoita

      Verengai 1 Johani 5:21. Kana mapedza, onai VHIDHIYO mobva makurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: VaKristu Vechokwadi Vanofanira Kuva Neushingi—Kuti Vasava Nedivi Ravanotsigira (2:49)

      • Muvhidhiyo chii chakaita kuti Ayenge asarudze kusapinda mubato rezvematongerwo enyika kana kuita zvinhu zvinoitwa pakutsigira nyika, zvakadai sekusaruta mureza?

      • Unofunga kuti zvaakaita zvinoratidza kuchenjera here?

      Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu anogona kutiisa pamuedzo panyaya yekusava nekwatakarerekera? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: Zvidzidzo Zvatinowana Kubva muNharireyomurindi—Ramba Usina Kwaunotsigira Munyika Isina Kubatana (5:16)

      • Tingaratidze sei kuti hatina kwatakarerekera panokwikwidzana nyika yedu nedzimwe nyika pamitambo?

      • Tingaramba sei tisina kwatakarerekera kunyange kana vezvematongerwo enyika vakasarudza kuita zvimwe zvinhu zvinotibata-bata?

      • Zvinobuda munhau kana kuti vanhu vatinoswera navo vanogona sei kutikanganisa panyaya yekusava nekwatakarerekera?

      Mifananidzo: 1. Vanhu vakatsamwa vari kuratidzira vakabata zvikwangwani. 2. Murume ari kukuza timu yake uku akasimudza jira remureza. 3. Mwana wechikoro achiita mhiko yenyika. 4. Musoja akabata pfuti. 5. Vanhu vaviri vari kuda kuvhoterwa vari kukwikwidzana. 6. Mukadzi ari kuvhota.

      Panyaya dzipi panofanira kuratidzwa nemuKristu kuti haana kwaakarerekera mupfungwa dzake uye pane zvaanoita?

      MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Sei musingasarute mureza kana kuimba rwiyo rwenyika yenyu?”

      • Ungamupindura uchitii?

      PFUPISO

      VaKristu vanoedza zvese zvavanogona kuti vasava nekwavakarerekera mupfungwa dzavo, mashoko avo, uye pane zvavanoita.

      Kudzokorora

      • Tinoona sei hurumende dzevanhu?

      • Nei tisina divi ratinotsigira pane zvematongerwo enyika?

      • Mamiriro api ezvinhu anogona kutipinza pamuedzo panyaya yekusava nekwatakarerekera?

      Edza Izvi

      WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

      Dzimwe nguva tinogona kuzvipira kurasikirwa nechii kuti tirambe tisina kwatakarerekera panyaya dzezvematongerwo enyika?

      Jehovha Haana Kumbobvira Atisiya (3:14)

      Mhuri dzingaita sei kuti dzigare dzakagadzirira muedzo wekusava nekwavakarerekera pane zvematongerwo enyika?

      Ramba Usina Divi Raunotsigira Uri Panoungana Vanhu Vakawanda (4:25)

      Nei kudzivirira nyika yaunogara risiri iro basa rinokudzwa kupfuura mamwe ese?

      “Zvinhu Zvese Zvinobvira Kuna Mwari” (5:19)

      Ongorora kuti ungaite sei kuti usava wenyika paunosarudza kuti wopinda basa ripi.

      “Mumwe Nomumwe Achatakura Mutoro Wake” (Nharireyomurindi, March 15, 2006)

  • Unogona Kutsungirira Kana Vanhu Vachikutambudza
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 5. Ramba uchinamata Jehovha pasinei nekutambudzwa

      Zvinotoda ushingi kuti tishumire Jehovha kana vamwe vachiedza kutitadzisa kudaro. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

      VHIDHIYO: Kuratidza Ushingi Patinenge Tichitambudzwa (6:27)

      • Chii chakusimbisa muvhidhiyo iyi?

      Verengai Mabasa 5:27-29 uye VaHebheru 10:24, 25. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Nei zvichikosha kuti tirambe tichinamata Jehovha kunyange kana basa redu rekuparidza kana misangano zvikarambidzwa?

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe