Ganhuro 24
Nesimba Romunhu Here? Kana Kuti Nomudzimu Wamwari Here?
MUGOVE uyo Jesu Kristu akaisa pamberi pavateveri vake wakanga uri woukuru hwairatidzika kuva husingabviri. Kunyange zvazvo vaiva vashomanene munhamba, vaifanira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari mupasi rose rinogarwa. (Mat. 24:14; Mabasa 1:8) Basa racho rakanga risiri bedzi guru muukuru asi raifanira kuitwa pasinei zvapo nezvairatidzika kuva zvinetso nemhaka yokuti, sokuudza zvakananga kwakaita Jesu vadzidzi vake, vaizovengwa ndokutambudzwa mumarudzi ose.—Mat. 24:9; Joh. 15:19, 20.
Mukutarisana nechishoro chenyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvakazvishandisa zvimene nesimba kuti zviite basa iro Jesu akafanotaura. Tambanuko uko uchapupu hwakatopiwa inhau yakanyorwa, uye inoshamisa zvirokwazvo. Asi chii chakaita kuti kubvire? Rave riri simba romunhu kana kuti unyanzvi here? Kana kuti kwave kuri kushanda kwomudzimu waMwari here?
Chinyorwa cheBhaibheri pamusoro pokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi muJerusarema muzana ramakore rechitanhatu B.C.E. chinotiyeuchidza kuti basa raMwari amene mukuitwa kwokuda kwake harifaniri kutongoderedzwa. Vatsinhiri venyika vangatsvaka imwe tsananguro yakati yechinoitika. Zvisinei, pakutsanangura kuti chinangwa chake chaizoitwa sei, Mwari akaparira muporofita wake Zekaria kuzivisa, kuti: “‘Hazviitwi nesimba rehondo, kana kuti nesimba, asi nomudzimu wangu,’ ndizvo zvataura Jehovha wehondo.” (Zek. 4:6, NW) Zvapupu zvaJehovha hazvizenguriri kutaura kuti iyoyi ndiyo nzira iyo kuparidzwa kweshoko roUmambo kuri kuitwa nayo nhasi—kwete nokutendeukira kusimba rehondo, kana kuti nemhaka yesimba romunhu oga kana kuti pesvedzero yeboka ripi neripi rakatanhamara ravanhu, asi somugumisiro wokushanda kwomudzimu waJehovha. Ufakazi hunotsigira kupwiswa kwazvo here?
“Havasati Vari Vazhinji Vakachenjera Munyama”
Pakunyorera kuvaKristu vapakuvamba vaiva muGirisi, muapostora Pauro akabvuma, kuti: “Tarirai kukudanai kwake, hama, kuti havasati vari vazhinji vakachenjera munyama vakadanwa, havasati vari vazhinji vane simba, havasati vari vazhinji vanokudzwa; asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vanhu vakachenjera; uye Mwari akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise zvinhu zvakasimba; uye Mwari akasarudza zvinhu zvinozvidzwa zvenyika nezvinhu zvinoshorwa, zvinhu zvisipo, kuti aparadze zviripo, kuti pasave nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.”—1 VaK. 1:26-29, NW.
Vaapostora vaJesu amene vakanga vachibva muboka rinoshanda. Vana vakanga vari varedzi. Mumwe akanga ave ari muteresi, basa raishorwa navaJudha. Ava vaapostora vakanga vari vanhu vairangarirwa navafundisi vechiJudha sa“vasina kufunda nevenhando,” kuchiratidzira kuti dzidzo yavo yakanga isati iri yezvikoro zvedzidzo yakakwirira. (Mabasa 4:13, NW) Ikoku hakurevi kuti hakuna vakanga vane dzidzo yakawanda yenyika kana kuti yorudzidziso vakava vaKristu. Muapostora Pauro akanga afunda pamakumbo aGamarieri akadzidza, mutezo weSanihedrini yechiJudha. (Mabasa 22:3) Asi, sokutaura kunoita rugwaro, vakanga vasiri “vazhinji” vevakadaro.
Nhau inopfuurira kuti Celsus, muzivi weRoma wezana ramakore rechipiri C.E., anokuita nhau yokunyomba kuti “vashandi, vagadziri veshangu, varimi, vanhu vasingazivi zvikurusa nemapenzi, vanofanira kuva vaparidzi vanoshingaira veEvhangeri.” (The History of the Christian Religion and Church, During the Three First Centuries, rakanyorwa naAugustus Neander) Mukutarisana noruzvidzo nechitambudzo chamasimba masimba zvakatutirwa pavari muUmambo hweRoma, chii chakasimbisa vaKristu vechokwadi kupfuurira kuva vazivisi vamashoko akanaka? Jesu akanga ataura kuti waizova mudzimu mutsvene waMwari.—Mabasa 1:8.
Munguva dzichangobva kupfuura zvikuru, Zvapupu zvaJehovha nenzira yakafanana zvakazvidzwa nemhaka yokuti izvo, zvikurusa, vanhu venhando, kwete avo vane nzvimbo muupenyu inoparira nyika kuzviremekedza. Pakati pavabatiri vokutanga vomuzuva razvino vaJehovha kusuma shoko roUmambo kuvanhu muDenmark pakanga pane mugadziri weshangu. MuSwitzerland neFrance, akanga ari mutarisiri webindu. Mumativi akawanda eAfrica, shoko rakatakurwa navashandi vanotama. MuBrazil, vafambisi vengarava vakava negoverano. Vakati kuti zvikuru veZvapupu zvePoland kuchamhembe kweFrance vakanga vari vacheri vemarasha.
Vaororwa zvikuru nezvavakanga vadzidza muShoko raMwari nebetsero yezvinyorwa zveWatch Tower, vaida kuratidzira kuda kwavo Jehovha kupfurikidza nokumuteerera, naizvozvo vakaita basa iro Shoko raMwari rinoti vaKristu vechokwadi vaizoita. Kubvira panguva iyoyo, mamwe mamiriyoni anobva mumifambiro yose youpenyu akakumbanira muiri basa. Vose zvavo vaparidzi veevhangeri.
Zvapupu zvaJehovha zvinoumba sangano bedzi rorudzidziso munyika umo mutezo uri wose unopupurira somunhu oga kuna vasingatendi, unoedza kupindura mibvunzo yavo muBhaibheri, uye unovakurudzira kuisa kutenda muShoko raMwari. Mamwe masangano orudzidziso anobvuma kuti izvozvi ndizvo izvo vaKristu vose vanofanira kuita. Mamwe akaedza kukurudzira mitezo yechechi dzawo kukuita. Asi Zvapupu zvaJehovha bedzi zvinokuita nguva dzose. Inhungamiro yaani, izano raani, ivimbiso yaani yetsigiro yorudo, uye zvipikirwa zvaani zvinozvisunda kuita iri basa iro vamwe vanodzivisa? Zvibvunze umene. Pasinei zvapo nenyika mazvinogara, zvichapindura kuti: “ZvaJehovha.” Ndikuna ani, ipapoka, kunofanira kupiwa mbiri?
Basa Rakafanotaurwa Rengirozi dzaMwari
Mukurondedzera zviitiko zvaizoitika mukati memhedziso yetsika ino yezvinhu, Jesu akaratidza kuti vaisazova vateveri vake bedzi pasi pano vaizogoverana mukuunganidzwa kwavadi vokururama. Pana Mateo ganhuro 13, apo akanga achikurukura kuunganidzwa kwevokupedzisira veavo vaizogoverana naye muUmambo hwokudenga, Jesu akati: “Vacheki ndivo vatumwa.” Uye vaizounganidza “vanakomana voushe” ivava mumunda wakakura sei? “Munda inyika,” Jesu akatsanangura kudaro. Nokudaro, avo vanounganidzwa vaizobva kumativi ari kuresa enyika. Ikoku kwakaitika chaizvoizvo here?—Mat. 13:24-30, 36-43.
Zvirokwazvo kwakadaro! Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vaiva zviuru zvishomanene bedzi sezvo nyika yakapinda mumazuva ayo okupedzisira muna 1914, shoko roUmambo ravakaparidza rakakurumidza kupoteredza nyika. MuMabvazuva, munyika dzeEurope, Africa, uye nyika dzeAmerica, uye muzvitsuwa, vanhu vamwe navamwe vakagamuchira mukana wokubatira fariro dzoUmambo hwaMwari uye vakaunganidzirwa musangano rimwe rakabatana.
MuWestern Australia, somuenzaniso, shoko roUmambo rakasvika Bert Horton. Rudzidziso sezvaairwuziva harwuna kumufadza; akanga ave abatanidzwa mune zvematongerwe enyika nomumibato yemasangano evashandi. Asi apo amai vake vakamupa chinyorwa cheWatch Tower chinonzi The Divine Plan of the Ages uye iye akavamba kuchirava pamwe chete neBhaibheri, akaziva kuti akanga awana zvokwadi. Nokudisa iye akaigoverana navashandi biyake. Apo akakwanisa kuwana Vadzidzi veBhaibheri, akasonganirana navo nomufaro, akabhapatidzwa muna 1922, akavamba ushumiri hwenguva yakazara, uye akazvipira kundobatira munharaunda ipi neipi sangano raJehovha rakarayira.
Pano rumwe rutivi rwapasi, W. R. Brown, uyo akanga ave achitoparidza muzvitsuwa zveCaribbean, akaenda kuAfrica muna 1923 kundoparadzira shoko roUmambo ikoko. Akanga asiri muparidzi akazvimirira pabasa rakati romunhu oga. Iyewo akanga achishanda navanhu vakarongeka vaJehovha. Akanga azvipira kubatira kwaakanga achidikanwa, uye akatora mugove muWest Africa mukugamuchira nhungamiro yakabva kuhofisi yedzimbahwe. Avo vakabetserwa somunhu oga noushumiri hwake vakabetserwawo kunzwisisa ukoshi hwokusanoshanda nesangano raJehovha.
Kuziviswa kwoUmambo kwakapindawo muSouth America. Hermán Seegelken muMendoza, Argentina, akanga anguve achiziva unyengeri muchechi dzose dziri mbiri yeKaturike neyePurotesitendi. Asi muna 1929 iyewo akanzwa shoko roUmambo, akarigamuchira nokudisa, uye akavamba kurigoverana navamwe, muchinzwano navabatiri vaJehovha munyika yose. Zvakaitika zvakafanana zvakaitika kupote nyika yose. Vanhu “vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose,” kunyange zvazvo vakapararira mupasi rose uye vachironda mararamire akasiyana-siyana, havana kuteerera bedzi asi vakazvipa vamene mubasa raMwari. Vakaunganidzirwa musangano rakabatana kuzoita basa iro Jesu akanga afanotaura nokuda kwenguva ino. (Zvak. 5:9, 10) Chii chakaparira ikoku?
Bhaibheri rinotaura kuti ngirozi dzaMwari dzaizova nebasa rinokosha mariri. Nemhaka yaikoku, kuziviswa kwoUmambo kwaizounga munyika yose kufanana nokurira kwehwamanda kubva kumanyuko anopfuura omunhu. Kutaura idi, pakasvika 1935 kwakanga kwapinda munyika 149—kuchamhembe, kumaodzanyemba, kumabvazuva, uye kumadokera, kubva kumugumo mumwe wapasi kuenda kune mumwe.
Pakutanga, “boka duku,” bedzi rakaratidza kuonga kwapachokwadi Umambo hwaMwari uye vakanga vachidisa kubatira fariro dzahwo. Izvozvo ndizvo izvo Bhaibheri rakanga rafanotaura. Zvino “boka guru” riri kukura nokukurumidza, rinosvika mamiriyoni vachibva mumarudzi ose, vakasvika pakubatanidzwa navo. Ikokowo kwakafanotaurwa muShoko raMwari. (Ruka 12:32; Joh. 10:16; Zvak. 7:9, 10, NW) Ivava havasati vari vanhu vanongotaurawo havo kugoverana rudzidziso rumwe cheterwo asi avo, chaizvoizvo, vakakamurwa pakati pavo vamene nezvimiro zvose zvendangariro nouzivi izvo zvinoparadzanisa nyika yakavapoteredza. Zvapupu zvaJehovha hazvingotauriwo hazvo pamusoro poUmambo hwaMwari apo zvinenge zvichiisa chaizvoizvo chivimbo chazvo muutongi hwavanhu. Kunyange pakupinzwa mungozi kwoupenyu hwazvo, zvinoteerera Mwari somutongi. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti kuungana pamwe chete kwavanhu vakadaro avo ‘vanotya Mwari ndokumupa mbiri’ kwaizoitwa munhungamiro yengirozi. (Zvak. 14:6, 7) Zvapupu zvinopwiswa zvakasimba kuti izvozvi ndizvo chaizvoizvo zvakaitika.
Panhambo dzisingaverengeki, sezvazvakagoverana muushumiri hwazvo, zvakaona ufakazi hunopwisa hwenhungamiro yokudenga. Somuenzaniso, muRio de Janeiro, Brazil, rimwe boka reZvapupu rakanga richipedza shanyo dzaro dzapaimba neimba rimwe Svondo apo mumwe weboka racho akati: “Ndinoda kupfuurira kushanda kwechinguvana. Nokuda kwechikonzero chakati ndinoda kuenda kune imba iyo.” Uyo aitarisira boka racho akakarakadza kuti vaisiye nokuda kwerimwe zuva, asi muparidzi wacho akaomerera. Pasuo iroro Chapupu chacho chakawana mukadzi uyo, nemisodzi yaiyerera muchiso chake, akataura kuti akanga achangobva kunyengeterera betsero. Akanga amboonana neZvapupu asi akanga asina kuratidza fariro mushoko reBhaibheri. Zvisinei, rufu rwakamwe kamwe rwomurume wake rwakanga rwamuita kuti azive kuda kwake betsero yomudzimu. Akanga atsvaka Horo yoUmambo, asi pasina zvazvakabatsira. Nokutendeseka akanga anyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero, uye zvino yakanga yava pasuo pake. Isati iri nguva refu pashure paikoku akabhapatidzwa. Akapwiswa kuti Mwari akanga anzwa munyengetero wake uye akanga aita chiito chaidikanwa kuti agovere mhinduro.—Pis. 65:2.
Chimwe Chapupu chaJehovha cheGermany icho chaisigara muNew York chakakuita muitiro wenguva dzose kunyengetera kuna Mwari nokuda kwenhungamiro sezvachaipinda muushumiri hwacho. Pakanga pane mumwe mukadzi anofarira wachakanga chave chichitsvaka, vhiki nevhiki, mumigwagwa nemhaka yokuti chakanga chisingazivi kwaigara mukadzi wacho. Ipapo, rimwe zuva muna 1987, sezvo Chapupu chacho chakatanga ushumiri, chakanyengetera, kuti: “Jehovha, munoziva kwaari. Ndapota ndibetserei kumuwana.” Maminiti mashomanene gare gare, akaona mukadzi wacho agere mukahotera.
Yakanga iri tsaonawo hayo here? Bhaibheri rinotaura kuti vaKristu vechokwadi “vabati pamwe chete naMwari” uye kuti ngirozi dzinotumwa “kundoshumira avo vachagara nhaka ruponeso.” (1 VaK. 3:9; VaH. 1:14, NW) Pashure pokunge Chapupu chacho chaudza mukadzi wacho kuti chakanga chamuwana sei, mukadzi wacho akagamuchira kokero yokugara pasi ndokunzverazve Bhaibheri zuva iroro rimene.
Kusvika ‘Ndima Dzisingasvikiki’ Namashoko Akanaka
Zvapupu zvaJehovha zvave zvichipfuurira munhamburiko dzazvo dzokusvika nyika dzose neshoko roUmambo. Asi ikoku hakutsananguri zvizere zvakaitwa. Zvakaona shoko roUmambo richipararira ndokupinda munharaunda umo nhamburiko dzazvo dzose dzakarongwa nokungwarira dzakanga dzarambwa.
Somuenzaniso, panhambo inopfuura imwe mukati mema1920 nema1930, kukwirira kwapachokwadi kwakaitwa kuvakuru vakuru vehurumende mune yakanga iri ipapo Soviet Union kuwana mvumo yokupinza mabhuku eBhaibheri munyika iyoyo kana kuti kudhindira imomo. Mhinduro panguva iyoyo dzaiva dzokuramba. Makanga mune vashomanene veZvapupu zvaJehovha muSoviet Union, asi betsero huru zvikuru yakanga ichidikanwa kuita basa rokuparidza iro Shoko raMwari rakati rinofanira kuitwa. Chinhu chipi nechipi chaigona kuitwa kugovera betsero iyoyo here?
Nenzira inofadza, pamugumo weHondo Yenyika II, pamwe chete navamwe vanhu vakawanda, vanopfuura chiuru veZvapupu zvaJehovha vakabva kune yakanga yave iri Poland yokumabvazuva vakazviwana vamene vari mukati meSoviet Union. Mumusasa wevasungwa weRavensbrück, mazana avakadzi vaduku veRussia akanga asvika pakuziva vasungwa biyavo avo vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Vamwe vaava vakadzi vakazvitsaurira vamene kuna Jehovha mukati menguva iyoyo, uye gare gare vakadzorerwa kumativi akasiyana-siyana eSoviet Union. Mazana avamwe akazviwana amene ari vagari veSoviet Union sezvo miganhu yamarudzi yakachinja mukati mehondo. Mugumisiro wacho wakanga usiri icho hurumende yeSoviet yaifunga pamusoro pacho. Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha hauna kuronga. Asi wakabatira kuitwa kweizvo Shoko rakafuridzirwa raMwari rakanga rafanotaura. Ichitsinhira paizvi zviitiko, Nharireyomurindi yechiNgezi yakati: “Nokudaro kunogona kuonekwa kuti, munhungamiro yaShe, iye anogona sei kumutsa zvapupu munyika ipi neipi, imomo kuti zvitsigire chinangwa chezvokwadi ndokuzivisa zita raJehovha.”—Chinyorwa chaFebruary 1, 1946.
Yave isati iri nyika imwe chete iyo yakati kuZvapupu zvaJehovha: ‘Hamugoni kupinda muno!’ kana kuti, ‘Hamugoni kuparidza muno.’ Kwakaitika kwaitikazve kupote pasi, munyika dzakawanda chaizvoizvo, kazhinji kazhinji somugumisiro wedzvinyiriro yavafundisi pavakuru vakuru vehurumende. Dzimwe dzeidzi nyika gare gare dzakabvumira nzvimbo yapamutemo kuZvapupu zvaJehovha. Asi kunyange ikoko kusati kwaitika, kunamatwa kwaJehovha, Musiki wedenga napasi, kwakanga kwagamuchirwa nezviuru zvavanhu mukati memiganhu yavo. Ikoko kwakaitwa sei?
Tsananguro yakapfava inowanwa muBhaibheri, ndiko kuti, kuti ngirozi dzaMwari dzine basa rakatanhamara mukuendesa kuvanhu vorudzi rwuri rwose chikumbiro chokukurumidzira, chokuti: “Ityai Mwari ndokumupa mbiri, nemhaka yokuti nguva yorutongeso runoitwa naye yasvika, naizvozvo namatai Uyo akaita denga napasi negungwa namatsime emvura.”—Zvak. 14:6, 7, NW.
Budiriro Mukurwisana Nezvinetso Zvikuru
Izvo Zvapupu zvaJehovha zvakatarisana nazvo mune dzimwe nyika hazvisati zviri zvirambidzowo hazvo zvakaiswa paushumiri hwazvo hwapachena asi nhamburiko dzokuzviparadza chose chose.
Mukati meHondo Yenyika I, nhamburiko yakarongwa yakaitwa navafundisi muUnited States neCanada yokugumisa basa raVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha ipapo. Iyi inhau inozivikanwa navose. Pasinei zvapo nevimbiso dzorusununguko rwokutaura nerworudzidziso, vafundisi vakadzvinyirira vakuru vakuru vehurumende kurambidza mabhuku aVadzidzi veBhaibheri. Vakawanda vakasungwa uye vakachengetwa pasina bherauti; vamwe vakarohwa zvinotyisa. Vakuru vakuru veWatch Tower Society navasonganiri vavo vapedyo vakapiwa nhambo refu dzokugara mutorongo mumhaka dzomudare idzo dzakaratidzwa gare gare kuva dzisiri dzechokwadi. Ray Abrams akati mubhuku rake rinonzi Preachers Present Arms: “Kunzverwa kwenhau yacho yose kunotungamirira kumhedziso yokuti chechi navafundisi pakuvamba zvaitsigira chiito chokuparadza Vateveri vaRussell,” sokudana nenzira yokumhura kwaiita vafundisi Vadzidzi veBhaibheri. Asi pashure pehondo, Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakaoneka nesimba guru zvikuru kupfuura nakare kose kuti vazivise Mambo waJehovha, Jesu Kristu, uye Umambo hwake. Simba iroro rakamutsidzirwa rakabva kupi? Bhaibheri rakanga rafanotaura chiitiko chakadaro uye rakanga rataura kuti chaizova somugumisiro wo“mudzimu woupenyu unobva kuna Mwari.”—Zvak. 11:7-11, NW.
Pashure pokutonga kwevaNazi muGermany, kutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha kwakasimba munyika dzakadzorwa neNazi. Kwakanga kune kusungwa nokubatwa kwoutsinye. Kurambidzwa kwakaitwa. Pakupedzisira, muna October 1934, ungano dzeZvapupu zvaJehovha muGermany mose dzakatumira tsamba dzakarejesitwa kuhurumende dzaitaura zvakajeka kuti dzakanga dzisina vavariro dzezvamatongerwe enyika asi kuti dzakanga dzakatsunga kuteerera Mwari somutongi. Panguva imwe cheteyo, ungano dzeZvapupu munyika yose dzakatumira macablegram mukutsigira hama dzavo dzechiKristu muGermany.
Pazuva rimwe chete iroro, October 7, 1934, ari muhofisi yaDr. Wilhelm Frick, muBerlin, Adolf Hitler akapfumbata zvibhakera akazivisa pamusoro peZvapupu zvaJehovha, kuti: “Iri boka richaparadzwa muGermany!” Yakanga isiri tyisidziro yenhando. Kusungwa kwakapararira kwakaitika. Maererano nechiziviso chakavanzika chePrussian Secret State Police chomusi waJune 24, 1936, “Uto rakasanorovedzwa reGestapo” rakaumbwa kuti rirwisane neZvapupu. Pashure pegadziriro huru Gestapo yakatanga kuita nhimbe yayo yokubata Zvapupu zvaJehovha zvose nomunhu ari wose aifungidzirwa kuva Chapupu. Mukati mokudenha ikoko sangano rose ramapurisa rakabatanidzwa, richisiya matsotsi asinganetswi.
Mishumo inoratidzira kuti pakupedzisira Zvapupu zveGermany 6 262 zvakasungwa. Karl Wittig, aichimbova mukuru mukuru wehurumende yeGermany uyo amene akachengetwa mumisasa yevasungwa inoverengeka, gare gare akanyora, kuti: “Hakuna rimwe boka ravasungwa . . . rakaratidzirwa utsinye nemauto eSS nomufaro wakadaro sezvakaitwa Vadzidzi veBhaibheri. Hwakanga huri utsinye hwairatidzirwa nenhevedzano isingagumi yokutambudzwa mumuviri nendangariro, husina mutauro munyika unogona kutaura zvahwakanga hwakaita.”
Ndoupi wakanga uri mugumisiro? Mubhuku rakabudiswa muna 1982, Christine King anogumisa, kuti: “Hurumende haina kubudirira mukurwisana neZvapupu bedzi [mukusiyana nemamwe mapoka orudzidziso].” Hitler akanga apikira kuzviparadza, uye mazana akaurawa. Kunyange zvakadaro, Chiremba King anoti: “Basa [rokuparidza pamusoro poUmambo hwaMwari] rakapfuurira uye muna May 1945 sangano reZvapupu zvaJehovha rakanga richiri benyu, nepo National Socialism yakanga isiri.” Anoonesawo, kuti: “Hakuna kubvumirana pane zvisina kufanira kwakanga kwaitwa.” (The Nazi State and the New Religions: Five Case Studies in Non-Conformity) Neiko Hitler, neuto rake rakasanoshongedzerwa, mapurisa akarovedzwa zvikuru, uye misasa yakawanda yokuparadza, asina kukwanisa kuita tyisidziro yake yokuparadza iri boka duku zvikuru nerisina kushongedzwa nezvombo raavo nyika inorangarira savanhu venhando? Neiko mamwe marudzi asina kukwanisa kugumisa mubato wavo? Neiko kuri kuti, kwete chete vanhu vamwe navamwe vakaparadzana, asi Zvapupu zvaJehovha zvose zvazvo zvakaramba zvakasimba mukutarisana nechitambudzo choutsinye?
Mhinduro iri muzano rokuchenjera rakapiwa naGamarieri, mudzidzisi woMutemo, kumitezo biyake yeSanihedrini yechiJudha apo vakanga vachibata nenhau yakafanana yaibatanidza vaapostora vaJesu Kristu. Iye akati: “Musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa. Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.”—Mabasa 5:38, 39.
Nokudaro maidi enhau anoratidza kuti basa rairatidzika kuva risingabviri rakagoverwa naJesu kuvateveri vake kuti vaite mukutarisana nezvinetso zvikuru riri kuitwa kwete nesimba romunhu asi nomudzimu waMwari. Sokutaura kwakaita Jesu amene mumunyengetero kuna Mwari: “Baba, zvinhu zvose zvinobvira kwamuri.”—Marko 14:36, NW.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 547]
“‘Nomudzimu wangu,’ ndizvo zvataura Jehovha wehondo”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 548]
Chii chakavasimbisa kupfuurira kuparidza pasinei zvapo nokusekwa nechitambudzo chamasimba masimba?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 549]
Ufakazi hwenhungamiro yengirozi
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 551]
‘Ishe anogona kumutsa zvapupu munyika ipi neipi’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 553]
Vanhu vakabatana vakabvumikisa kuva vakasimba mukutenda mukutarisana nezvinetso zvairatidzika kuva zvikuru