RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Uri Mukadzi Akanaka Chaizvo’
    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2017 | Nha. 3
    • Abrahamu akauya kuna Sara achifara zvisingaiti. Abrahamu akambofunga kuti zvimwe ainge ari kurota. Mwari wavainamata akanga ataura naye achishandisa ngirozi. Ita seuri kuona Sara achishamisika uye akati ndee kuna Abrahamu, achimubvunza kuti: “Kwanzi kudii? Ndiudzewo kani!” Zvimwe Abrahamu akambotanga agara pasi kuti anyatsogadzikana, achibva azomuudza zvainge zvataurwa naJehovha: “Buda munyika yako uye ubve kuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.” (Mabasa 7:2, 3) Kakufara kaya pakainge kapera, vakabva vatanga kunyatsofunga zvavainge vaudzwa naJehovha. Vakanga vava kufanira kusiya upenyu hwepamusoro, votanga kunogara mumatende, vachitama-tama! Sara aizoita sei? Zviri pachena kuti Abrahamu ainyatsomutarisa achida kuona zvaaizoita. Aizozvibvuma here?

      Zvakaitika kuna Sara zvinogona kutiomera kunzwisisa. Tinogona kufunga kuti, ‘Mwari haasati ambondikumbira kuti ndiite zvinhu zvakadaro!’ Ndizvo hazvo, asi pane zvimwewo zvakada kudaro zvatinonzi naMwari tiite. Tiri kurarama munyika inotikurudzira kunyanya kukoshesa zvinhu zvatiinazvo, kuda kurarama upenyu hwepamusoro uye kuunganidza zvinhu tichifunga kuti zvichazotibatsira mune ramangwana. Asi Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiise zvinhu zvekunamata pakutanga kuti tifadze Mwari panzvimbo pekuda kuzvifadza. (Mateu 6:33) Patinofunga zvakaitwa naSara, ngatizvibvunzei kuti, ‘Zvii zvandichaitawo muupenyu hwangu?’

  • ‘Uri Mukadzi Akanaka Chaizvo’
    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2017 | Nha. 3
    • Ko hama dzake? Ndivanaani vaaizosiya? Zvinofanira kunge zvaisava nyore kuti Sara agamuchire mashoko aMwari ekuti “buda munyika yako ubve kuhama dzako.” Mukadzi uyu aiva nerudo anogona kunge aiva nehanzvadzi, vanasisi, vanin’ina, vanamainini, vanatete, uye vanababamukuru vaakanga ava kusiya, pasina kana tarisiro yekuzovaonazve. Asi izvi hazvina kuita kuti achinje pfungwa. Akaramba achigadzirira rwendo rwavo.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe