Sauro Aitambudzirei vaKristu?
‘CHAIZVOIZVO NDAIFUNGA KUTI ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvokupesana nezita raJesu weNazareta; izvo zvechokwadi, ndakaita muJerusarema. Ndakapfigira vatsvene vazhinji mumatorongo, sezvandakanga ndapiwa simba navapristi vakuru. Vadzidzi pavaifanira kuurawa, ndaisavatsigira. Nokuvaranga kazhinji mumasinagogi ose, ndaiedza kuvamanikidzira kuti varambe kutenda kwavo. Sezvo ndaivapengera zvikuru, ndakatosvika pakuvatambudza kunyange mumaguta ari kunze.’—Mabasa 26:9-11.
NDOZVAKATAURWA naSauro weTarso, anozivikanwawo semuapostora Pauro. Paakazotaura izvi, chokwadi, akanga ava munhu mutsva. Asisirizve mushori wechiKristu, akanga zvino ava mumwe wevanodisisa kuchitsigira. Asi chii chakanga chamboita kuti Sauro atambudze vaKristu? Nei aifunga kuti ‘aifanira kuita’ zvinhu zvakadaro? Uye pane zvatingadzidza munyaya yake here?
Kutakwa Nemabwe kwaStefano
Sauro anoonekwa munhau yeBhaibheri pakati peavo vanouraya Stefano. “Vakamubudisira [Stefano] kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro.” “Sauro akanga achitenda kuurawa kwake.” (Mabasa 7:58; 8:1) Chii chakatungamirira kumukira ikoko? VaJudha, kubatanidza vamwe vekuKirikia, vakaita nharo naStefano asi havana kugona kumupikisa. Sauro, muKirikiawo, kana akanga ari pakati pavo hazvina kunyorwa. Zvisinei hazvo, vakashandisa zvapupu zvenhema kupomera Stefano mhosva yokumhura uye vakamuzvuzvurudzira pamberi peSanihedrini. (Mabasa 6:9-14) Iri dare, raitungamirirwa nomupristi mukuru, raishanda sedare rapamusoro rechiJudha. Sezvo raive dare rokupedzisira rechitendero, nhengo dzarowo dzaichengetedza zvadzaiti kuchena kwechitendero. Mukuona kwadzo Stefano akanga akafanirwa nokufa. Akatsunga kuvapomera mhaka yokusachengeta Mutemo, haana kudaro here? (Mabasa 7:53) Vaizomuratidza kuti waichengetwa sei!
Kutendera kwaSauro pfungwa iyoyo kwaiva nemhaka yezvaaitenda. Akanga ari muFarise. Iri boka duku rine simba rairayira kunyatsochengetwa zvizere kwemutemo netsika. ChiKristu chainzi ndicho chinopesana nenheyo idzodzo, chichidzidzisa nzira itsva yokupona nayo kuburikidza naJesu. VaJudha vomuzana rokutanga remakore vaitarisira kuti Mesiya aizova Mambo ane mbiri uyo aizovasunungura pajoko raivengwa rekudzorwa neRoma. Saka kuti uyo akapiwa mhosva yokumhura neDare Guru reSanihedrini uye gare gare ndokuroverwa padanda rokutambudzikira setsotsi rakatukwa aigona kuva Mesiya zvakanga zviri zvitsva kwazvo, zvisingabvumiki uye zvichisemesa pakufunga kwavo.
Mutemo waiti munhu anenge aturikwa pamuti “akatukwa naMwari.” (Dheuteronomio 21:22, 23; VaGaratia 3:13) Sokuona kwaPauro “mashoko aya aishanda zvakajeka kuna Jesu,” anodaro Frederick F. Bruce. “Akanga afa achitukwa naMwari, saka aisagona kunzi ndiMesiya, uyo, maererano netsananguro akanga akakomborerwa naMwari zvisina anoenzana nazvo. Saka kutaura kuti Jesu ndiye aive Mesiya kwaiva kumhura; vaitaura zvinhu zvakapusa kudaro vaifanira kutambura sevanhu vanomhura.” Seizvo Sauro gare gare akabvuma pachake, pfungwa chaiyo ya“Kristu, akaroverwa pamuchinjikwa [yaiva] chigumbuso kuvaJudha.”—1 VaKorinte 1:23.
Zvaiita Sauro padzidziso yakadaro, zvaiva zvekuishora nokutsunga kukuru sezvaaigona. Kunyange chisimba choutsinye chaifanira kushandiswa kuedza kuidzivisa. Aiva nechokwadi chokuti izvi ndozvaidiwa naMwari. Achirondedzera zvaaigarofunga, Sauro akati: “Pakushingaira kwangu, ndaitambudza [ungano]; pakururama kunorehwa nomurayiro ndakanga ndisina chandingapomerwa.” “Ndaitambudza [ungano] yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza; pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezera rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.”—VaFiripi 3:6; VaGaratia 1:13, 14.
Mutungamiriri Mukutambudza
Stefano afa, Sauro haana kuramba achingova mubetseri wokutambudza asi sembirimi yakwo. Seakadaro, aifanira kuva akawana mukurumbira wakati, nokuti kunyange pashure pokutendeuka kwake, paakaedza kufambidzana nevadzidzi, “ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi.” Pazvakava pachena kuti iye chaizvoizvo akanga ava muKristu, kutendeuka kwake kwakava chikonzero chokufara uye chokuonga pakati pevadzidzi, avo vakanzwa, kwete kungoti mumwewo zvake aichimbova mushori akanga achinja mwoyo, asi panzvimbo pezvo kuti “uya, aititambudza kare, zvino oparidza kutenda kwaaiparadza kare.”—Mabasa 9:26; VaGaratia 1:23, 24.
Dhamasko raiva makiromita 220—mufambo weanenge mazuva manomwe kana masere—kubva kuJerusarema. Asi, “achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi,” Sauro akaenda kumupristi mukuru ndokumukumbira tsamba dzokuenda kumasinagoge eDhamasko. Nemhaka yei? Kuitira kuti Sauro aunze vakasungwa kuJerusarema vapi nevapi vaaizowana vaiva ve“Nzira Iyi.” Atenderwa navakuru-vakuru, a‘katanga kuparadza ungano, achipinda mudzimba dzose, achizvuzvurudzira kunze varume navakadzi kuti avaise mutorongo.’ Vamwe akanga ava‘rova mumasinagoge,’ uye ‘aisavatsigira’ (chaizvoizvo, chido chake chokutsigira) kuti vaurayiwe.—Mabasa 8:3; 9:1, 2, 14; 22:5, 19; 26:10 NW, mashoko emuzasi.
Tichifunga nezvekudzidza kwakawana Sauro kuna Gamarieri uye simba raakanga ava naro zvino, dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti akanga afambira mberi kubva mukuva mudzidziwo zvake weMutemo kusvika pachinhanho chokushandisa simba rakati muchiJudha. Somuenzaniso, mumwe akati, Sauro angave akanga ava mudzidzisi musinagoge reJerusarema. Zvisinei, zvinorehwa noku‘savatsigira’ kwaSauro—nyangwe senhengo yedare kana kuti somunhu anoratidzira kutsigira kwake kwetsika kuti vaKristu vaurayiwe—hatigoni kuva nechokwadi nazvo.a
Sezvo pakutanga vaKristu vose vaiva vaJudha kana kuti vapuroserite vechiJudha, sezviri pachena Sauro ainzwisisa chiKristu kuva sangano revakaramba kutenda raiva muchiJudha, uye aifunga kuti raiva basa revakuru-vakuru vechiJudha kuti varuramise vatsigiri vacho. “Hazvingavi hazvo,” inodaro nyanzvi inonzi Arland J. Hultgren, “kuti Pauro mutambudzi angadai akashora chiKristu nemhaka yokuti aichiona sechitendero chiri kunze kwechiJudha, chaikwikwidza. Sangano rechiKristu raizodai rakaonekwa naye nevamwe seraifanira kuva pasi pesimba rechiJudha.” Saka aivavarira kumanikidza vaJudha vakatsauka kuti vatendeuke ndokudzokera kukudzidzisa kunogamuchirwa, achishandisa mitoo yose yaibvira. (Mabasa 26:11) Mumwe mutoo wakazaruka kwaari waiva wokuisa mutorongo. Mumwe wacho waiva wokurova mumasinagoge, nzira inozivikanwa yekuranga iyo yaigona kupiwa sechirango chokusateerera simba ravanarabhi mudare ripi neripi remunharaunda ravatongi vatatu.
Kuzviratidza kwaJesu kuna Sauro panzira yaienda Dhamasko, chokwadi, kwakamisa izvozvo zvose. Kubva pakuva muvengi anotyisa wechiKristu, Sauro kamwe kamwe akava mutsigiri akasimba wacho, uye nokukurumidza zvikuru vaJudha vemuDhamasko vakanga votsvaka kumuuraya. (Mabasa 9:1-23) Zvinotoshamisa kuti semuKristu, Sauro aizotambura zvinhu zvakawanda izvo iye pachake akaita somutambudzi, zvokuti makore akati gare gare aigona kuti: “Ndakarohwa navaJudha kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamwe.”—2 VaKorinte 11:24.
Kushingaira Kunogona Kusaitwa Nomazvo
“Ini ndaiva mumhuri waMwari kare, nomutambudzi ndichiitira vanhu zvakaipa,” akanyora kudaro Sauro pashure pekutendeuka kwake, paakanga ava kuzivikanwa zviri nani saPauro. “Asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda.” (1 Timotio 1:13) Naizvozvo, kuva wechokwadi neanoshingaira muchitendero chako, hakuvimbisi kutenderwa naMwari. Sauro aishingaira uye aiita maererano nehana, asi izvozvo hazvina kumuita akarurama. Kushingaira kwake kwazvo hakuna kuitwa nomazvo. (Enzanisa naVaRoma 10:2, 3.) Izvozvo zvinofanira kutiita kuti tifunge.
Vakawanda nhasi vanotenda zvakasimba kuti mufambiro wakanaka ndiwo chete unodiwa naMwari. Asi ndizvo here? Mumwe nomumwe angaita zvakanaka kana akateerera zano raPauro rinoti: “Idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka.” (1 VaTesaronika 5:21) Izvi zvinoreva kuzvipa nguva yokuwana zivo yakarurama yeShoko rechokwadi raMwari ndokurarama mukutsinhirana zvakazara nayo. Kana tikaziva kubva mukunzvera Bhaibheri kuti tinofanira kuchinja, ipapo tinofanira nepatinogona napo kuzviita tisinganonoki. Zvichida vashomanene vedu takambova vamhuri, vatambudzi, kana kuti vanhu vanoita zvakaipa zvikuru sezvakanga zvakaita Sauro. Asi, nokungoita maererano nekutenda nezivo yakarurama tinogona, saiye, kuwana nyasha dzaMwari.—Johane 17:3, 17.
[Mashoko Omuzasi]
a Maererano nebhuku rinonzi The History of the Jewish People in the Age of Jesus Christ (175 B.C.–A.D. 135), rakanyorwa naEmil Schürer, kunyange zvazvo Mishnah isina nhau ine miitiro yeSanihedrini Huru, kana kuti Sanihedrini yevanhu Makumi Manomwe, avo veSanihedrini duku, yenhengo 23, vanongorondedzerwa nemashoko mashomanene chete. Vadzidzi veMutemo vaigona kupinda mhosva dzokuuraya dzaitongwa neSanihedrini duku, uko vaibvumidzwa kutsigira vaiva nemhosva kwete kupesana navo. Mune zvinoitika zvakanga zvisingabatanidzi mhosva dzokuuraya, vaigona kuita zvose.